Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 31:1-16

Mavambo 31:1-16 SCLB

Jakobho akanzwa vanakomana vaRabhani vachiti, “Jakobho akatora zvinhu zvose zvakanga zviri zvababa vedu. Upfumi hwose uhwu akahuwana pazvinhu zvaiva zvababa vedu.” Jakobho akaonawo muuso kuti Rabhani akanga asisamufarire sapakutanga. Tenzi akataurira Jakobho kuti, “Chidzokera kunyika yamadzibaba ako, kunyika yokwako. Ini ndichava newe.” Jakobho akatuma munhu kundodaidza Rakeri naRea kuti vauye kumafuro kwaiva nezvipfuwo zvake. Akavati, “Ndava kuona muuso hwababa venyu kuti havachandifarira sapakutanga. Asi Mwari wababa vangu anga achingova neni. Munozviziva kuti ini ndakashandira baba venyu nesimba rangu rose, kunyange zvakadaro ivo vakandinyengedza. Vakaramba vachisandura mubayiro wangu kagumi kagumi. Asi Mwari haana kuvabvumidza kuti vasvike pokunditsvata nokuti baba venyu pavaiti, ‘Zvipfuwo zvine makamba makamba zvichava mubayiro wako,’ zvipfuwo zvose zvaibva zvabereka vana vane makamba makamba. Pavaizotiwo, ‘Zvine mitsetse mitsetse ndizvo zvichava mubayiro wako,’ zvipfuwo zvose zvaibva zvabereka vana vaiva nemitsetse mitsetse. Nokudaro Mwari akatorera baba venyu zvipfuwo zvavo achindipa. “Nguva iya yokunge mikono yezvipfuwo yava kutanda hadzi, ndakarota ndichiona kuti mikono yazvo yakanga ichitanda hadzi yaiva ine mitsetse mitsetse namavara mavara namakamba makamba. Mukurota ikoko mutumwa waMwari akanditi, ‘Jakobho!’ Ini ndikati, ‘Ndiri pano!’ Iye akati, ‘Tarisa uone mikono yose yezvipfuwo iri kutanda hadzi ine mitsetse mitsetse namakamba makamba namavara mavara. Chikonzero ndechokuti ndakaona zvose zvauri kuitirwa naRabhani. Ndini Mwari wokuBhetieri kuya kwawakadira ibwe mafuta, ukaita mhiko kwandiri. Saka chirongedza ubve munyika ino udzokere kunyika yawakaberekerwa.’ ” Rakeri naRea vakati, “Ko munoti tichine cheduwo here pamusha wababa vedu kunyange nhaka zvayo? Tangova vatorwa isu. Handiti vakatitengesa here vakadya mari yose yatakaroorwa nayo. Upfumi ihwohu hwakatorerwa baba vedu naMwari ndochedu chatakatoburawo isu navana vedu. Saka chiitai zvenyu chiri chose chamakaudzwa naMwari.”

Verenga chikamu Mavambo 31