Ekisodho 33:12-16
Ekisodho 33:12-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mozisi akati kuna Jehovha, “Imi manga muchiti kwandiri, ‘Tungamirira vanhu ava,’ asi hamusati mandizivisa wamuchandituma naye. Manga muchingoti, ‘Ndinokuziva nezita rako uye wawana nyasha kwandiri.’ Kana muchifadzwa neni, ndidzidzisei nzira dzenyu kuitira kuti ndigokuzivai uye ndirambe ndichiwana nyasha kwamuri. Rangarirai kuti rudzi urwu vanhu venyu.” Jehovha akapindura akati, “Kuvapo kwangu kuchaenda newe, uye ndichakupa zororo.” Ipapo Mozisi akati kwaari, “Kana Kuvapo kwenyu kusingaendi nesu, musatibvisa pano. Vanhu vachaziva sei kuti munofadzwa neni uye navanhu venyu kana musina kuenda nesu? Chiizve chicharatidza mutsauko pakati pangu navanhu venyu navamwe vanhu vose vari pamusoro penyika?”
Ekisodho 33:12-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Mosesi akati kuna Jehovha, “Tarirai, makati kwandiri, ‘Kwira navanhu ava, asi hamuna kundizivisa kuti muchatuma ani neni,’ kunyange makati, ‘Ndinokuziva nezita rako, wakawana nyasha pamberi pangu.’ Zvino kana ndakawana nyasha pamberi penyu, chindiratidzai nzira dzenyu, kuti ndikuzivei, ndiwane nyasha pamberi penyu; rangariraiwo kuti rudzi urwu ndivanhu venyu.” Jehovha akati, “Ini ndimene ndichaenda newe, ndikupe zororo.” Akati kwaari, “Kana imi mumene musingaendi neni, regai henyu kutibvisa pano. Nokuti zvichazikanwa seiko kuti ndakawana nyasha pamberi penyu, ini navanhu venyu? Hakuzi kuti muende nesu, tigova vakatsaurwa, ini navanhu venyu pakati pavamwe vanhu vose vapanyika dzose here?”
Ekisodho 33:12-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mosesi akataura kuna Tenzi achiti, “Hongu makandituma kutungamirira vanhu ava, asi hamuna kuzondiudza kuti achandibatsira kuenda navo ndiani, kunyange zvazvo makati munonyatsondiziva nezita uyewo muchifadzwawo neni. Naizvozvo ndapota zvangu kana zvichikufadzai ndiratidzeiwo nzira dzenyu kuti ndikuzivei kuitira kuti ndikufadzei, murangarirewo kuti rudzi urwu rwavanhu, vanhu venyu.” Mwari akapindura achiti, “Ndichaenda ndichiratidza kuti ndinemi, ndigokupai rugare.” Mosesi akati kwaari, “Kana imi musingaende nesu musatirege tichibva pano nokuti zvingagozozikanwa seiko kuti imi munofadzwa neni uye navanhu venyu? Handiti iko kuenda nesu ndiko kunonyatsoratidza kuti ini navanhu venyu tiri vanhu vakasiyana namamwe marudzi ose apasi pano here?”
Ekisodho 33:12-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Mosesi akati kunaJehova: Tarirai, makati kwandiri: Kwira naʋanhu aʋa, asi hamuna‐kundiziʋisa kuti mucatuma ani neni, kunyaŋge makati: Ndinokuziʋa nezita rako, wakawana nyasha pamberi paŋgu. Ɀino kana ndakawana nyasha pamberi penyu, cindiratidzai nzira dzenyu, kuti ndikuziʋei, ndiwane nyasha pamberi penyu; raŋgarirai ʋo kuti rudzi urwu ndiʋanhu ʋenyu. Jehoʋa akati: Ini ndimene ndicaenda newe, ndikupe zororo. Akati kwaari: Kana imi mumene musiŋgaendi neni, regai henyu kutibvisa pano. Nokuti ɀicazikanwa seiko kuti ndakawana nyasha pamberi penyu, ini naʋanhu ʋenyu? Hakuzi kuti muende nesu, tigoʋa ʋakatsaurwa, ini naʋanhu ʋenyu pakati paʋamŋe ʋanhu ʋose ʋapanyika dzose here?
Ekisodho 33:12-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)