Zvino ava ndivo vakuru vedzimba dzamadzibaba avo, uye ndiwo mazita avakabva neni Bhabhironi, panguva yokubata ushe kwamambo Aritashasita. Pakati pavanakomana vaPinehasi, Gerishomi; pakati pavanakomana vaItamari, Dhanieri; pakati pavanakomana vaDhavhidhi, Hatushi. Pakati pavanakomana vaShekania, pakati pavanakomana vaParoshi, Zekariya; uye pamwechete naye vakaverenga mazita avarume vane zana namakumi mashanu. Pakati pavanakomana vaPahatimoabhi, Eriehoenai mwanakomana waZerahia; uye pamwechete naye varume vana mazana maviri. Pakati pavanakomana vaShekania, mwanakomana waJahazieri, uye pamwechete naye varume vana mazana matatu. Pakati pavanakomana vaAdhini, Ebhedhi mwanakomana waJonatani; uye pamwechete naye varume vana makumi mashanu. Pakati pavanakomana vaErami, Jeshaya mwanakomana waAtaria; uye pamwechete naye varume vana makumi manomwe. Pakati pavanakomana vaShefatia, Zebhadhia mwanakomana waMikaeri; uye pamwechete naye varume vana makumi masere. Pakati pavanakomana vaJoabhi, Obhadhiya mwanakomana waJehieri; uye pamwechete naye varume vana mazana maviri negumi navasere. Pakati pavanakomana vaSheromiti, mwanakomana waJosifiya, uye pamwechete naye varume vane zana namakumi matanhatu. Pakati pavanakomana vaBhebhai, Zekariya mwanakomana waBhebhai; uye pamwechete naye varume vana makumi maviri navasere. Pakati pavanakomana vaAzagadhi, Johanani mwanakomana waHakatani; uye pamwechete naye varume vane zana negumi rimwe. Pakati pavanakomana vaAdhonikami, ivo vokupedzisira, mazita avo ndiwo: Erifereti, naJeueri, naShemaya; uye pamwechete navo varume vana makumi matanhatu. Pakati pavanakomana vaBhigivhai, Utai naZabhudhi; uye pamwechete navo varume vana makumi manomwe.
Verenga chikamu Ezira 8
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ezira 8:1-14
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo