Genesisi 31:1-16
Genesisi 31:1-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jakobho akanzwa kuti vanakomana vaRabhani vakanga vachiti, “Jakobho atora zvose zvaiva zvababa vedu uye awana upfumi hwose uhu kubva kune zvaiva zvababa vedu.” Uye Jakobho akaona kuti ndangariro dzaRabhani kwaari dzakanga dzisisina kuita sapakutanga. Ipapo Jehovha akati kuna Jakobho, “Dzokera kunyika yamadzibaba ako nokuhama dzako, uye ndichava newe.” Saka Jakobho akatuma shoko kuna Rakeri naRea kuti vauye kusango kwakanga kuna makwai ake. Akati kwavari, “Ndinoona kuti ndangariro dzababa venyu kwandiri hadzisisina kuita sezvadzakanga dzakaita kare, asi Mwari wababa vangu aneni. Munoziva kuti ndakashandira baba venyu nesimba rangu rose, asi baba venyu vakandinyengera nokushandura-shandura mubayiro wangu kagumi kose. Kunyange zvakadaro hazvo, Mwari haana kuvatendera kuti vandikuvadze. Pavakati, ‘Zvina mavara zvichava mubayiro wako,’ ipapo zvipfuwo zvose zvakabereka zvina mavara, uye pavakati, ‘Zvine mitsetse zvichava mubayiro wako,’ ipapo zvipfuwo zvose zvakaberekwa zvine mitsetse. Saka Mwari akatora zvipfuwo zvababa venyu akazvipa kwandiri. “Panguva yokubereka kwezvipfuwo, ndakarota dzimwe hope dzokuti ndakatarira ndikaona kuti nhongo dzembudzi dzaisangana nezvipfuwo dzakanga dzine mitsetse, dzina mavara kana kuti dzina makwapa. Mutumwa waMwari akati kwandiri mukurota, ‘Jakobho,’ ini ndikapindura ndikati, ‘Ndiri pano.’ Uye akati, ‘Tarira uone kuti nhongo dzose dzembudzi dzinosangana nezvipfuwo zvose dzine mitsetse, mavara kana makwapa, nokuti ndaona zvose zvakanga zvichiitwa naRabhani kwauri. Ndini Mwari weBheteri, kuya kwawakazodza mbiru uye kwawakaita mhiko neni. Zvino kurumidza ubve munyika ino udzokere kunyika kwawakazvarirwa.’ ” Ipapo Rakeri naRea vakati, “Ko, tichine mugove munhaka yababa vedu here? Ko, havationi savatorwa here? Havana kungotitengesa chete, asi vakashandisa mutengo wedu wose. Zvirokwazvo pfuma yose yakatorwa naMwari kubva kuna baba vedu ndeyedu nevana vedu. Saka ita zvose zvaunoudzwa naMwari.”
