Ekisodho 33:1-23
Ekisodho 33:1-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Ibva panzvimbo ino, iwe navanhu vawakabudisa kubva muIjipiti uye ukwidze kunyika yandakavimbisa nemhiko kuna Abhurahama, Isaka naJakobho ndichiti, ‘Ndichaipa kuzvizvarwa zvako.’ Ndichatuma mutumwa pamberi pako agodzinga vaKenani, vaAmori, vaHiti, vaPerezi, vaHivhi navaJebhusi. Kwidzai kunyika inoyerera mukaka nouchi. Asi ini handiendi nemi, nokuti muri vanhu vane mitsipa mikukutu uye ndingazokuparadzai munzira.” Vanhu vakati vachinzwa mashoko anotambudza aya, vakatanga kuchema uye hapana munhu akashonga zvinoyevedza. Nokuti Jehovha akanga ati kuna Mozisi, “Taurira vaIsraeri uti, ‘Muri vanhu vane mitsipa mikukutu. Kana dai ndingaende nemi kunyange kwenguva duku, ndingakuparadzai. Zvino bvisai zvishongo zvenyu uye ini ndichafunga zvokuita nemi.’ ” Saka vaIsraeri vakabvisa zvishongo zvavo pagomo reHorebhi. Zvino Mozisi aisitora tende achiridzika kunze kwomusasa kachinhambwe, achiti ndiro “tende rokusangana.” Munhu upi zvake ainge ane chaanoda kubvunza kuna Jehovha aienda kuTende Rokusangana kunze kwomusasa. Uye pose paibuda Mozisi achienda kutende, vanhu vose vaisimuka vachibva vamira pamikova yamatende avo, vakatarira Mozisi kusvikira apinda mutende. Kana Mozisi apinda mutende, shongwe yegore yaiburuka yobva yamira pamukova, Jehovha achitaura naMozisi. Vanhu vaiti vangoona shongwe yegore pamukova wokupinda mutende, vose vaimira vobva vanamata, mumwe nomumwe pamukova wetende rake. Jehovha aizotaura naMozisi uso nouso, somunhu anotaura neshamwari yake. Ipapo Mozisi aizodzokera kumusasa, asi mubatsiri wake Joshua mwanakomana waNuni akanga asingabudi mutende. Mozisi akati kuna Jehovha, “Imi manga muchiti kwandiri, ‘Tungamirira vanhu ava,’ asi hamusati mandizivisa wamuchandituma naye. Manga muchingoti, ‘Ndinokuziva nezita rako uye wawana nyasha kwandiri.’ Kana muchifadzwa neni, ndidzidzisei nzira dzenyu kuitira kuti ndigokuzivai uye ndirambe ndichiwana nyasha kwamuri. Rangarirai kuti rudzi urwu vanhu venyu.” Jehovha akapindura akati, “Kuvapo kwangu kuchaenda newe, uye ndichakupa zororo.” Ipapo Mozisi akati kwaari, “Kana Kuvapo kwenyu kusingaendi nesu, musatibvisa pano. Vanhu vachaziva sei kuti munofadzwa neni uye navanhu venyu kana musina kuenda nesu? Chiizve chicharatidza mutsauko pakati pangu navanhu venyu navamwe vanhu vose vari pamusoro penyika?” Uye Jehovha akati kuna Mozisi, “Ndichaita chinhu ichocho chawakumbira, nokuti ndinofadzwa newe uye ndinokuziva nezita.” Ipapo Mozisi akati, “Zvino ndiratidzei kubwinya kwenyu.” Uye Jehovha akati, “Ndichaita kuti kunaka kwangu kupfuure napamberi pako, uye ndichaparidza zita rangu, iro Jehovha, pamberi pako. Ndichanzwira nyasha iye wandichanzwira nyasha, uye ndichanzwira tsitsi uyo wandichanzwira tsitsi.” Akati, “Asi haugoni kuona chiso changu, nokuti hapana munhu angandiona uye akararama.” Ipapo Jehovha akati, “Pane nzvimbo iri pedyo neni paungamira padombo. Panopfuura kubwinya kwangu, ndichakuisa mumukaha wedombo uye ndichakufukidza noruoko rwangu kusvikira ndapfuura. Ipapo ndichabvisa ruoko rwangu uye uchaona shure kwangu; asi chiso changu hachifaniri kuonekwa.”

