Ɀino wakanzwa mashoko aʋanakomana ʋaRabani, ʋaciti: Jakobo watora ɀose ɀaiʋa ɀaɓaɓa ʋeɗu; waɀiwanira fuma yose iyi kuneɀaiʋa ɀaɓaɓa ʋeɗu. Jakobo akaʋona ʋo kuti ciso caRabani cakaŋga cisakaita kwaari sapakutaŋga. Jehova akati kunaJakobo: Dzokera kunyika yamadziɓaɓa ako, nokuhama dzako; ini ndicaʋa newe. Ipapo Jakobo akatuma munhu kundoɗana Rakeri naRea ʋaʋuye kusaŋgo kuɀipfuwo ɀake; akati kwaʋari: Ndinoʋona kuti ciso caɓaɓa ʋenyu hacizakaita kwandiri sapakutaŋga; asi Mŋari waɓaɓa ʋaŋgu wakaŋga aneni. Munoziʋa kuti ndakaɓatira ɓaɓa ʋenyu nesimba raŋgu rose. Ƃaɓa ʋenyu ʋakandinyeŋgedzera, ʋakashandura muɓairo waŋgu kagumi; asi Mŋari haana‐kutendera kuti ʋandiitire ɀakaipa. Kana ʋakati: Ɀinamaʋara ŋgaɀiʋe muɓairo wako, ɀipfuwo ɀose ndokuɓereka ɀinamaʋara; kana ʋakati: Ɀinemitsetsa ŋgaɀiʋe muɓairo wako, ɀipfuwo ɀose ndokuɓereka ɀinemitsetsa. Naiɀoɀo Mŋari wakatorera ɓaɓa ʋenyu ɀipfuwo ɀaʋo, akandipa ini iɀo. Ɀino ɀipfuwo ɀakati ɀicitora mazamu, ndakatarira ndikaʋona pakurota kwaŋgu nhoŋgo, dzakaŋga dzicikwira ɀipfuwo, dzakaŋga dzinemitsetsa, namaʋara, nedzakaita pfumbu. Ipapo mutumŋa waMŋari akati kwandiri pakurota kwaŋgu: Jakobo! Ini ndikati: Ndiri pano haŋgu. Akati: Ɀino tarira, uʋone, kuti nhoŋgo dzose, dzinokwira ɀipfuwo, dzinemitsetsa, namaʋara, dzakaita pfumbu; nokuti ndaɀiʋona ɀose Rabani ɀaanoita kwauri. Ndini Mŋari weBeteri, paya pawakazodza shoŋgwe, paya pawakandipikira mhiko; ɀino simuka, ubve munyika ino, udzokere kunyika kwawakaɓerekerwa. Ipapo Rakeri naRea ʋakapindura ʋakati kwaari: Ko ticinomugoʋe nenhaka kuimba yaɓaɓa ʋeɗu here? Hatizaʋa saʋatorwa kwaʋari here — Nokuti ʋakatiteŋgesa, ʋakapedza ʋo cose muteŋgo weɗu. Nokuti fuma yose, yakatorerwa ɓaɓa ʋeɗu naMŋari, ndeyeɗu neyaʋana ʋeɗu; naiɀoɀo ɀino ciita hako seɀawaʋudzwa naMŋari.
Verenga chikamu Genesi 31
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Genesi 31:1-16
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo