Zvino Jakobho akanzwa mashoko avanakomana vaRabhani, vachiti, “Jakobho atora zvose zvaiva zvababa vedu; azviwanira pfuma yose iyi kune zvaiva zvababa vedu.” Jakobho akaonawo kuti chiso chaRabhani chakanga chisakaita kwaari sapakutanga. Jehovha akati kuna Jakobho, “Dzokera kunyika yamadzibaba ako, nokuhama dzako; ini ndichava newe.”
Ipapo Jakobho akatuma munhu kundodana Rakeri naRea vauye kusango kuzvipfuwo zvake; akati kwavari, “Ndinoona kuti chiso chababa venyu hachizakaita kwandiri sapakutanga; asi Mwari wababa vangu akanga aneni. Munoziva kuti ndakabatira baba venyu nesimba rangu rose. Baba venyu vakandinyengedzera, vakashandura mubayiro wangu kagumi; asi Mwari haana kutendera kuti vandiitire zvakaipa. Kana vakati, ‘Zvina mavara ngazvive mubayiro wako, zvipfuwo zvose ndokubereka zvina mavara;’ kana vakati, ‘Zvine mitsetse ngazvive mubayiro wako,’ zvipfuwo zvose ndokubereka zvine mitsetse. Naizvozvo Mwari akatorera baba venyu zvipfuwo zvavo, akandipa ini izvozvo.
“Zvino zvipfuwo zvakati zvichitora mazamu, ndakatarira ndikaona pakurota kwangu nhongo, dzakanga dzichikwira zvipfuwo, dzakanga dzine mitsetse, namavara, nedzakaita pfumbu. Ipapo mutumwa waMwari akati kwandiri pakurota kwangu, ‘Jakobho!’ Ini ndikati, ‘Ndiri pano hangu.’ Akati, ‘Zvino tarira, uone, kuti nhongo dzose, dzinokwira zvipfuwo, dzinemitsetse, namavara, dzakaita pfumbu; nokuti ndazviona zvose Rabhani zvaanoita kwauri. Ndini Mwari weBheteri, paya pawakazodza shongwe, paya pawakandipikira mhiko; zvino simuka, ubve munyika ino, udzokere kunyika kwawakaberekerwa.’ ”
Ipapo Rakeri naRea vakapindura vakati kwaari, “Ko tichine mugove nenhaka kuimba yababa vedu here? Hatizi tatova vatorwa kwavari here? Nokuti vakatitengesa, vakapedzawo chose mutengo wedu. Nokuti pfuma yose, yakatorerwa baba vedu naMwari, ndeyedu neyavana vedu; naizvozvo zvino chiita hako sezvawaudzwa naMwari.”