Ekisodho 33:1-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jehovha wakataura naMosesi akati, “Ibva pano, kwira, iwe navanhu vawakabudisa munyika yeIjipiti, muende kunyika yandakapikira Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, ndichiti, ndichaipa vana vako; ndichatuma mutumwa pamberi penyu, kuti ndidzinge vaKenani, navaAmori, navaHeti, navaPerezi, navaHivhi, naJebhusi, muende kunyika inoyerera mukaka nouchi, nokuti ini handingakwiri pakati penyu, nokuti muri vanhu vane mitsipa mikukutu, kuti ndirege kukuparadzai panzira.” Zvino vanhu vakati vachinzwa mashoko iwayo akaipa, vakachema; kwakanga kusina munhu wakashonga zvishongo zvake. Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi, “Uti kuvana vaIsiraeri, ‘Muri vanhu vane mitsipa mikukutu; kana ndikapinda pakati penyu chinguva chimwe chiduku-duku, ndingakuparadzai; naizvozvo bvisai zvishongo zvenyu zvino, ndizive chandingakuitirai.’ ” Ipapo vana vaIsiraeri vakabvisa zvishongo zvavo kubva pagomo reHorebhu. Zvino Mosesi waisitora tende, achindoridzika kunze kwemisasa, kure nemisasa, akaritumidza zita rinonzi, Tende rokusangana. Zvino mumwe nomumwe waitsvaka Jehovha, waibudira kutende rokusangana, rakanga riri kunze kwemisasa. Zvino kwaiti kana Mosesi obudira kuTende, vanhu vose vaisimuka, vakamira mumwe nomumwe pamukova wetende rake, vakaramba vakatarira Mosesi kusvikira apinda muTende. Zvino kana Mosesi apinda muTende, shongwe yegore yaJehovha yaiburuka ikamira pamukova weTende, Jehovha akataura naMosesi. Vanhu vose vakaona shongwe yegore imire pamukova weTende, vanhu vose vakasimuka, vakanamata pasi mumwe nomumwe pamukova wetende rake. Ipapo Jehovha waitaura naMosesi zviso zvakatarisana, somunhu anotaurirana neshamwari yake. Zvino wodzokerazve kumisasa; asi muranda wake Joshua, mwanakomana waNuni, mujaya, haazaibva paTende. Zvino Mosesi akati kuna Jehovha, “Tarirai, makati kwandiri, ‘Kwira navanhu ava, asi hamuna kundizivisa kuti muchatuma ani neni,’ kunyange makati, ‘Ndinokuziva nezita rako, wakawana nyasha pamberi pangu.’ Zvino kana ndakawana nyasha pamberi penyu, chindiratidzai nzira dzenyu, kuti ndikuzivei, ndiwane nyasha pamberi penyu; rangariraiwo kuti rudzi urwu ndivanhu venyu.” Jehovha akati, “Ini ndimene ndichaenda newe, ndikupe zororo.” Akati kwaari, “Kana imi mumene musingaendi neni, regai henyu kutibvisa pano. Nokuti zvichazikanwa seiko kuti ndakawana nyasha pamberi penyu, ini navanhu venyu? Hakuzi kuti muende nesu, tigova vakatsaurwa, ini navanhu venyu pakati pavamwe vanhu vose vapanyika dzose here?” Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi, “Ndichaitawo chinhu ichi chawareva, nokuti wawana nyasha pamberi pangu, ndinokuziva nezita rako.” Iye akati, “Dondiratidzai henyu kubwinya kwenyu.” Jehovha akati, “Ndichapfuudza kunaka kwangu kwose pamberi pako, nokudana zita raJehovha pamberi pako, asi ndichanzwira nyasha wandinoda kunzwira nyasha, ndichanzwira tsitsi wandinoda kunzwira tsitsi.” Akatiwo, “Haungaoni chiso changu, nokuti hakuna munhu angandiona, akazorarama.” Jehovha akatiwo, “Tarira pane nzvimbo uno kwandiri, ungamira pabwe. Zvino kana kubwinya kwangu kwopfuura, ndichakupinza mumukana webwe, ndigokufukidza noruoko rwangu kusvikira ndapfuura; ipapo ndichabvisa ruoko rwangu, ugondiona necheshure; asi chiso changu hachionekwi.”
