Ezira 8:1-14
Ezira 8:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ava ndivo vakuru vemhuri naavo vakanyorwa pamwe chete navo vakauya pamwe chete neni kubva kuBhabhironi panguva yokutonga kwaMambo Atazekisesi: kuzvizvarwa zvaFinehasi, Gerishomi; kuzvizvarwa zvaItamari, Dhanieri; kuzvizvarwa zvaDhavhidhi, Hatushi akabva kuzvizvarwa zvaShekania; kuzvizvarwa zvaParoshi, Zekaria, uye pamwe chete naye kwakanyorwa varume zana namakumi mashanu; kuzvizvarwa zvaPahati-Moabhu, Eriehoenai mwanakomana waZekaria, uye pamwe chete naye varume mazana maviri; kuzvizvarwa zvaZatu, Shekania mwanakomana waJahazieri, uye pamwe chete naye varume mazana matatu; kuzvizvarwa zvaAdhini, Ebhedhi mwanakomana waJonatani, uye pamwe chete naye varume makumi mashanu; kuzvizvarwa zvaEramu, Jeshaya mwanakomana waAtaria uye pamwe chete naye varume makumi manomwe; kuzvizvarwa zvaShefatia, Zebhadhia mwanakomana Mikaeri, uye pamwe chete naye varume makumi masere; kuzvizvarwa zvaJoabhu, Obhadhia mwanakomana waJehieri, uye pamwe chete naye varume mazana maviri negumi navasere; kuzvizvarwa zvaBhani, Sheromiti mwanakomana waJosifia, uye pamwe chete naye varume zana namakumi matanhatu; kuzvizvarwa zvaBhebhai, Zekaria mwanakomana waBhebhai, uye pamwe chete naye varume makumi maviri navasere; kuzvizvarwa zvaAzigadhi, Johanani mwanakomana waHakatani, uye pamwe chete naye varume zana negumi; kuzvizvarwa zvaAdhonikami, ivo vokupedzisira, mazita avo vaiti Erifereti, Jeuyeri naShemaya, uye pamwe chete navo varume makumi matanhatu; kuzvizvarwa zvaBhigivhai, Utai naZakuri, uye pamwe chete navo varume makumi manomwe.
Ezira 8:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ava ndivo vakuru vedzimba dzamadzibaba avo, uye ndiwo mazita avakabva neni Bhabhironi, panguva yokubata ushe kwamambo Aritashasita. Pakati pavanakomana vaPinehasi, Gerishomi; pakati pavanakomana vaItamari, Dhanieri; pakati pavanakomana vaDhavhidhi, Hatushi. Pakati pavanakomana vaShekania, pakati pavanakomana vaParoshi, Zekariya; uye pamwechete naye vakaverenga mazita avarume vane zana namakumi mashanu. Pakati pavanakomana vaPahatimoabhi, Eriehoenai mwanakomana waZerahia; uye pamwechete naye varume vana mazana maviri. Pakati pavanakomana vaShekania, mwanakomana waJahazieri, uye pamwechete naye varume vana mazana matatu. Pakati pavanakomana vaAdhini, Ebhedhi mwanakomana waJonatani; uye pamwechete naye varume vana makumi mashanu. Pakati pavanakomana vaErami, Jeshaya mwanakomana waAtaria; uye pamwechete naye varume vana makumi manomwe. Pakati pavanakomana vaShefatia, Zebhadhia mwanakomana waMikaeri; uye pamwechete naye varume vana makumi masere. Pakati pavanakomana vaJoabhi, Obhadhiya mwanakomana waJehieri; uye pamwechete naye varume vana mazana maviri negumi navasere. Pakati pavanakomana vaSheromiti, mwanakomana waJosifiya, uye pamwechete naye varume vane zana namakumi matanhatu. Pakati pavanakomana vaBhebhai, Zekariya mwanakomana waBhebhai; uye pamwechete naye varume vana makumi maviri navasere. Pakati pavanakomana vaAzagadhi, Johanani mwanakomana waHakatani; uye pamwechete naye varume vane zana negumi rimwe. Pakati pavanakomana vaAdhonikami, ivo vokupedzisira, mazita avo ndiwo: Erifereti, naJeueri, naShemaya; uye pamwechete navo varume vana makumi matanhatu. Pakati pavanakomana vaBhigivhai, Utai naZabhudhi; uye pamwechete navo varume vana makumi manomwe.
