Ekisodho 33:9-11
Ekisodho 33:9-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kana Mozisi apinda mutende, shongwe yegore yaiburuka yobva yamira pamukova, Jehovha achitaura naMozisi. Vanhu vaiti vangoona shongwe yegore pamukova wokupinda mutende, vose vaimira vobva vanamata, mumwe nomumwe pamukova wetende rake. Jehovha aizotaura naMozisi uso nouso, somunhu anotaura neshamwari yake. Ipapo Mozisi aizodzokera kumusasa, asi mubatsiri wake Joshua mwanakomana waNuni akanga asingabudi mutende.
Ekisodho 33:9-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino kana Mosesi apinda muTende, shongwe yegore yaJehovha yaiburuka ikamira pamukova weTende, Jehovha akataura naMosesi. Vanhu vose vakaona shongwe yegore imire pamukova weTende, vanhu vose vakasimuka, vakanamata pasi mumwe nomumwe pamukova wetende rake. Ipapo Jehovha waitaura naMosesi zviso zvakatarisana, somunhu anotaurirana neshamwari yake. Zvino wodzokerazve kumisasa; asi muranda wake Joshua, mwanakomana waNuni, mujaya, haazaibva paTende.
Ekisodho 33:9-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mosesi aiti kana apindamo, shongwe yegore yaiuya yomira pamusuo wetendhe iroro, Tenzi otaura naMosesi. Vanhu vose vaiti nyandu kusumuka kana vaona shongwe yegore iyoyo yamira pamusuo wetendhe iroro, vobva vazoti pasi gwadagwa munhu woga woga ari pamusuo wetendhe rake vonamata. Saizvozvo Tenzi aitaurirana naMosesi vakatarisana uso nouso somunhu anokurukurirana neshamwari yake. Painge Mosesi odzokera zvake kumatendhe, Joshuwa, mwanakomana waNunu, jaya raibatsira Mosesi, akanga asingasiyane netendhe iroro.
Ekisodho 33:9-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino kana Mosesi apinda muTente, shoŋgwe yegore yaJehova yaiɓuruka ikamira pamukoʋa weTente, Jehova akataura naMosesi. Ʋanhu ʋose ʋakaʋona shoŋgwe yegore imire pamukoʋa weTente, ʋanhu ʋose ʋakasimuka, ʋakanamata pasi mumŋe nomumŋe pamukoʋa wetente rake. Ipapo Jehova waitaura naMosesi ɀiso ɀakatarisana, somunhu unotaurirana neshamŋari yake. Ɀino wodzokera ɀe kumisasa; asi muranda wake Joshua, mŋanakomana waNuni, mujaya, haazaibva paTente.
Ekisodho 33:9-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)