Ekisodho 33:1-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akati kuna Mosesi, “Iwe navaIsiraeri vawakaburitsa munyika yeIjipiti, chisimukai muende kunyika yandakapikira Abhurahamu naIsaki naJakobho kuti ndichazopa vana vavo. Ini ndichatoita zvokutotuma mutumwa wangu akutungamirirei, ndigodzinga vaKanani navaAmori navaHiti navaPerizi navaHivhi navaJebhusi. Chiendai zvenyu kunyika yakanaka, nyika yomukaka nouchi nokuti ini handichaenda ndiri pakati penyu. Ndingadaro ndikazokuparadzai nokuti imi muri tsvuuramuromo dzavanhu.” Vanhu vakati vachinzwa mashoko akaipa kudai, vakachema. Vose vakarega kupfeka zvishongo zvavo zvendarama. Tenzi akati kuna Mosesi, “Iti kuvaIsiraeri, ‘Imi muri tsvuuramuromo dzavanhu, kana ndikaenda ndiri pakati penyu, kunyange kwakanguva kaduku ndingakutsakatisei.’ Zvino chibvisai zvishongo zvenyu zvendarama, ndigozoona zvangu zvandichaita nemi.” Kubvira panguva yakabva vaIsiraeri pagomo reSinai havana kuzopfekazve zvishongo zvendarama. Mosesi aiti kana vasvika pavaidzika matendhe, aitora rimwe tendhe achindoridzika chinhambwe riri paro roga. Tendhe iroro akaritumidza zita rokuti tendhe rokusanganira. Ani naani ainge aine zvaanoda kuna Tenzi aienda kutendhe rokusanganira iroro rainge riri kunze kwamatendhe. Paienda Mosesi kutendhe iroro vanhu vose vaimira pamisuo yamatendhe avo vachiramba vakatarisa Mosesi, kudzamara apinda mutendhe rokusanganira. Mosesi aiti kana apindamo, shongwe yegore yaiuya yomira pamusuo wetendhe iroro, Tenzi otaura naMosesi. Vanhu vose vaiti nyandu kusumuka kana vaona shongwe yegore iyoyo yamira pamusuo wetendhe iroro, vobva vazoti pasi gwadagwa munhu woga woga ari pamusuo wetendhe rake vonamata. Saizvozvo Tenzi aitaurirana naMosesi vakatarisana uso nouso somunhu anokurukurirana neshamwari yake. Painge Mosesi odzokera zvake kumatendhe, Joshuwa, mwanakomana waNunu, jaya raibatsira Mosesi, akanga asingasiyane netendhe iroro. Mosesi akataura kuna Tenzi achiti, “Hongu makandituma kutungamirira vanhu ava, asi hamuna kuzondiudza kuti achandibatsira kuenda navo ndiani, kunyange zvazvo makati munonyatsondiziva nezita uyewo muchifadzwawo neni. Naizvozvo ndapota zvangu kana zvichikufadzai ndiratidzeiwo nzira dzenyu kuti ndikuzivei kuitira kuti ndikufadzei, murangarirewo kuti rudzi urwu rwavanhu, vanhu venyu.” Mwari akapindura achiti, “Ndichaenda ndichiratidza kuti ndinemi, ndigokupai rugare.” Mosesi akati kwaari, “Kana imi musingaende nesu musatirege tichibva pano nokuti zvingagozozikanwa seiko kuti imi munofadzwa neni uye navanhu venyu? Handiti iko kuenda nesu ndiko kunonyatsoratidza kuti ini navanhu venyu tiri vanhu vakasiyana namamwe marudzi ose apasi pano here?” Tenzi akapindurawo Mosesi achiti, “Zvawataura ndichaita izvozvo chaizvo ndozvandichaita nokuti ndinofadzwa newe uye ndinokuziva nezita.” Mosesi akati, “Ndapota, ndiratidzeiwo mbiri yenyu inopenya.” Mwari ndokuti, “Ndichapfuura napauri uone kunaka kwangu kwose ndigodoma zita rangu rokuti ‘Yahweh’. Ndinoitira mwoyochena kune wandinenge ndada zvangu kuitira mwoyochena, ndichiitirawo tsitsi kune wandinenge ndada zvangu kuitira tsitsi.” Asi akati, “Haugone kuona chiso changu nokuti hakuna munhu angandione akaramba ari mupenyu.” Tenzi akati, “Chinzwa, pane imwe nzvimbo iri kuno kwandiri ndopauchamira padombo. Saka kupenya hwokuvapo kwangu pakuchapfuura nepo, mubako redombo iroro ndichakufukidza noruoko rwangu kudzamara ndapfuura. Ndichabvisa ruoko rwangu, undione nechokumusana kwangu chete. Asi chiso changu hachionekwi.”