Genesisi 31:1-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jakobho akanzwa mashoko avanakomana vaRabhani, vachiti, “Jakobho atora zvose zvaiva zvababa vedu; azviwanira pfuma yose iyi kune zvaiva zvababa vedu.” Jakobho akaonawo kuti chiso chaRabhani chakanga chisakaita kwaari sapakutanga. Jehovha akati kuna Jakobho, “Dzokera kunyika yamadzibaba ako, nokuhama dzako; ini ndichava newe.” Ipapo Jakobho akatuma munhu kundodana Rakeri naRea vauye kusango kuzvipfuwo zvake; akati kwavari, “Ndinoona kuti chiso chababa venyu hachizakaita kwandiri sapakutanga; asi Mwari wababa vangu akanga aneni. Munoziva kuti ndakabatira baba venyu nesimba rangu rose. Baba venyu vakandinyengedzera, vakashandura mubayiro wangu kagumi; asi Mwari haana kutendera kuti vandiitire zvakaipa. Kana vakati, ‘Zvina mavara ngazvive mubayiro wako, zvipfuwo zvose ndokubereka zvina mavara;’ kana vakati, ‘Zvine mitsetse ngazvive mubayiro wako,’ zvipfuwo zvose ndokubereka zvine mitsetse. Naizvozvo Mwari akatorera baba venyu zvipfuwo zvavo, akandipa ini izvozvo. “Zvino zvipfuwo zvakati zvichitora mazamu, ndakatarira ndikaona pakurota kwangu nhongo, dzakanga dzichikwira zvipfuwo, dzakanga dzine mitsetse, namavara, nedzakaita pfumbu. Ipapo mutumwa waMwari akati kwandiri pakurota kwangu, ‘Jakobho!’ Ini ndikati, ‘Ndiri pano hangu.’ Akati, ‘Zvino tarira, uone, kuti nhongo dzose, dzinokwira zvipfuwo, dzinemitsetse, namavara, dzakaita pfumbu; nokuti ndazviona zvose Rabhani zvaanoita kwauri. Ndini Mwari weBheteri, paya pawakazodza shongwe, paya pawakandipikira mhiko; zvino simuka, ubve munyika ino, udzokere kunyika kwawakaberekerwa.’ ” Ipapo Rakeri naRea vakapindura vakati kwaari, “Ko tichine mugove nenhaka kuimba yababa vedu here? Hatizi tatova vatorwa kwavari here? Nokuti vakatitengesa, vakapedzawo chose mutengo wedu. Nokuti pfuma yose, yakatorerwa baba vedu naMwari, ndeyedu neyavana vedu; naizvozvo zvino chiita hako sezvawaudzwa naMwari.”
Genesisi 31:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jakobho akanzwa vanakomana vaRabhani vachiti, “Jakobho akatora zvinhu zvose zvakanga zviri zvababa vedu. Upfumi hwose uhwu akahuwana pazvinhu zvaiva zvababa vedu.” Jakobho akaonawo muuso kuti Rabhani akanga asisamufarire sapakutanga. Tenzi akataurira Jakobho kuti, “Chidzokera kunyika yamadzibaba ako, kunyika yokwako. Ini ndichava newe.” Jakobho akatuma munhu kundodaidza Rakeri naRea kuti vauye kumafuro kwaiva nezvipfuwo zvake. Akavati, “Ndava kuona muuso hwababa venyu kuti havachandifarira sapakutanga. Asi Mwari wababa vangu anga achingova neni. Munozviziva kuti ini ndakashandira baba venyu nesimba rangu rose, kunyange zvakadaro ivo vakandinyengedza. Vakaramba vachisandura mubayiro wangu kagumi kagumi. Asi Mwari haana kuvabvumidza kuti vasvike pokunditsvata nokuti baba venyu pavaiti, ‘Zvipfuwo zvine makamba makamba zvichava mubayiro wako,’ zvipfuwo zvose zvaibva zvabereka vana vane makamba makamba. Pavaizotiwo, ‘Zvine mitsetse mitsetse ndizvo zvichava mubayiro wako,’ zvipfuwo zvose zvaibva zvabereka vana vaiva nemitsetse mitsetse. Nokudaro Mwari akatorera baba venyu zvipfuwo zvavo achindipa. “Nguva iya yokunge mikono yezvipfuwo yava kutanda hadzi, ndakarota ndichiona kuti mikono yazvo yakanga ichitanda hadzi yaiva ine mitsetse mitsetse namavara mavara namakamba makamba. Mukurota ikoko mutumwa waMwari akanditi, ‘Jakobho!’ Ini ndikati, ‘Ndiri pano!’ Iye akati, ‘Tarisa uone mikono yose yezvipfuwo iri kutanda hadzi ine mitsetse mitsetse namakamba makamba namavara mavara. Chikonzero ndechokuti ndakaona zvose zvauri kuitirwa naRabhani. Ndini Mwari wokuBhetieri kuya kwawakadira ibwe mafuta, ukaita mhiko kwandiri. Saka chirongedza ubve munyika ino udzokere kunyika yawakaberekerwa.’ ” Rakeri naRea vakati, “Ko munoti tichine cheduwo here pamusha wababa vedu kunyange nhaka zvayo? Tangova vatorwa isu. Handiti vakatitengesa here vakadya mari yose yatakaroorwa nayo. Upfumi ihwohu hwakatorerwa baba vedu naMwari ndochedu chatakatoburawo isu navana vedu. Saka chiitai zvenyu chiri chose chamakaudzwa naMwari.”
