Ava ndivo vakuru vemhuri naavo vakanyorwa pamwe chete navo vakauya pamwe chete neni kubva kuBhabhironi panguva yokutonga kwaMambo Atazekisesi:
kuzvizvarwa zvaFinehasi,
Gerishomi;
kuzvizvarwa zvaItamari,
Dhanieri;
kuzvizvarwa zvaDhavhidhi,
Hatushi akabva kuzvizvarwa zvaShekania;
kuzvizvarwa zvaParoshi,
Zekaria, uye pamwe chete naye kwakanyorwa varume zana namakumi mashanu;
kuzvizvarwa zvaPahati-Moabhu,
Eriehoenai mwanakomana waZekaria, uye pamwe chete naye varume mazana maviri;
kuzvizvarwa zvaZatu,
Shekania mwanakomana waJahazieri, uye pamwe chete naye varume mazana matatu;
kuzvizvarwa zvaAdhini,
Ebhedhi mwanakomana waJonatani, uye pamwe chete naye varume makumi mashanu;
kuzvizvarwa zvaEramu,
Jeshaya mwanakomana waAtaria uye pamwe chete naye varume makumi manomwe;
kuzvizvarwa zvaShefatia,
Zebhadhia mwanakomana Mikaeri, uye pamwe chete naye varume makumi masere;
kuzvizvarwa zvaJoabhu,
Obhadhia mwanakomana waJehieri, uye pamwe chete naye varume mazana maviri negumi navasere;
kuzvizvarwa zvaBhani,
Sheromiti mwanakomana waJosifia, uye pamwe chete naye varume zana namakumi matanhatu;
kuzvizvarwa zvaBhebhai,
Zekaria mwanakomana waBhebhai, uye pamwe chete naye varume makumi maviri navasere;
kuzvizvarwa zvaAzigadhi,
Johanani mwanakomana waHakatani, uye pamwe chete naye varume zana negumi;
kuzvizvarwa zvaAdhonikami,
ivo vokupedzisira, mazita avo vaiti Erifereti, Jeuyeri naShemaya, uye pamwe chete navo varume makumi matanhatu;
kuzvizvarwa zvaBhigivhai,
Utai naZakuri, uye pamwe chete navo varume makumi manomwe.