Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezra 8:1-14

Ezra 8:1-14 SUB1949

Ɀino aʋa ndiʋo ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, ʋuye ndiwo mazita aʋakabva neni Babironi, paŋguʋa yokuɓata ʋushe kwamambo Artashasta: Pakati paʋanakomana ʋaPinehasi, Gershomi; pakati paʋanakomana ʋaItamari, Danieri; pakati paʋanakomana ʋaDavidi, Hatushi. Pakati paʋanakomana ʋaShekania, pakati paʋanakomana ʋaParoshi, Zekaria; ʋuye pamŋe cete naye ʋakaʋereŋga mazita aʋarume ʋanezana namakumi mashanu. Pakati paʋanakomana ʋaPahati‐moabi, Eriehoenai mŋanakomana waZerahia; ʋuye pamŋe cete naye ʋarume ʋanamazana maʋiri. Pakati paʋanakomana ʋaShekania, mŋanakomana waJahazieri, ʋuye pamŋe cete naye ʋarume ʋanamazana matatu. Pakati paʋanakomana ʋaAdini, Ebedi mŋanakomana waJonatani; ʋuye pamŋe cete naye ʋarume ʋanamakumi mashanu. Pakati paʋanakomana ʋaErami, Jeshaya mŋanakomana waAtaria; ʋuye pamŋe cete naye ʋarume ʋanamakumi manomŋe. Pakati paʋanakomana ʋaShefatia, Zebadia mŋanakomana waMikaeri; ʋuye pamŋe cete naye ʋarume ʋanamakumi masere. Pakati paʋanakomana ʋaJoabi, Obadia mŋanakomana waJehieri; ʋuye pamŋe cete naye ʋarume ʋanamazana maʋiri negumi naʋasere. Pakati paʋanakomana ʋaSheromiti, mŋanakomana waJosifiya; ʋuye pamŋe cete naye ʋarume ʋanezana namakumi matanhatu. Pakati paʋanakomana ʋaBebai, Zekaria mŋanakomana waBebai; ʋuye pamŋe cete naye ʋarume ʋanamakumi maʋiri naʋasere. Pakati paʋanakomana ʋaAzgadi, Johanani mŋanakomana waHakatani; ʋuye pamŋe cete naye ʋarume ʋanezana negumi rimŋe. Pakati paʋanakomana ʋaAdonikami, iʋo ʋokupedzisira, mazita aʋo ndiwo: Erifereti, naJeueri, naShemaya; ʋuye pamŋe cete naʋo ʋarume ʋanamakumi matanhatu. Pakati paʋanakomana ʋaBigvai, Utai naZabudi; ʋuye pamŋe cete naʋo ʋarume ʋanamakumi manomŋe.

Verenga chikamu Ezra 8