Genesisi 31:1-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino wakanzwa mashoko aʋanakomana ʋaRabani, ʋaciti: Jakobo watora ɀose ɀaiʋa ɀaɓaɓa ʋeɗu; waɀiwanira fuma yose iyi kuneɀaiʋa ɀaɓaɓa ʋeɗu. Jakobo akaʋona ʋo kuti ciso caRabani cakaŋga cisakaita kwaari sapakutaŋga. Jehova akati kunaJakobo: Dzokera kunyika yamadziɓaɓa ako, nokuhama dzako; ini ndicaʋa newe. Ipapo Jakobo akatuma munhu kundoɗana Rakeri naRea ʋaʋuye kusaŋgo kuɀipfuwo ɀake; akati kwaʋari: Ndinoʋona kuti ciso caɓaɓa ʋenyu hacizakaita kwandiri sapakutaŋga; asi Mŋari waɓaɓa ʋaŋgu wakaŋga aneni. Munoziʋa kuti ndakaɓatira ɓaɓa ʋenyu nesimba raŋgu rose. Ƃaɓa ʋenyu ʋakandinyeŋgedzera, ʋakashandura muɓairo waŋgu kagumi; asi Mŋari haana‐kutendera kuti ʋandiitire ɀakaipa. Kana ʋakati: Ɀinamaʋara ŋgaɀiʋe muɓairo wako, ɀipfuwo ɀose ndokuɓereka ɀinamaʋara; kana ʋakati: Ɀinemitsetsa ŋgaɀiʋe muɓairo wako, ɀipfuwo ɀose ndokuɓereka ɀinemitsetsa. Naiɀoɀo Mŋari wakatorera ɓaɓa ʋenyu ɀipfuwo ɀaʋo, akandipa ini iɀo. Ɀino ɀipfuwo ɀakati ɀicitora mazamu, ndakatarira ndikaʋona pakurota kwaŋgu nhoŋgo, dzakaŋga dzicikwira ɀipfuwo, dzakaŋga dzinemitsetsa, namaʋara, nedzakaita pfumbu. Ipapo mutumŋa waMŋari akati kwandiri pakurota kwaŋgu: Jakobo! Ini ndikati: Ndiri pano haŋgu. Akati: Ɀino tarira, uʋone, kuti nhoŋgo dzose, dzinokwira ɀipfuwo, dzinemitsetsa, namaʋara, dzakaita pfumbu; nokuti ndaɀiʋona ɀose Rabani ɀaanoita kwauri. Ndini Mŋari weBeteri, paya pawakazodza shoŋgwe, paya pawakandipikira mhiko; ɀino simuka, ubve munyika ino, udzokere kunyika kwawakaɓerekerwa. Ipapo Rakeri naRea ʋakapindura ʋakati kwaari: Ko ticinomugoʋe nenhaka kuimba yaɓaɓa ʋeɗu here? Hatizaʋa saʋatorwa kwaʋari here — Nokuti ʋakatiteŋgesa, ʋakapedza ʋo cose muteŋgo weɗu. Nokuti fuma yose, yakatorerwa ɓaɓa ʋeɗu naMŋari, ndeyeɗu neyaʋana ʋeɗu; naiɀoɀo ɀino ciita hako seɀawaʋudzwa naMŋari.
Genesisi 31:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)