Ekisodho 33:1-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: Ibva pano, kwira, iwe naʋanhu ʋawakaɓuɗisa munyika yeEgipita, muende kunyika yandakapikira Abrahama, naIsaka, naJakobo, ndiciti, ndicaipa ʋana ʋako; ndicatuma mutumŋa pamberi penyu, kuti ndidziŋge ʋaKanani, naʋaAmori, naʋaHeti, naʋaPerezi, naʋaHivi, naʋaJebusi, muende kunyika inoyerera mukaka noʋuci, nokuti ini handiŋgakwiri pakati penyu, nokuti muri ʋanhu ʋanemitsipa mikukutu, kuti ndirege kukuparadzai panzira. Ɀino ʋanhu ʋakati ʋacinzwa mashoko iwayo akaipa, ʋakacema; kwakaŋga kusinomunhu wakashoŋga ɀishoŋgo ɀake. Ipapo Jehova akati kunaMosesi: Uti kuʋana ʋaIsraeri: Muri ʋanhu ʋanemitsipa mikukutu; kana ndikapinda pakati penyu ciŋguʋa cimŋe ciɗuku‐ɗuku, ndiŋgakuparadzai; naiɀoɀo bvisai ɀishoŋgo ɀenyu ɀino, ndiziʋe candiŋgakuitirai. Ipapo ʋana ʋaIsraeri ʋakabvisa ɀishoŋgo ɀaʋo kubva pagomo reHorebi. Ɀino Mosesi waisitora tente, acindoridzika kunze kwemisasa, kure nemisasa, akaritumidza zita rinonzi, Tente rokusoŋgana. Ɀino mumŋe nomumŋe waitȿaka Jehova, waiɓuɗira kutente rokusoŋgana, rakaŋga riri kunze kwemisasa. Ɀino kwaiti kana Mosesi oɓuɗira kuTente, ʋanhu ʋose ʋaisimuka, ʋakamira mumŋe nomumŋe pamukoʋa wetente rake, ʋakaramba ʋakatarira Mosesi kuȿikira apinda muTente. Ɀino kana Mosesi apinda muTente, shoŋgwe yegore yaJehova yaiɓuruka ikamira pamukoʋa weTente, Jehova akataura naMosesi. Ʋanhu ʋose ʋakaʋona shoŋgwe yegore imire pamukoʋa weTente, ʋanhu ʋose ʋakasimuka, ʋakanamata pasi mumŋe nomumŋe pamukoʋa wetente rake. Ipapo Jehova waitaura naMosesi ɀiso ɀakatarisana, somunhu unotaurirana neshamŋari yake. Ɀino wodzokera ɀe kumisasa; asi muranda wake Joshua, mŋanakomana waNuni, mujaya, haazaibva paTente. Ɀino Mosesi akati kunaJehova: Tarirai, makati kwandiri: Kwira naʋanhu aʋa, asi hamuna‐kundiziʋisa kuti mucatuma ani neni, kunyaŋge makati: Ndinokuziʋa nezita rako, wakawana nyasha pamberi paŋgu. Ɀino kana ndakawana nyasha pamberi penyu, cindiratidzai nzira dzenyu, kuti ndikuziʋei, ndiwane nyasha pamberi penyu; raŋgarirai ʋo kuti rudzi urwu ndiʋanhu ʋenyu. Jehoʋa akati: Ini ndimene ndicaenda newe, ndikupe zororo. Akati kwaari: Kana imi mumene musiŋgaendi neni, regai henyu kutibvisa pano. Nokuti ɀicazikanwa seiko kuti ndakawana nyasha pamberi penyu, ini naʋanhu ʋenyu? Hakuzi kuti muende nesu, tigoʋa ʋakatsaurwa, ini naʋanhu ʋenyu pakati paʋamŋe ʋanhu ʋose ʋapanyika dzose here? Ipapo Jehova akati kunaMosesi: Ndicaita ʋo cinhu ici cawareʋa, nokuti wawana nyasha pamberi paŋgu, ndinokuziʋa nezita rako. Iye akati: Ƌondiratidzai henyu kubginya kwenyu. Jehoʋa akati: Ndicapfuʋudza kunaka kwaŋgu kwose pamberi pako, nokuɗana zita raJehova pamberi pako; asi ndicanzwira nyasha wandinoɗa kunzwira nyasha, ndicanzwira tsitsi wandinoɗa kunzwira tsitsi. Akati ʋo: Hauŋgaʋoni ciso caŋgu, nokuti hakunomunhu uŋgandiʋona, akazorarama. Jehova akati ʋo: Tarira, panenɀimbo ʋuno kwandiri, uŋgamira pabge. Ɀino kana kubginya kwaŋgu kwopfuʋura, ndicakupinza mumukaha webge, ndigokufukidza noruʋoko rwaŋgu kuȿikira ndapfuʋura; ipapo ndicabvisa ruʋoko rwaŋgu, ugondiʋona neceshure; asi ciso caŋgu haciʋonekwi.
Ekisodho 33:1-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)