VaGaratia 2:1-14
VaGaratia 2:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mushure mamakore gumi namana ndakakwirazve kuJerusarema, panguva iyi ndakanga ndina Bhanabhasi. Ndakaendawo naTito. Ndakaenda nokuda kwokuzarurirwa uye ndikarondedzera pamberi pavo vhangeri randakaparidza pakati peveDzimwe Ndudzi. Asi ndakaita izvi kuna avo vakanga vari vatungamiri vari voga, nokuti ndaitya kuti ndakanga ndichimhanya kana kuti ndatomhanya nhangemutange yangu pasina. Asi kunyange naTito, akanga aneni, haana kumanikidzwa kuti adzingiswe, kunyange zvazvo akanga ari muGiriki. Nyaya iyi yakamutswa nokuda kwedzimwe hama dzenhema dzakanga dzapinda munzvimbo dzedu kuti vazosora rusununguko rwatinarwo muna Kristu Jesu uye kuti vagotiita nhapwa. Hatina kuvapa mukana napaduku, kuitira kuti chokwadi chevhangeri chigare mamuri. Kana vari vaya vanonzi vanoremekedzwa, hazvinei kuti vakanga vakadii, kwandiri hazvina mutsauko; Mwari haatongi nezvinoonekwa zvokunze, varume ivavo havana chavakawedzera pashoko rangu. Zvisinei hazvo, vakaona kuti ndakapiwa basa rokuparidza vhangeri kune veDzimwe Ndudzi, sezvakaitwawo Petro kuvaJudha. Nokuti Mwari, iye akanga achishanda muushumiri hwaPetro somupostori kuvaJudha, akanga achishandawo muushumiri hwangu somupostori kune veDzimwe Ndudzi. Jakobho, Petro, naJohani, ivo vainzi mbiru, vakandimbunda ini naBhanabhasi noruoko rworudyi rwokuwadzana pavakaona nyasha dzandakanga ndapiwa. Vakabvuma kuti tinofanira kuenda kune veDzimwe Ndudzi, uye ivo vaende kuvaJudha. Zvavakangokumbira zvakanga zviri zvokuti isu tirambe tichirangarira varombo, chinova ndicho chinhu chandaidisa kuita. Petro akati asvika kuAndioki, ndakamutsoropodza pachena, nokuti akanga akanganisa zviri pachena. Vamwe varume vakabva kuna Jakobho vasati vasvika, akanga achimbodya neveDzimwe Ndudzi. Asi pavakasvika, akatanga kusuduruka uye akazvitsaura kubva kune veDzimwe Ndudzi nokuti akanga achitya vaya vakanga vari veboka rokudzingiswa. Vamwe vaJudha vakabatana naye pakunyengera kwake, zvokuti nokunyengera kwavo, naBhanabhasi akanga atsauswawo. Ndakati ndaona kuti vakanga vasingafambi muchokwadi chevhangeri, ndakati kuna Petro pamberi pavo vose, “Iwe uri muJudha, asi unoda kurarama somuHedheni, kwete somuJudha. Seiko, zvino, uchimanikidza veDzimwe Ndudzi kuti vatevere tsika dzechiJudha?

