Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Eksodo 30:11-38

Eksodo 30:11-38 SUB1949

Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: Kana uciʋereŋga ʋana ʋaIsraeri, kuti uʋone kuwanda kwaʋo, mumŋe nomumŋe unofanira kupa Jehova rudzikinuro rwomŋeya wake, kana uciʋaʋereŋga; kuti ʋarege kuɓatwa nehosha kana uciʋaʋereŋga. Ʋanofanira kupa kuɗai: Mumŋe nomumŋe unoɗarika kunaʋakaʋereŋgwa hafu yeshekeri, ʋacienzanisa neshekeri rapanɀimbo tȿene; (shekeri rinamagera anamakumi maʋiri), hafu yeshekeri ciʋe cipo kunaJehova. Mumŋe nomumŋe unoɗarika kunaʋakaʋereŋgwa, waʋa namakore makumi maʋiri kana wapfuʋura makore iwayo, unofanira kupa Jehova cipo iceco. Mufumi ŋgaarege kuwedzera, nomurombo ŋgaarege kutapudza pahafu yeshekeri, kana ʋopa cipo ico, kuti muyananisire mŋeya yenyu. Ɀino unofanira kutora mari yokuyananisira kuʋana ʋaIsraeri, ugoripira ɓasa retente rukusoŋgana; kuti ciʋe ciraŋgaridzo kuʋana ʋaIsraeri pamberi paJehova, kuti mŋeya yenyu iyananisirwe. Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: Unofanira kuita ʋo mudziyo wendarira wokushambidzira, necigadziko cawo cendarira, ugouisa pakati petente rokusoŋgana neartari, ndokuisa’mo mvura. Kuti Aroni naʋanakomana ʋake ʋashambe’mo maʋoko aʋo netsoka dzaʋo. Kana ʋopinda mutente rokusoŋgana, ʋanofanira kuɀishambidza nemvura, kuti ʋarege kufa, kana ʋosweɗera paartari kuzoshumira, kana kupisira Jehova cipiriso cinopiswa nomŋoto. Ʋanofanira kushamba maʋoko aʋo namakumbo aʋo, kuti ʋarege kufa; unofanira kuʋa mutemo usiŋgaperi kwaʋari, kwaari nokuʋanakomana ʋake kuȿikira kumarudzi aʋo ose. Jehova wakataura ʋo naMosesi, akati: Tora ʋo miti inonhuwira inokunda mimŋe, anoti mashekeri anamazana mashanu emura inoyerera, nehafu yakaɗaro yekinamuni inonaka, ndiwo mashekeri anamazana maʋiri namakumi mashanu, namashekeri anamazana maʋiri namakumi mashanu ekaramusi yakanaka; namazana mashanu ekasia, ʋacienzanisa neshekeri rapanɀimbo tȿene, nehini imŋe yamafuta amaorivi; uite naɀo mafuta matȿene okuzodza nawo, ɀiʋe ɀinonhuwira ɀakaveŋganiswa noʋucenjeri bgomuveŋganisi weɀinonhuwira; aʋe mafuta matȿene okuzodza nawo. Ɀino unofanira kuzodza nawo tente rokusoŋgana neareka yecipupuriro, netafura nenhumbi dzayo dzose, necigadziko cemŋenje nenhumbi dzaco, neartari yeɀinonhuwira, neartari yeɀiɓayiro ɀinopiswa nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira necigadziko cawo. Uɀitsaure, ɀiʋe ɀinhu ɀitȿene kwaɀo; ɀose ɀinoɀigunɀa ɀicaʋa ɀitȿene ʋo. Unofanira kuzodza ʋo Aroni naʋanakomana ʋake, nokuʋaita ʋatȿene, kuti ʋandishumire paɓasa roʋuprista. Uʋudze ʋo ʋana ʋaIsraeri, uti: Iwaya anofanira kuʋa pamberi paŋgu mafuta matȿene okuzodza nawo kuȿikira kumarudzi enyu ose. Ŋgaarege kuɗirwa panyama yomunhu; ʋuye musaita mamŋe akafanana nawo, akaitwa saiwo; matȿene, anofanira kuʋa cinhu citȿene kwamuri. Aninani unoveŋganisa mafuta akafanana nawo, ʋuye aninani unoisa mamŋe awo pamutorwa, ŋgaabviswe pakati porudzi rwake. Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Tora miti inonhuwira, inoti: Sitakte, neonika, negarbano, miti yakanaka neɀinonhuwira ɀakaiȿo‐naka; ɀose ɀienzane pakurema kwaɀo. Ugoita naɀo ɀinonhuwira, ɀinonhuwira ɀinonaka, ɀakaveŋganiswa noʋucenjeri bgomuveŋganisi weɀinonhuwira, ɀakaruŋgwa nomunyu, ɀakaiȿo‐naka, ɀitȿene. Unofanira kuswa ɀimŋe ɀaɀo kwaɀo, ugoɀiisa pamberi pecipupuriro mutente rokusoŋgana, mandicasoŋgana newe, kuti ɀiʋe ɀitȿene kwaɀo kwamuri. Ɀinonhuwira ɀamunoɀiitira imi, musaɀiita seɀamunoita iɀoɀi; ɀinofanira kuʋa kwamuri ɀitȿene kunaJehova. Aninani unoita ɀakafanana naɀo, kuti aɀinhuwidze, ŋgaabviswe pakati porudzi rwake.

Verenga chikamu Eksodo 30