Ko aʋa ʋose haʋaŋgaimbi rwiyo pamsoro pake, nokumuɗaɗira necirabge, ʋaciti: Unenhamo unowanza ɀisati ɀiri ɀake! Kuȿikira riniko? Ʋuye unoɀiremedza noʋuɓatso! Ʋacakurumai haʋaŋga simuki pakarepo, ʋanokumanikidzai haʋaŋgamuki here, imi mukapambga naʋo? Imi ɀamakapamba marudzi mazhinji, ʋose ʋakasara ʋamarudzi aʋanhu ʋacakupambai imi, nemhaka yeropa raʋanhu, ʋuye nemhaka yokuti makaitira nyika simba, neguta naʋose ʋagere’mo.
Unenhamo unoɀiwanira imba yake fuma yakaipa, kuti aise ɗendere rake kwakakwirira, kuti arwirwe paruʋoko rweɀakaipa! Makaraŋganira imba yenyu ɀinonyadza, ɀamakaparadza marudzi mazhinji aʋanhu, mukatadzira mŋeya wenyu. Nokuti ibge ricaɗanidzira riri paruȿiŋgo, ɗanda riri muɗeŋga ricapindura.
Unenhamo unoʋaka musha neropa, unoʋamba guta neɀakaipa! Tarirai, haɀina‐kubva kunaJehova wehondo here kuti ʋanhu ʋaɓatire mŋoto, ʋuye kuti marudzi aʋanhu aɀinetse nokuɗa kweɀisinamaturo? Nokuti nyika yose icazadzwa nokuziʋa kubginya kwaJehova, mvura seɀainofukidza pasi peguŋgwa.
Unenhamo unopa wokwake ɀinoɓata aɀinwe, unoveŋganisira’mo ʋuturu bgenyu, mucimudakisa ʋo, kuti muʋone kushama kwaʋo! Maɀigutisa neɀinonyadzisa panɀimbo yeɀinokudzwa; cinwai nemi ʋo, muʋe sousina‐kudziŋgiswa; mukombe worudyi rwaJehova ucaȿikira kwamuri, ɀinonyadzisa ɀakaipa ɀicaʋuya pamsoro pokukudzwa kwenyu. Nokuti ɀakaipa ɀakaitirwa Rebanoni ɀicakufukidzai imi, ʋuye kuparadzwa kweɀipfuwo kwakaɀityisa; nemhaka yeropa raʋanhu, nemhaka yeɀakaipa ɀakaitirwa nyika, neguta, naʋose ʋagere’mo.
Mufananidzo wakaʋezwa unoɓatsireiko, ɀawaʋezwa nomuʋezi wawo; kana mufananidzo wakaʋumbga, iwo mudzidzisi wenhema, iye wakauʋumba ɀaanoʋimba nawo, ɀaakaita ɀifananidzo ɀisiŋgagoni kutaura? Unenhamo unoti kuɗanda: Muka! kana kubge risiŋgagoni kutaura: Simuka! Ɀinhu iɀi ɀiŋgadzidzisa here? Tarirai, ɀakanamirwa nendarama nesirveri, asi hakunomŋeya mukati maɀo napaɗuku. Asi Jehova uri mutembere yake tȿene, nyika yose ŋgairambe inyerere pamberi pake.