VaGaratia 2:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino, makore ane gumi namana akati apfuura, ndikakwirazve Jerusaremu naBhanabhasi, ndikaendawo naTitosi. Ndakakwira nokuda kwokuratidzwa; ndikarondedzera pamberi pavo Vhangeri yandinoparidza pakati pavahedheni, asi kuna vakanga vachikudzwa vari voga, kuti zvimwe ndirege kumhanyira pasina, kana kuti zvimwe ndatomhanyira pasina. Asi naTito, waiva neni, ari muGiriki, haana kurovererwa kuti adzingiswe; nokuda kwehama dzenhema, vakanga vapinzwa nokunyanga, vakanga vapinda pakavanda, kuti vashore kusununguka kwedu kwatinako muna Kristu Jesu, kuti vatisunge; hatina kuvatsedukira ivava, tichivateerera kunyangwe nguva imwechete; kuti chokwadi cheVhangeri chirambe chichigara nemi. Zvino kana vari ivo vanonzi vakuru handina mhaka kuti vaiva vakadini kare; Mwari haatendi zvinoonekwa zvomunhu kana vari ivo vanonzi vakuru, havana kundiwedzera chinhu; asi ivo vakati vaona kuti ini ndakapiwa Vhangeri kuna vasina kudzingiswa, saPetirosi kuna vakadzingiswa; nokuti iye akapa Petirosi simba rokuva mupostori kuna vakadzingiswa, ndiye akapawo ini simba rokuva mupostori kuvahedheni; vakati vaona nyasha dzandakanga ndapiwa, Jakobho, naKefasi, naJohani avo vainzi mbiru vakatibata isu tose naBhanabhasi namaoko orudyi okuyanana, kuti isu tiende kuvahedheni, ivo kuna vakadzingiswa; vakada chete kuti tirangarire varombo; ndizvo zvandakashingairirawo kuti ndizviite. Zvino Kefasi akati asvika Andioki ndakamudzivisa pachena, nokuti akanga ane mhosva. Nokuti vamwe, vakanga vabva kuna Jakobho; asi vasati vasvika, iye aidya navahedheni asi vakati vasvika akadzoka, akazviraura, achitya vakadzingiswa. Navamwe vaJudha vakaita mano-manowo pamwechete naye; zvikaitwa kuti naiye Bhanabhasiwo akatsauswa namano-mano avo. Asi ndakati ndichiona kuti havafambi zvakarurama nechokwadi cheVhangeri, ndakati kunaKefasi pamberi pavose: “Kana iwe, uri muJudha, uchifamba savahedheni usingaiti savaJudha, unoreverera seiko vahedheni, kuti vafambe savaJudha?”
VaGaratia 2:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Shure kwamakore gumi namana ndakakwirazve kuJerusaremu naBhanabhasi. Ndakatorawo Titosi ndikaenda naye. Ndakakwirako ndatozviratidzwa, ndokundoturira kuna ivavo vainzi vakuru vakuru asi zviri zvepachedu toga Shoko Rakanaka randinoparidza mukati mevechirudzi, kuti zvimwe ndingadaro ndichishandira pasina kana kuti ndaishandira pasina. Kunyange Titosi akanga aneni haana kumanikidzwa kuti adzingiswe kunyange zvazvo aiva muGiriki. Asi nokuda kwehama dzechipameso dzakapinzwa muchivande kuzosora rusununguko rwedu rwatinarwo muna Kristu Jesu kuti dzitipinze muuranda. Hatina kubvuma zvavaida kunyange napaduku zvapo, tichiitira kuti chokwadi cheShoko Rakanaka chichengeterwe imi. Avo vainzi ndivo vakuru vakuru, zvavaiva zvakanga zvisina basa kwandiri nokuti Mwari haana rusaruro. Kwavari ndinoti ivavo vainzi ndivo vakuru vakuru hapana chavakandiwedzera, asi kuti pavakaona kuti ndakapiwa basa rokuparidza Shoko Rakanaka kuna vasina kudzingiswa sezvakangoitawo Pita akapiwa basa rokuparidza Shoko Rakanaka kuna vakadzingiswa; chikonzero chiri chokuti iye aishanda nomuna Pita basa rokuva mupositori akatumwa kuna vakadzingiswa akashandawo nemandiri basa iroro kune vechirudzi; Jemusi naKefasi naJohani vainzi vakuru vakuru vacho, vaona kuti ndakapiwa chikomborero chebasa iri, vakaratidza kuva vamwe neni naBhanabhasi nokukwazisana kwatakaita navo noruoko rworudyi; izvi zvikareva kuti isu ndisu toenda kunevechirudzi ivo vachienda kuna vakadzingiswa. Asi vaida kuti tiyeuke varombo, chiri icho chinhu chandaitodisisa kuita. Asi Pita paakauya kuAntioku ndakamutsiura pachena nokuti akanga akanganisa. Zvaivapo ndezvokuti, vamwe varume vasati vauya kubva kuna Jemusi, aidya nevechirudzi. Asi pavakangouya akabva aregera avakuzvitsaura pamusana pokutya vebato rokudzingiswa. Vamwe vaJudha vakava nokusatendeka ikoko pamwe naPita. Kunyange Bhanabhasi akafurirwawo mukusatendeka kwavo ikoko. Asi pandakaona kuti vakanga vasingaiti zvinowirirana nechokwadi cheShoko Rakanaka, ndakataurira Pita navamwe vose vakanga varipo ndichiti, “Zvino kana imi muJudha kudai muchigara somunhu wechirudzi musingaiti somuJudha, mungagomanikidza sei vechirudzi kuti vagare savaJudha?”
