Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Eksodo 30

30
Artari yeɀinonhuwira.
1Unofanira kuita ʋo artari yokupisira’po ɀinonhuwira; uiite nomuti womuakasia. 2Kureɓa kwayo ŋgakuʋe kubiti#30:2 Kubiti rimŋe kubva pagokara kuȿikira paminwe. rimŋe, noʋupamhi bgayo kubiti rimŋe, nhiʋi dzose dzienzane; kukwirira kwayo ŋgakuʋe makubiti maʋiri, ʋuye nyaŋga dzayo ŋgadziʋe cinhu cimŋe cete nayo. 3Unofanira kuifukidza nendarama yakaiȿo‐naka, kumsoro kwayo, nokunhiʋi dzayo dzose, nenyaŋga dzayo; uiitire ʋo hata yendarama inoikomberedza. 4Uiitire ʋo ɀindori ɀiʋiri ɀendarama pasi pehata yayo, pakona dzayo mbiri, panhiʋi dzayo mbiri, paʋe paiŋgatakurwa namatanda. 5Uite ʋo matanda omuakasia, nokuafukidza nendarama. 6Ɀino unofanira kuiisa pamberi pecidzitiro ciri paareka yecipupuriro, pamberi pecifunhiro cokuyananisa ciri pamsoro pecipupuriro, pandicasoŋgana newe. 7Aroni unofanira kupisa pamsoro payo ɀinonhuwira ɀemiti yakanaka; ŋgaaɀipise maŋgwanani ose, kana acigadzira mŋenje. 8Kana Aroni acituŋgidza mŋenje maɗekwana, ŋgaaɀipise, ɀiʋe ɀinonhuwira pamberi paJehova nokusiŋgaperi kuȿikira kumarudzi enyu ose. 9Musapisira pamsoro payo ɀinonhuwira ɀisina‐kufanira, kana cipiriso cinopiswa, kana cipiriso coʋupfu; musaɗururira pamsoro payo cipiriso cinoɗururwa. 10Aroni unofanira kuyananisa panyaŋga dzayo kamŋe cete pagore; unofanira kuyananisa pamsoro payo kamŋe cete pagore, neropa recipiriso ceɀiʋi cinoyananisa, kuȿikira kumarudzi enyu ose; cinhu citȿene kwaɀo kunaJehova.
Cipo cokuyananisa.
11Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: 12Kana uciʋereŋga ʋana ʋaIsraeri, kuti uʋone kuwanda kwaʋo, mumŋe nomumŋe unofanira kupa Jehova rudzikinuro rwomŋeya wake, kana uciʋaʋereŋga; kuti ʋarege kuɓatwa nehosha kana uciʋaʋereŋga. 13Ʋanofanira kupa kuɗai: Mumŋe nomumŋe unoɗarika kunaʋakaʋereŋgwa hafu yeshekeri,#30:13 Shekeri rimŋe aneŋge mashereni maʋiri nesisipenzi. ʋacienzanisa neshekeri rapanɀimbo tȿene; (shekeri rinamagera anamakumi maʋiri), hafu yeshekeri ciʋe cipo kunaJehova. 14Mumŋe nomumŋe unoɗarika kunaʋakaʋereŋgwa, waʋa namakore makumi maʋiri kana wapfuʋura makore iwayo, unofanira kupa Jehova cipo iceco. 15Mufumi ŋgaarege kuwedzera, nomurombo ŋgaarege kutapudza pahafu yeshekeri, kana ʋopa cipo ico, kuti muyananisire mŋeya yenyu. 16Ɀino unofanira kutora mari yokuyananisira kuʋana ʋaIsraeri, ugoripira ɓasa retente rukusoŋgana; kuti ciʋe ciraŋgaridzo kuʋana ʋaIsraeri pamberi paJehova, kuti mŋeya yenyu iyananisirwe.
Mudziyo wokushambidzira.
17Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: 18Unofanira kuita ʋo mudziyo wendarira wokushambidzira, necigadziko cawo cendarira, ugouisa pakati petente rokusoŋgana neartari, ndokuisa’mo mvura. 19Kuti Aroni naʋanakomana ʋake ʋashambe’mo maʋoko aʋo netsoka dzaʋo. 20Kana ʋopinda mutente rokusoŋgana, ʋanofanira kuɀishambidza nemvura, kuti ʋarege kufa, kana ʋosweɗera paartari kuzoshumira, kana kupisira Jehova cipiriso cinopiswa nomŋoto. 21Ʋanofanira kushamba maʋoko aʋo namakumbo aʋo, kuti ʋarege kufa; unofanira kuʋa mutemo usiŋgaperi kwaʋari, kwaari nokuʋanakomana ʋake kuȿikira kumarudzi aʋo ose.
Mafuta okuzodza nawo.
22Jehova wakataura ʋo naMosesi, akati: 23Tora ʋo miti inonhuwira inokunda mimŋe, anoti mashekeri anamazana mashanu#30:23 Kurema kuneŋge mapaundi anegumi namatanhatu. emura inoyerera, nehafu yakaɗaro yekinamuni inonaka, ndiwo mashekeri anamazana maʋiri namakumi mashanu, namashekeri anamazana maʋiri namakumi mashanu ekaramusi yakanaka; 24namazana mashanu ekasia, ʋacienzanisa neshekeri rapanɀimbo tȿene, nehini#30:24 Hini rineŋge garoni nehafu. imŋe yamafuta amaorivi; 25uite naɀo mafuta matȿene okuzodza nawo, ɀiʋe ɀinonhuwira ɀakaveŋganiswa noʋucenjeri bgomuveŋganisi weɀinonhuwira; aʋe mafuta matȿene okuzodza nawo. 26Ɀino unofanira kuzodza nawo tente rokusoŋgana neareka yecipupuriro, 27netafura nenhumbi dzayo dzose, necigadziko cemŋenje nenhumbi dzaco, neartari yeɀinonhuwira, 28neartari yeɀiɓayiro ɀinopiswa nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira necigadziko cawo. 29Uɀitsaure, ɀiʋe ɀinhu ɀitȿene kwaɀo; ɀose ɀinoɀigunɀa ɀicaʋa ɀitȿene ʋo. 30Unofanira kuzodza ʋo Aroni naʋanakomana ʋake, nokuʋaita ʋatȿene, kuti ʋandishumire paɓasa roʋuprista. 31Uʋudze ʋo ʋana ʋaIsraeri, uti: Iwaya anofanira kuʋa pamberi paŋgu mafuta matȿene okuzodza nawo kuȿikira kumarudzi enyu ose. 32Ŋgaarege kuɗirwa panyama yomunhu; ʋuye musaita mamŋe akafanana nawo, akaitwa saiwo; matȿene, anofanira kuʋa cinhu citȿene kwamuri. 33Aninani unoveŋganisa mafuta akafanana nawo, ʋuye aninani unoisa mamŋe awo pamutorwa, ŋgaabviswe pakati porudzi rwake.
Miti inonhuwira.
34Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Tora miti inonhuwira, inoti: Sitakte, neonika, negarbano, miti yakanaka neɀinonhuwira ɀakaiȿo‐naka; ɀose ɀienzane pakurema kwaɀo. 35Ugoita naɀo ɀinonhuwira, ɀinonhuwira ɀinonaka, ɀakaveŋganiswa noʋucenjeri bgomuveŋganisi weɀinonhuwira, ɀakaruŋgwa nomunyu, ɀakaiȿo‐naka, ɀitȿene. 36Unofanira kuswa ɀimŋe ɀaɀo kwaɀo, ugoɀiisa pamberi pecipupuriro mutente rokusoŋgana, mandicasoŋgana newe, kuti ɀiʋe ɀitȿene kwaɀo kwamuri. 37Ɀinonhuwira ɀamunoɀiitira imi, musaɀiita seɀamunoita iɀoɀi; ɀinofanira kuʋa kwamuri ɀitȿene kunaJehova. 38Aninani unoita ɀakafanana naɀo, kuti aɀinhuwidze, ŋgaabviswe pakati porudzi rwake.

Zvasarudzwa nguva ino

Eksodo 30: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda