Ekisodho 33:18-19
Ekisodho 33:18-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Mozisi akati, “Zvino ndiratidzei kubwinya kwenyu.” Uye Jehovha akati, “Ndichaita kuti kunaka kwangu kupfuure napamberi pako, uye ndichaparidza zita rangu, iro Jehovha, pamberi pako. Ndichanzwira nyasha iye wandichanzwira nyasha, uye ndichanzwira tsitsi uyo wandichanzwira tsitsi.”
Ekisodho 33:18-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Iye akati, “Dondiratidzai henyu kubwinya kwenyu.” Jehovha akati, “Ndichapfuudza kunaka kwangu kwose pamberi pako, nokudana zita raJehovha pamberi pako, asi ndichanzwira nyasha wandinoda kunzwira nyasha, ndichanzwira tsitsi wandinoda kunzwira tsitsi.”
Ekisodho 33:18-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mosesi akati, “Ndapota, ndiratidzeiwo mbiri yenyu inopenya.” Mwari ndokuti, “Ndichapfuura napauri uone kunaka kwangu kwose ndigodoma zita rangu rokuti ‘Yahweh’. Ndinoitira mwoyochena kune wandinenge ndada zvangu kuitira mwoyochena, ndichiitirawo tsitsi kune wandinenge ndada zvangu kuitira tsitsi.”
Ekisodho 33:18-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Iye akati: Ƌondiratidzai henyu kubginya kwenyu. Jehoʋa akati: Ndicapfuʋudza kunaka kwaŋgu kwose pamberi pako, nokuɗana zita raJehova pamberi pako; asi ndicanzwira nyasha wandinoɗa kunzwira nyasha, ndicanzwira tsitsi wandinoɗa kunzwira tsitsi.
Ekisodho 33:18-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)