Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 30:11-38

Ekisodho 30:11-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Paunoverenga vaIsraeri kuti uvanyore, mumwe nomumwe anofanira kupa Jehovha rudzikinuro rwoupenyu hwake panguva yaanoverengwa. Ipapo hapana denda richazouya pamusoro pavo paunovaverenga. Mumwe nomumwe anoyambukira kuna avo vatoverengwa anofanira kupa hafu yeshekeri, zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene, rinorema magera makumi maviri. Hafu yeshekeri iyi chipiriso kuna Jehovha. Vose vanoyambuka, vaya vana makore makumi maviri kana anopfuura iwayo, vanofanira kupa chipiriso kuna Jehovha. Vapfumi havafaniri kupa zvinopfuura hafu yeshekeri uye varombo havafaniri kupa zvishoma pamunoita chipiriso kuna Jehovha kuti muyananiswe upenyu hwenyu. Ugamuchire mari yeyananiso kubva kuvaIsraeri ugoishandisa paushumiri hweTende Rokusangana. Chichava chirangaridzo kuvaIsraeri pamberi paJehovha, muchiyananisira upenyu hwenyu.” Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Uite mudziyo wokushambira wendarira, nechigadziko chawo chendarira. Ugouisa pakati peTende Rokusangana nearitari uye ugoisa mvura mauri. Aroni navanakomana vake vanofanira kushamba maoko avo netsoka dzavo nemvura. Pose pavachapinda muTende Rokusangana vachashamba kuitira kuti varege kufa. Uyezve, pavanoswedera paaritari kuti vazoshumira nokupa chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto, vachashamba maoko avo netsoka dzavo kuitira kuti varege kufa. Uyu unofanira kuva mutemo usingaperi waAroni nezvizvarwa zvake kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera.” Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tora zvinonhuhwira zvinotevera izvi: mazana mashanu amashekeri emura inoerera, hafu yakadaro (ndiwo mazana maviri namakumi mashanu amashekeri) ezvinonhuhwira zvesinamoni, mazana maviri namakumi mashanu enzimbe, mashekeri omuunga mazana mashanu, zvose zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene, nehini yamafuta omuorivhi. Vhenganisa izvi kuti zvive mafuta matsvene okuzodza, anonhuhwira akavhenganiswa, basa romuvhenganisi wezvinonhuhwira. Achava mafuta matsvene okuzodza. Ipapo ugoashandisa kuzodza Tende Rokusangana, neareka yeChipupuriro, tafura nemidziyo yayo yose, chigadziko chomwenje nenhumbi dzacho dzose, aritari yezvinonhuhwira, aritari yezvipiriso zvinopiswa nemidziyo yayo, uye mudziyo wokushambira nechigadziko chawo. Unofanira kuzvitsaura kuti zvigova zvitsvene-tsvene, uye zvose zvichazvigunzva zvichava zvitsvene. “Uzodze Aroni navanakomana vake uye uvatsaure kuitira kuti vagondishandira savaprista. Uti kuvaIsraeri, ‘Aya achava mafuta angu matsvene okuzodza kuzvizvarwa zvinotevera. Musaadira pamiviri yavanhu uye musaita mafuta api zvawo nenzira imwe cheteyo. Matsvene, uye munofanira kuaita matsvene. Ani naani anoita mafuta anonhuhwira akafanana nawo uye ani naani anoaisa pamunhu upi zvake kunze kwomuprista anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.’ ” Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tora zvinonhuhwira zvinoti sitaketi, onika negaribhanamu, uye zvinonhuhwira zvakaisvonaka, zvose zvakaenzana, uye ugoita zvinonhuhwira zvakavhenganiswa, basa romuvhenganisi wezvinonhuhwira. Zvinofanira kurungwa nomunyu, uye zvitsvene. Ukuye zvimwe zvacho zvive upfu ugozviisa pamberi peChipupuriro chiri muTende Rokusangana, umo mandichasangana newe. Zvichava zvitsvene-tsvene kwauri. Usazviitira zvinonhuhwira zvipi zvazvo nenzira imwe cheteyo; uzvicherechedze kuti zvitsvene kuna Jehovha. Ani naani achaita chipi zvacho chakafanana nacho kuti afadzwe nokunhuhwira kwacho, anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 30

Ekisodho 30:11-38 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Jehovha wakataura naMosesi, akati, “Kana uchiverenga vana vaIsiraeri, kuti uwone kuwanda kwavo, mumwe nomumwe anofanira kupa Jehovha rudzikinuro rwomweya wake, kana uchivaverenga; kuti varege kubatwa nehosha kana uchivaverenga. Vanofanira kupa kudai: Mumwe nomumwe unodarika kuna vakaverengwa hafu yeshekeri vachienzanisa neshekeri rapanzvimbo tsvene; (shekeri rinamagera ana makumi maviri,) hafu yeshekeri chive chipo kuna Jehovha. “Mumwe nomumwe unodarika kuna vakaverengwa, wava namakore makumi maviri kana wapfuura makore iwayo, anofanira kupa Jehovha chipo ichocho. Mupfumi ngaarege kuwedzera, nomurombo ngaarege kutapudza pahafu yeshekeri, kana vopa chipo icho, kuti muyananisire mweya yenyu. Zvino unofanira kutora mari yokuyananisira kuvana vaIsiraeri, ugoripira basa retende rokusangana; kuti chive chirangaridzo kuvana vaIsiraeri pamberi paJehovha, kuti mweya yenyu iyananisirwe.” Zvino Jehovha wakataura naMosesi akati, “Unofanira kuitawo mudziyo wendarira wokushambidzira, nechigadziko chawo chendarira, ugouisa pakati petende rokusangana neatari, ndokuisamo mvura. Kuti Aroni navanakomana vake vashambemo maoko avo netsoka dzavo. Kana vopinda mutende rokusangana, vanofanira kuzvishambidza nemvura, kuti varege kufa, kana voswedera paatari kuzoshumira, kana kupisira Jehovha chipiriso chinopiswa nomoto. Vanofanira kushamba maoko avo namakumbo avo, kuti varege kufa; unofanira kuva mutemo usingaperi kwavari, kwaari nokuvanakomana vake kusvikira kumarudzi avo ose.” Jehovha wakataurawo naMosesi akati, “Torawo miti inonhuwira inokunda imwe, anoti mashekeri ana mazana mashanu emura inoyerera, nehafu yakadaro yekinamuni inonaka, ndiwo mashekeri ana mazana maviri namakumi mashanu, namashekeri ana mazana maviri namakumi mashanu ekaramusi yakanaka; namazana mashanu ekasia, vachienzanisa neshekeri rapanzvimbo tsvene, nehini imwe yamafuta amaorivhi; uite nazvo mafuta matsvene okuzodza nawo, zvive zvinonhuwira zvakavhenganiswa nouchenjeri hwomuvhenganisi wezvinonhuwira; ave mafuta matsvene okuzodza nawo. “Zvino unofanira kuzodza navo tende rokusangana neareka yechipupuriro, netafura nenhumbi dzayo dzose, nechigadziko chemwenje nenhumbi dzacho, neatari yezvinonhuwira, neatari yezvibayiro zvinopiswa nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira nechigadziko chawo. Uzvitsaure, zvive zvinhu zvitsvene kwazvo; zvose zvinozvigunzva zvichava zvitsvenewo. Unofanira kuzodzawo Aroni navanakomana vake, nokuvaita vatsvene, kuti vandishumire pabasa roupristi. Uudzewo vana vaIsiraeri, uti, ‘Iwaya anofanira kuva pamberi pangu mafuta matsvene okuzodza nawo kusvikira kumarudzi enyu ose.’ Ngaarege kudirwa panyama yomunhu; uye musaita mamwe akafanana nawo, akaitwa saiwo; matsvene, anofanira kuva chinhu chitsvene kwamuri. Ani naani unovhenganisa mafuta akafanana nawo, uye ani naani unoisa mamwe awo pamutorwa, ngaabviswe pakati porudzi rwake.” Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Tora miti inonhuwira, inoti: Sitake, neonika, negabhano, miti yakanaka nezvinonhuwira zvakaisvonaka; zvose zvienzane pakurema kwazvo. Ugoita nazvo zvinonhuwira, zvinonhuwira zvinonaka, zvakavhenganiswa nouchenjeri hwomuvhenganisi wezvinonhuwira, zvakarungwa nomunyu, zvakaisvonaka, zvitsvene. Unofanira kutswa zvimwe zvazvo kwazvo, ugozviisa pamberi pechipupuriro mutende rokusangana, mandichasangana newe, kuti zvive zvitsvene kwazvo kwamuri. Zvinonhuwira zvamunozviitira imi, musazviita sezvamunoita izvozvi; zvinofanira kuva kwamuri zvitsvene kuna Jehovha. Ani naani unoita zvakafanana nazvo, kuti azvinhuwidze, ngaabviswe pakati porudzi rwake.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 30

Ekisodho 30:11-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Tenzi akati kuna Mosesi, “Kana mava kuverenga vaIsiraeri, munhu wose ngaabvise mari yokununura upenyu hwake pana Tenzi pamunovaverenga kuti varege kuzowirwa nedenda pamunovaverenga. Munhu wose anenge averengwa ngaabvise hafu yeshekeri, iri pamwero weshekeri romuNzvimbo Inoera. (Shekeri rinorema magiramu matanhatu.) Mari iyoyo ichava mupiro unopirwa kuna Tenzi nomunhu wose. Munhu wose wose anenge averengwa ana makore makumi maviri kana anoraudza ipapo ngaabvise mupiro iwoyo weni Tenzi. Pamunobvisa chikamu chepakati nepakati chemari yesirivha yeshekeri iyoyo, mupfumi ngaarege kubvisa mari inopfuura ipapo, murombo aregewo kubvisa shoma pane iyoyo. Unofanira kupiwa navaIsiraeri mari yokununura iyoyo uiendese kundoshandiswa mutendhe rokusanganira kuti ive yokundiyeuchidza vaIsiraeri ini Tenzi kuitira kuti igokununurai upenyu.” Tenzi akataurira Mosesi kuti, “Unozofanira kugadzira dhishi rokushambira rendarira rine chigadzikirowo charo chendarira, worigadzika pakati petendhe rokusanganira neatari, woriisa mvura yokuti Aroni navanakomana vake vazoshamba maoko netsoka dzavo. Kana vava kupinda mutendhe rokusanganira kana kuenda kuatari kundopireni Tenzi mupiro unopiswa nomoto, ngavashambe nemvura iyoyo, vakarega kudaro vanofa. Vanofanira kushamba maoko netsoka dzavo kuti varege kufa. Iwoyu uchava mutemo wokugara nokugara kwavari nokuna Aroni nokuzvizukuru zvake pazvizvarwa zvavo zvose.” Tenzi akatiwo kuna Mosesi, “Unofanira kutora