Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vagaratiya 2:1-14

Vagaratiya 2:1-14 SNA2002

Zvino, makore ane gumi namana akati apfuura, ndikakwirazve Jerusaremu naBhanabhasi, ndikaendawo naTitosi. Ndakakwira nokuda kwokuratidzwa; ndikarondedzera pamberi pavo Vhangeri yandinoparidza pakati pavahedheni, asi kuna vakanga vachikudzwa vari voga, kuti zvimwe ndirege kumhanyira pasina, kana kuti zvimwe ndatomhanyira pasina. Asi naTito, waiva neni, ari muGiriki, haana kurovererwa kuti adzingiswe; nokuda kwehama dzenhema, vakanga vapinzwa nokunyanga, vakanga vapinda pakavanda, kuti vashore kusununguka kwedu kwatinako muna Kristu Jesu, kuti vatisunge; hatina kuvatsedukira ivava, tichivateerera kunyangwe nguva imwechete; kuti chokwadi cheVhangeri chirambe chichigara nemi. Zvino kana vari ivo vanonzi vakuru handina mhaka kuti vaiva vakadini kare; Mwari haatendi zvinoonekwa zvomunhu kana vari ivo vanonzi vakuru, havana kundiwedzera chinhu; asi ivo vakati vaona kuti ini ndakapiwa Vhangeri kuna vasina kudzingiswa, saPetirosi kuna vakadzingiswa; nokuti iye akapa Petirosi simba rokuva mupostori kuna vakadzingiswa, ndiye akapawo ini simba rokuva mupostori kuvahedheni; vakati vaona nyasha dzandakanga ndapiwa, Jakobho, naKefasi, naJohani avo vainzi mbiru vakatibata isu tose naBhanabhasi namaoko orudyi okuyanana, kuti isu tiende kuvahedheni, ivo kuna vakadzingiswa; vakada chete kuti tirangarire varombo; ndizvo zvandakashingairirawo kuti ndizviite. Zvino Kefasi akati asvika Andioki ndakamudzivisa pachena, nokuti akanga ane mhosva. Nokuti vamwe, vakanga vabva kuna Jakobho; asi vasati vasvika, iye aidya navahedheni asi vakati vasvika akadzoka, akazviraura, achitya vakadzingiswa. Navamwe vaJudha vakaita mano-manowo pamwechete naye; zvikaitwa kuti naiye Bhanabhasiwo akatsauswa namano-mano avo. Asi ndakati ndichiona kuti havafambi zvakarurama nechokwadi cheVhangeri, ndakati kunaKefasi pamberi pavose: “Kana iwe, uri muJudha, uchifamba savahedheni usingaiti savaJudha, unoreverera seiko vahedheni, kuti vafambe savaJudha?”