Vagaratiya 2
2
Pauro navamwe vapostori vaJesu
1Zvino, makore ane gumi namana akati apfuura, ndikakwirazve Jerusaremu naBhanabhasi, ndikaendawo naTitosi. 2Ndakakwira nokuda kwokuratidzwa; ndikarondedzera pamberi pavo Vhangeri yandinoparidza pakati pavahedheni, asi kuna vakanga vachikudzwa vari voga, kuti zvimwe ndirege kumhanyira pasina, kana kuti zvimwe ndatomhanyira pasina. 3Asi naTito, waiva neni, ari muGiriki, haana kurovererwa kuti adzingiswe; 4nokuda kwehama dzenhema, vakanga vapinzwa nokunyanga, vakanga vapinda pakavanda, kuti vashore kusununguka kwedu kwatinako muna Kristu Jesu, kuti vatisunge; 5hatina kuvatsedukira ivava, tichivateerera kunyangwe nguva imwechete; kuti chokwadi cheVhangeri chirambe chichigara nemi.
6Zvino kana vari ivo vanonzi vakuru handina mhaka kuti vaiva vakadini kare; Mwari haatendi zvinoonekwa zvomunhu kana vari ivo vanonzi vakuru, havana kundiwedzera chinhu; 7asi ivo vakati vaona kuti ini ndakapiwa Vhangeri kuna vasina kudzingiswa, saPetirosi kuna vakadzingiswa; 8nokuti iye akapa Petirosi simba rokuva mupostori kuna vakadzingiswa, ndiye akapawo ini simba rokuva mupostori kuvahedheni; 9vakati vaona nyasha dzandakanga ndapiwa, Jakobho, naKefasi, naJohani avo vainzi mbiru vakatibata isu tose naBhanabhasi namaoko orudyi okuyanana, kuti isu tiende kuvahedheni, ivo kuna vakadzingiswa; 10vakada chete kuti tirangarire varombo; ndizvo zvandakashingairirawo kuti ndizviite.
11Zvino Kefasi akati asvika Andioki ndakamudzivisa pachena, nokuti akanga ane mhosva. 12Nokuti vamwe, vakanga vabva kuna Jakobho; asi vasati vasvika, iye aidya navahedheni asi vakati vasvika akadzoka, akazviraura, achitya vakadzingiswa. 13Navamwe vaJudha vakaita mano-manowo pamwechete naye; zvikaitwa kuti naiye Bhanabhasiwo akatsauswa namano-mano avo. 14Asi ndakati ndichiona kuti havafambi zvakarurama nechokwadi cheVhangeri, ndakati kunaKefasi pamberi pavose: “Kana iwe, uri muJudha, uchifamba savahedheni usingaiti savaJudha, unoreverera seiko vahedheni, kuti vafambe savaJudha?”
15Isu vaJudha pakuzvarwa kwedu, tisati tiri vatadzi vanobva kuvahedheni, 16zvatinoziva kuti munhu haaruramiswi namabasa omurayiro, asi nokutenda kuna Kristu Jesu, nesuo takatenda kuna Kristu Jesu, kuti tiruramiswe nokutenda kuna Kristu, tirege kururamiswa namabasa omurayiro; nokuti hakuna munhu acharuramiswa namabasa omurayiro. 17Zvino kana isu pakutsvaka kwekururamiswa muna Kristu, tikawanikwa tiri vatadziwo timene, ko Kristu wava mushumiri wezvivi here? Haisva! 18Nokuti kana ndikavakazve izvo zvandamboputsa, ndinozviita mudariki. 19Nokuti nomurayiro ini ndakafa kumurayiro, kuti ndirarame kuna Mwari.
20Ndakaroverwa pamuchijikwa pamwechete naKristu; handichiri ini ndinorarama, asi Kristu anorarama mandiri; kurarama uku, kwandinorarama nako munyama zvino, ndinorarama nokutenda kuri muMwanakomana waMwari, akandida, akazvipa nokuda kwangu. 21Handikonesi nyasha dzaMwari; nokuti kana kururamiswa kuchibva kumurayiro, Kristu akafa pasina.
Zvasarudzwa nguva ino
Vagaratiya 2: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002