tunonhuhwirira tunoti: mura yemvuramvura inorema makirogiramu matanhatu, nesinamoni inonhuhwira zvakanaka inorema makirogiramu matatu, nouswa hunonzi karamosi hunonhuhwira hunorema makirogiramu matatu, namakwati omuunga anorema makirogiramu matanhatu. Unoera zvose izvozvi nomwero wakatemwa weshekeri romuNzvimbo Inoera. Unotorawo marita mana amafuta eorivhi, wosanganisa zvose izvozvo wogadzira mafuta anoera okuzodza sokugadzirwa kunoitwa twokuzora tunonhuhwira. Iwaya achava mafuta anoera okuzodza nawo. Namafuta iwayo unofanira kuzodza tendhe rokusanganira nebhokisi rechitenderano, neteburu pamwechete nemidziyo yayo, nechigadzikiro chomwenje pamwechete nemidziyo yacho, neatari yokupisira rusenzi, uzodzewo atari yomupiro wokupisa pamwechete nemidziyo yayo, nedhishi rokushambira nechigadzikiro charo. Kana mukateketerera kuna Mwari zvinhu izvozvo nomutoo iwoyu zvichava zvinoera kwazvo. Chii zvacho chichagunzvana nazvo chichava chinoera. Uyewo unofanira kuzodza Aroni navanakomana vake uchivateketera kwandiri kuti vandishandire savapristi. Unofanira kutaurira vaIsiraeri kuti, ‘Pazvizvarwa zvenyu zvose, aya ndiwo mafuta angu anoera okuzodza.’ Ngaarege kungodirwa pamunhu wose wose. Musaite mamwe mafuta enyu akafana nawo. Mafuta aya, mafuta anoera, anoerawo kwamuri. Kuwana anogadzira mafuta akaita saiwaya kana kudira mafuta anoera aya pamunhu asiri mupristi, munhu iyeyo ngaachekaniswe ukama navaIsiraeri.” Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Tora mwero wakaenzana-enzana wetunonhuhwira tunoti: sitakite neonika negaribhanumu, tunofanira kuva tunonhuhwirira tune furanginisenzi chaiyo yakanakisisa. Sanganisa tunonhuhwira itwotwo ugadzire rusenzi sokugadzirwa kunoitwa mafuta okuzora anonhuhwira, rusenzi irworwo ngaruve rwakarungwa nomunyu, ruve rwakanakisisa ruve runoera. Parusenzi irworwo bvisa rumwe urudzvure kusvikira rwaota, uende narwo kutendhe rokusanganira undoruisa pamberi pebhokisi rechitenderano paya pandichasangana newe. Rusenzi irworwo ngaruve chinhu chinoera kwazvo kwamuri. Musambozvigadzirira rumwe rusenzi rwakadai. Kwamuri imi, rusenzi uru runoera, runoereserwa Tenzi. Kuwana anozvigadzirira rumwe rusenzi rwakaita sairworwu kuti arushandisewo zvake ngaachekaniswe ukama navaIsiraeri.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 30

Ekisodho 30:11-38 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: Kana uciʋereŋga ʋana ʋaIsraeri, kuti uʋone kuwanda kwaʋo, mumŋe nomumŋe unofanira kupa Jehova rudzikinuro rwomŋeya wake, kana uciʋaʋereŋga; kuti ʋarege kuɓatwa nehosha kana uciʋaʋereŋga. Ʋanofanira kupa kuɗai: Mumŋe nomumŋe unoɗarika kunaʋakaʋereŋgwa hafu yeshekeri, ʋacienzanisa neshekeri rapanɀimbo tȿene; (shekeri rinamagera anamakumi maʋiri), hafu yeshekeri ciʋe cipo kunaJehova. Mumŋe nomumŋe unoɗarika kunaʋakaʋereŋgwa, waʋa namakore makumi maʋiri kana wapfuʋura makore iwayo, unofanira kupa Jehova cipo iceco. Mufumi ŋgaarege kuwedzera, nomurombo ŋgaarege kutapudza pahafu yeshekeri, kana ʋopa cipo ico, kuti muyananisire mŋeya yenyu. Ɀino unofanira kutora mari yokuyananisira kuʋana ʋaIsraeri, ugoripira ɓasa retente rukusoŋgana; kuti ciʋe ciraŋgaridzo kuʋana ʋaIsraeri pamberi paJehova, kuti mŋeya yenyu iyananisirwe. Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: Unofanira kuita ʋo mudziyo wendarira wokushambidzira, necigadziko cawo cendarira, ugouisa pakati petente rokusoŋgana neartari, ndokuisa’mo mvura. Kuti Aroni naʋanakomana ʋake ʋashambe’mo maʋoko aʋo netsoka dzaʋo. Kana ʋopinda mutente rokusoŋgana, ʋanofanira kuɀishambidza nemvura, kuti ʋarege kufa, kana ʋosweɗera paartari kuzoshumira, kana kupisira Jehova cipiriso cinopiswa nomŋoto. Ʋanofanira kushamba maʋoko aʋo namakumbo aʋo, kuti ʋarege kufa; unofanira kuʋa mutemo usiŋgaperi kwaʋari, kwaari nokuʋanakomana ʋake kuȿikira kumarudzi aʋo ose. Jehova wakataura ʋo naMosesi, akati: Tora ʋo miti inonhuwira inokunda mimŋe, anoti mashekeri anamazana mashanu emura inoyerera, nehafu yakaɗaro yekinamuni inonaka, ndiwo mashekeri anamazana maʋiri namakumi mashanu, namashekeri anamazana maʋiri namakumi mashanu ekaramusi yakanaka; namazana mashanu ekasia, ʋacienzanisa neshekeri rapanɀimbo tȿene, nehini imŋe yamafuta amaorivi; uite naɀo mafuta matȿene okuzodza nawo, ɀiʋe ɀinonhuwira ɀakaveŋganiswa noʋucenjeri bgomuveŋganisi weɀinonhuwira; aʋe mafuta matȿene okuzodza nawo. Ɀino unofanira kuzodza nawo tente rokusoŋgana neareka yecipupuriro, netafura nenhumbi dzayo dzose, necigadziko cemŋenje nenhumbi dzaco, neartari yeɀinonhuwira, neartari yeɀiɓayiro ɀinopiswa nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira necigadziko cawo. Uɀitsaure, ɀiʋe ɀinhu ɀitȿene kwaɀo; ɀose ɀinoɀigunɀa ɀicaʋa ɀitȿene ʋo. Unofanira kuzodza ʋo Aroni naʋanakomana ʋake, nokuʋaita ʋatȿene, kuti ʋandishumire paɓasa roʋuprista. Uʋudze ʋo ʋana ʋaIsraeri, uti: Iwaya anofanira kuʋa pamberi paŋgu mafuta matȿene okuzodza nawo kuȿikira kumarudzi enyu ose. Ŋgaarege kuɗirwa panyama yomunhu; ʋuye musaita mamŋe akafanana nawo, akaitwa saiwo; matȿene, anofanira kuʋa cinhu citȿene kwamuri. Aninani unoveŋganisa mafuta akafanana nawo, ʋuye aninani unoisa mamŋe awo pamutorwa, ŋgaabviswe pakati porudzi rwake. Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Tora miti inonhuwira, inoti: Sitakte, neonika, negarbano, miti yakanaka neɀinonhuwira ɀakaiȿo‐naka; ɀose ɀienzane pakurema kwaɀo. Ugoita naɀo ɀinonhuwira, ɀinonhuwira ɀinonaka, ɀakaveŋganiswa noʋucenjeri bgomuveŋganisi weɀinonhuwira, ɀakaruŋgwa nomunyu, ɀakaiȿo‐naka, ɀitȿene. Unofanira kuswa ɀimŋe ɀaɀo kwaɀo, ugoɀiisa pamberi pecipupuriro mutente rokusoŋgana, mandicasoŋgana newe, kuti ɀiʋe ɀitȿene kwaɀo kwamuri. Ɀinonhuwira ɀamunoɀiitira imi, musaɀiita seɀamunoita iɀoɀi; ɀinofanira kuʋa kwamuri ɀitȿene kunaJehova. Aninani unoita ɀakafanana naɀo, kuti aɀinhuwidze, ŋgaabviswe pakati porudzi rwake.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 30

Ekisodho 30:11-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)