Eksodo 33
33
Jehoʋa unoramba kuenda naʋaIsraeri, asi Mosesi unoʋanyeŋgeterera.
1Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: Ibva pano, kwira, iwe naʋanhu ʋawakaɓuɗisa munyika yeEgipita, muende kunyika yandakapikira Abrahama, naIsaka, naJakobo, ndiciti, ndicaipa ʋana ʋako; 2ndicatuma mutumŋa pamberi penyu, kuti ndidziŋge ʋaKanani, naʋaAmori, naʋaHeti, naʋaPerezi, naʋaHivi, naʋaJebusi, 3muende kunyika inoyerera mukaka noʋuci, nokuti ini handiŋgakwiri pakati penyu, nokuti muri ʋanhu ʋanemitsipa mikukutu, kuti ndirege kukuparadzai panzira. 4Ɀino ʋanhu ʋakati ʋacinzwa mashoko iwayo akaipa, ʋakacema; kwakaŋga kusinomunhu wakashoŋga ɀishoŋgo ɀake. 5Ipapo Jehova akati kunaMosesi: Uti kuʋana ʋaIsraeri: Muri ʋanhu ʋanemitsipa mikukutu; kana ndikapinda pakati penyu ciŋguʋa cimŋe ciɗuku‐ɗuku, ndiŋgakuparadzai; naiɀoɀo bvisai ɀishoŋgo ɀenyu ɀino, ndiziʋe candiŋgakuitirai. 6Ipapo ʋana ʋaIsraeri ʋakabvisa ɀishoŋgo ɀaʋo kubva pagomo reHorebi.
7Ɀino Mosesi waisitora tente, acindoridzika kunze kwemisasa, kure nemisasa, akaritumidza zita rinonzi, Tente rokusoŋgana. Ɀino mumŋe nomumŋe waitȿaka Jehova, waiɓuɗira kutente rokusoŋgana, rakaŋga riri kunze kwemisasa. 8Ɀino kwaiti kana Mosesi oɓuɗira kuTente, ʋanhu ʋose ʋaisimuka, ʋakamira mumŋe nomumŋe pamukoʋa wetente rake, ʋakaramba ʋakatarira Mosesi kuȿikira apinda muTente. 9Ɀino kana Mosesi apinda muTente, shoŋgwe yegore yaJehova yaiɓuruka ikamira pamukoʋa weTente, Jehova akataura naMosesi. 10Ʋanhu ʋose ʋakaʋona shoŋgwe yegore imire pamukoʋa weTente, ʋanhu ʋose ʋakasimuka, ʋakanamata pasi mumŋe nomumŋe pamukoʋa wetente rake. 11Ipapo Jehova waitaura naMosesi ɀiso ɀakatarisana, somunhu unotaurirana neshamŋari yake. Ɀino wodzokera ɀe kumisasa; asi muranda wake Joshua, mŋanakomana waNuni, mujaya, haazaibva paTente.
12Ɀino Mosesi akati kunaJehova: Tarirai, makati kwandiri: Kwira naʋanhu aʋa, asi hamuna‐kundiziʋisa kuti mucatuma ani neni, kunyaŋge makati: Ndinokuziʋa nezita rako, wakawana nyasha pamberi paŋgu. 13Ɀino kana ndakawana nyasha pamberi penyu, cindiratidzai nzira dzenyu, kuti ndikuziʋei, ndiwane nyasha pamberi penyu; raŋgarirai ʋo kuti rudzi urwu ndiʋanhu ʋenyu. 14Jehoʋa akati: Ini ndimene ndicaenda newe, ndikupe zororo. 15Akati kwaari: Kana imi mumene musiŋgaendi neni, regai henyu kutibvisa pano. 16Nokuti ɀicazikanwa seiko kuti ndakawana nyasha pamberi penyu, ini naʋanhu ʋenyu? Hakuzi kuti muende nesu, tigoʋa ʋakatsaurwa, ini naʋanhu ʋenyu pakati paʋamŋe ʋanhu ʋose ʋapanyika dzose here?
17Ipapo Jehova akati kunaMosesi: Ndicaita ʋo cinhu ici cawareʋa, nokuti wawana nyasha pamberi paŋgu, ndinokuziʋa nezita rako. 18Iye akati: Ƌondiratidzai henyu kubginya kwenyu. 19Jehoʋa akati: Ndicapfuʋudza kunaka kwaŋgu kwose pamberi pako, nokuɗana zita raJehova pamberi pako; asi ndicanzwira nyasha wandinoɗa kunzwira nyasha, ndicanzwira tsitsi wandinoɗa kunzwira tsitsi. 20Akati ʋo: Hauŋgaʋoni ciso caŋgu, nokuti hakunomunhu uŋgandiʋona, akazorarama. 21Jehova akati ʋo: Tarira, panenɀimbo ʋuno kwandiri, uŋgamira pabge. 22Ɀino kana kubginya kwaŋgu kwopfuʋura, ndicakupinza mumukaha webge, ndigokufukidza noruʋoko rwaŋgu kuȿikira ndapfuʋura; 23ipapo ndicabvisa ruʋoko rwaŋgu, ugondiʋona neceshure; asi ciso caŋgu haciʋonekwi.
Zvasarudzwa nguva ino
Eksodo 33: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018