Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezira 8:1-14

Ezira 8:1-14 SCLBD

Vanakomana vevatungamiriri vedzimhuri dzemadzibaba avo nezvizvarwa zvevakasimuka vakabva kuBhabhironi neni pakutonga kwamambo Atakizesesi ndeava ava, paiti: vokwaFinehasi: ndiGerishomu vokwaItamaru: ndiDhanieri vokwaDhavhidhi: ndiHatushi wokumhuri yokwaShekaniya. Vanakomana vokwaParoshi: ndiZekariya aiva nezana revanhu rine varume makumi mashanu vaakanyorwa ainavo vokwaPahatimoabhu: ndiErihoenai wokumhuri yokwaZeraya aine mazana maviri evarume vanakomana vokwaShekaniya mwanakomana waJahazieri aine mazana matatu avarume. VokwaAdhini: ndiObhedhi mwanakomana waJonatani akanga aina varume makumi mashanu vokwaEramu: ndiJeshaya mwanakomana waAtariya aivawo namakumi manomwe avarume vokwaShefatiya: ndiZebhadhiya mwanakomana waMikaeri aina makumi masere evarume vokwaJoabhu: ndiObhadhiya mwanakomana waJehieri namazana maviri evarume navarume gumi navasere vokwaBhani: ndiSherumiti mwanakomana waJosifiya akanga aine zana namakumi matanhatu evarume vokwaBhebhai: ndiZekariya mwanakomana wokwaBhebhai aine varume makumi maviri ane vasere. VokwaAazigadhi: ndiJohanani mwanakomana wokwaHakatani akangawo aine zana revarume rine varume gumi vokwaAdhonikamu: vokupedzisira vacho mazita avo ndeaya anoti Erifereti naJeueri naShemaya vaivawo namakumi matanhatu evarume vokwaBhigivhai: ndiUtai naZakuri vaine makumi manomwe evarume.

Verenga chikamu Ezira 8