Ekisodho 33:12-14
Ekisodho 33:12-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mozisi akati kuna Jehovha, “Imi manga muchiti kwandiri, ‘Tungamirira vanhu ava,’ asi hamusati mandizivisa wamuchandituma naye. Manga muchingoti, ‘Ndinokuziva nezita rako uye wawana nyasha kwandiri.’ Kana muchifadzwa neni, ndidzidzisei nzira dzenyu kuitira kuti ndigokuzivai uye ndirambe ndichiwana nyasha kwamuri. Rangarirai kuti rudzi urwu vanhu venyu.” Jehovha akapindura akati, “Kuvapo kwangu kuchaenda newe, uye ndichakupa zororo.”
Ekisodho 33:12-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Mosesi akataura kuna Tenzi achiti, “Hongu makandituma kutungamirira vanhu ava, asi hamuna kuzondiudza kuti achandibatsira kuenda navo ndiani, kunyange zvazvo makati munonyatsondiziva nezita uyewo muchifadzwawo neni. Naizvozvo ndapota zvangu kana zvichikufadzai ndiratidzeiwo nzira dzenyu kuti ndikuzivei kuitira kuti ndikufadzei, murangarirewo kuti rudzi urwu rwavanhu, vanhu venyu.” Mwari akapindura achiti, “Ndichaenda ndichiratidza kuti ndinemi, ndigokupai rugare.”
Ekisodho 33:12-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Mosesi akati kuna Jehovha, “Tarirai, makati kwandiri, ‘Kwira navanhu ava, asi hamuna kundizivisa kuti muchatuma ani neni,’ kunyange makati, ‘Ndinokuziva nezita rako, wakawana nyasha pamberi pangu.’ Zvino kana ndakawana nyasha pamberi penyu, chindiratidzai nzira dzenyu, kuti ndikuzivei, ndiwane nyasha pamberi penyu; rangariraiwo kuti rudzi urwu ndivanhu venyu.” Jehovha akati, “Ini ndimene ndichaenda newe, ndikupe zororo.”
Ekisodho 33:12-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mosesi akataura kuna Tenzi achiti, “Hongu makandituma kutungamirira vanhu ava, asi hamuna kuzondiudza kuti achandibatsira kuenda navo ndiani, kunyange zvazvo makati munonyatsondiziva nezita uyewo muchifadzwawo neni. Naizvozvo ndapota zvangu kana zvichikufadzai ndiratidzeiwo nzira dzenyu kuti ndikuzivei kuitira kuti ndikufadzei, murangarirewo kuti rudzi urwu rwavanhu, vanhu venyu.” Mwari akapindura achiti, “Ndichaenda ndichiratidza kuti ndinemi, ndigokupai rugare.”
Ekisodho 33:12-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Mosesi akati kunaJehova: Tarirai, makati kwandiri: Kwira naʋanhu aʋa, asi hamuna‐kundiziʋisa kuti mucatuma ani neni, kunyaŋge makati: Ndinokuziʋa nezita rako, wakawana nyasha pamberi paŋgu. Ɀino kana ndakawana nyasha pamberi penyu, cindiratidzai nzira dzenyu, kuti ndikuziʋei, ndiwane nyasha pamberi penyu; raŋgarirai ʋo kuti rudzi urwu ndiʋanhu ʋenyu. Jehoʋa akati: Ini ndimene ndicaenda newe, ndikupe zororo.