Ezira 8:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vanakomana vevatungamiriri vedzimhuri dzemadzibaba avo nezvizvarwa zvevakasimuka vakabva kuBhabhironi neni pakutonga kwamambo Atakizesesi ndeava ava, paiti: vokwaFinehasi: ndiGerishomu vokwaItamaru: ndiDhanieri vokwaDhavhidhi: ndiHatushi wokumhuri yokwaShekaniya. Vanakomana vokwaParoshi: ndiZekariya aiva nezana revanhu rine varume makumi mashanu vaakanyorwa ainavo vokwaPahatimoabhu: ndiErihoenai wokumhuri yokwaZeraya aine mazana maviri evarume vanakomana vokwaShekaniya mwanakomana waJahazieri aine mazana matatu avarume. VokwaAdhini: ndiObhedhi mwanakomana waJonatani akanga aina varume makumi mashanu vokwaEramu: ndiJeshaya mwanakomana waAtariya aivawo namakumi manomwe avarume vokwaShefatiya: ndiZebhadhiya mwanakomana waMikaeri aina makumi masere evarume vokwaJoabhu: ndiObhadhiya mwanakomana waJehieri namazana maviri evarume navarume gumi navasere vokwaBhani: ndiSherumiti mwanakomana waJosifiya akanga aine zana namakumi matanhatu evarume vokwaBhebhai: ndiZekariya mwanakomana wokwaBhebhai aine varume makumi maviri ane vasere. VokwaAazigadhi: ndiJohanani mwanakomana wokwaHakatani akangawo aine zana revarume rine varume gumi vokwaAdhonikamu: vokupedzisira vacho mazita avo ndeaya anoti Erifereti naJeueri naShemaya vaivawo namakumi matanhatu evarume vokwaBhigivhai: ndiUtai naZakuri vaine makumi manomwe evarume.
Ezira 8:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino aʋa ndiʋo ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, ʋuye ndiwo mazita aʋakabva neni Babironi, paŋguʋa yokuɓata ʋushe kwamambo Artashasta: Pakati paʋanakomana ʋaPinehasi, Gershomi; pakati paʋanakomana ʋaItamari, Danieri; pakati paʋanakomana ʋaDavidi, Hatushi. Pakati paʋanakomana ʋaShekania, pakati paʋanakomana ʋaParoshi, Zekaria; ʋuye pamŋe cete naye ʋakaʋereŋga mazita aʋarume ʋanezana namakumi mashanu. Pakati paʋanakomana ʋaPahati‐moabi, Eriehoenai mŋanakomana waZerahia; ʋuye pamŋe cete naye ʋarume ʋanamazana maʋiri. Pakati paʋanakomana ʋaShekania, mŋanakomana waJahazieri, ʋuye pamŋe cete naye ʋarume ʋanamazana matatu. Pakati paʋanakomana ʋaAdini, Ebedi mŋanakomana waJonatani; ʋuye pamŋe cete naye ʋarume ʋanamakumi mashanu. Pakati paʋanakomana ʋaErami, Jeshaya mŋanakomana waAtaria; ʋuye pamŋe cete naye ʋarume ʋanamakumi manomŋe. Pakati paʋanakomana ʋaShefatia, Zebadia mŋanakomana waMikaeri; ʋuye pamŋe cete naye ʋarume ʋanamakumi masere. Pakati paʋanakomana ʋaJoabi, Obadia mŋanakomana waJehieri; ʋuye pamŋe cete naye ʋarume ʋanamazana maʋiri negumi naʋasere. Pakati paʋanakomana ʋaSheromiti, mŋanakomana waJosifiya; ʋuye pamŋe cete naye ʋarume ʋanezana namakumi matanhatu. Pakati paʋanakomana ʋaBebai, Zekaria mŋanakomana waBebai; ʋuye pamŋe cete naye ʋarume ʋanamakumi maʋiri naʋasere. Pakati paʋanakomana ʋaAzgadi, Johanani mŋanakomana waHakatani; ʋuye pamŋe cete naye ʋarume ʋanezana negumi rimŋe. Pakati paʋanakomana ʋaAdonikami, iʋo ʋokupedzisira, mazita aʋo ndiwo: Erifereti, naJeueri, naShemaya; ʋuye pamŋe cete naʋo ʋarume ʋanamakumi matanhatu. Pakati paʋanakomana ʋaBigvai, Utai naZabudi; ʋuye pamŋe cete naʋo ʋarume ʋanamakumi manomŋe.
Ezira 8:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)