VaGaratia 2:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino, makore anegumi namanna akati apfuʋura, ndikakwira ɀe Jerusarema naBarnabasi, ndikaenda ʋo naTitosi. Ndakakwira nokuɗa kwokuratidzwa; ndikarondedzera pamberi paʋo Evaŋgeri yandinoparidza pakati paʋahedeni, asi kunaʋakaŋga ʋacikudzwa ʋari ʋoga, kuti ɀimŋe ndirege kumhanyira pasina, kana kuti ɀimŋe ndatomhanyira pasina. Asi naTito, waiʋa neni, ari muGiriki, haanakuroʋererwa kuti adziŋgiswe; nokuɗa kwehama dzenhema, ʋakaŋga ʋapinzwa nokunyaŋga, ʋakaŋga ʋapinda pakaʋanda kuti ʋashore kusunuŋguka kweɗu kwatinako munaKristu Jesu, kuti ʋatisuŋge; hatina‐kuʋatseɗukira iʋaʋa, ticiʋaterera ŋguʋa imŋe; kuti ɀokwaɗi yeEvaŋgeri irambe icigara nemi. Ɀino kana ʋari iʋo ʋanonzi ʋakuru — handinemhaka kuti ʋaiʋa ʋakaɗini kare; Mŋari haatendi ɀinoʋonekwa ɀomunhu — kana ʋari iʋo ʋanonzi ʋakuru, haʋana‐kundiwedzera cinhu; asi iʋo ʋakati ʋaʋona kuti ini ndakapiwa Evaŋgeri kunaʋasina‐kudziŋgiswa, saPetro kunaʋakadziŋgiswa; (nokuti iye wakapa Petro simba rokuʋa muapostora kunaʋakadziŋgiswa, ndiye wakapa ʋo ini simba rokuʋa muapostora kuʋahedeni); ʋakati ʋaʋona nyasha dzandakaŋga ndapiwa, Jakobo, naKefasi, naJohane — aʋo ʋainzi mbiru — ʋakatiɓata isu tose naBarnabasi namaʋoko orudyi okuyanana, kuti isu tiende kuʋahedeni, iʋo kunaʋakadziŋgiswa; ʋakaɗa cete kuti tiraŋgarire ʋarombo; ndiɀo ɀandakashiŋgairira ʋo kuti ndiɀiite. Ɀino Kefasi wakati aȿika Antiokia ndakamudziʋisa pacena, nokuti wakaŋga anemhoȿa. Nokuti ʋamŋe, ʋakaŋga ʋabva kunaJakobo, ʋasati ʋaȿika, iye waidya naʋahedeni; asi ʋakati ʋaȿika, akadzoka, akaɀiraʋura, acitya ʋakadziŋgiswa. Naʋamŋe ʋaJuda ʋakaita mano‐mano ʋo pamŋe cete naye; ɀikaitwa kuti naiye Barnabasi ʋo akatsauswa namano‐mano aʋo. Asi ndakati ndiciʋona kuti haʋafambi ɀakarurama neɀokwaɗi yeEvaŋgeri, ndakati kunaKefasi pamberi paʋose: Kana iwe, uri muJuda, ucifamba saʋahedeni, usiŋgaiti saʋaJuda, unoroʋerera seiko ʋahedeni, kuti ʋafambe saʋaJuda?
VaGaratia 2:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)