Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vagaratia 2:1-14

Vagaratia 2:1-14 SCLB

Shure kwamakore gumi namana ndakakwirazve kuJerusaremu naBhanabhasi. Ndakatorawo Titosi ndikaenda naye. Ndakakwirako ndatozviratidzwa, ndokundoturira kuna ivavo vainzi vakuru vakuru asi zviri zvepachedu toga Shoko Rakanaka randinoparidza mukati mevechirudzi, kuti zvimwe ndingadaro ndichishandira pasina kana kuti ndaishandira pasina. Kunyange Titosi akanga aneni haana kumanikidzwa kuti adzingiswe kunyange zvazvo aiva muGiriki. Asi nokuda kwehama dzechipameso dzakapinzwa muchivande kuzosora rusununguko rwedu rwatinarwo muna Kristu Jesu kuti dzitipinze muuranda. Hatina kubvuma zvavaida kunyange napaduku zvapo, tichiitira kuti chokwadi cheShoko Rakanaka chichengeterwe imi. Avo vainzi ndivo vakuru vakuru, zvavaiva zvakanga zvisina basa kwandiri nokuti Mwari haana rusaruro. Kwavari ndinoti ivavo vainzi ndivo vakuru vakuru hapana chavakandiwedzera, asi kuti pavakaona kuti ndakapiwa basa rokuparidza Shoko Rakanaka kuna vasina kudzingiswa sezvakangoitawo Pita akapiwa basa rokuparidza Shoko Rakanaka kuna vakadzingiswa; chikonzero chiri chokuti iye aishanda nomuna Pita basa rokuva mupositori akatumwa kuna vakadzingiswa akashandawo nemandiri basa iroro kune vechirudzi; Jemusi naKefasi naJohani vainzi vakuru vakuru vacho, vaona kuti ndakapiwa chikomborero chebasa iri, vakaratidza kuva vamwe neni naBhanabhasi nokukwazisana kwatakaita navo noruoko rworudyi; izvi zvikareva kuti isu ndisu toenda kunevechirudzi ivo vachienda kuna vakadzingiswa. Asi vaida kuti tiyeuke varombo, chiri icho chinhu chandaitodisisa kuita. Asi Pita paakauya kuAntioku ndakamutsiura pachena nokuti akanga akanganisa. Zvaivapo ndezvokuti, vamwe varume vasati vauya kubva kuna Jemusi, aidya nevechirudzi. Asi pavakangouya akabva aregera avakuzvitsaura pamusana pokutya vebato rokudzingiswa. Vamwe vaJudha vakava nokusatendeka ikoko pamwe naPita. Kunyange Bhanabhasi akafurirwawo mukusatendeka kwavo ikoko. Asi pandakaona kuti vakanga vasingaiti zvinowirirana nechokwadi cheShoko Rakanaka, ndakataurira Pita navamwe vose vakanga varipo ndichiti, “Zvino kana imi muJudha kudai muchigara somunhu wechirudzi musingaiti somuJudha, mungagomanikidza sei vechirudzi kuti vagare savaJudha?”

Verenga chikamu Vagaratia 2