Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Eksodo 31

31
Bezareri naOhoriabi ʋanogadzwa paɓasa.
1Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: 2Tarira, ndaɗana Bezareri, mŋanakomana waUri, mŋanakomana waHuri, worudzi rwaJuda, nezita rake, 3ndikamuzadza noMŋeya waMŋari, noʋucenjeri, nokunzwisisa, nokuziʋa kwose, nokugona marudzi ose amaɓasa, 4kuti afuŋge mano oʋumhizha, nokuɓata nendarama, nesirveri, nendarira, 5nokuʋeza mabge anoiswa mukati, nokuʋeza matanda, nokugona marudzi ose amaɓasa. 6Ʋuye ini, tarira ndakagadza pamŋe cete naye Ohoriabi, mŋanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDani; nomumŋoyo yaʋose ʋanemŋoyo yakaŋgwara ndakaisa ʋucenjeri, kuti ʋaite ɀose ɀandakakuraira, 7ɀinoti: Tente rokusoŋgana, neareka yecipupuriro, necifunhiro cokuyananisa ciri pamsoro payo, nenhumbi dzose dzetabernakeri, 8netafura nenhumbi dzayo, necigadziko cemŋenje cakaiȿo‐naka nenhumbi dzaco dzose, neartari yeɀinonhuwira, 9neartari yeɀipiriso ɀinopiswa nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira necigadziko cawo, 10neŋguʋo dzakarukwa ɀakanaka, neŋguʋo tȿene dzaAroni muprista, neŋguʋo dzaʋanakomana ʋake dzokuɓate‐ɓasa roʋuprista nadzo, 11namafuta okuzodza nawo, neɀinonhuwira ɀemiti inonaka ɀapanɀimbo tȿene; ʋanofanira kuita ɀose seɀandakakuraira.
Murairo wesaɓata.
12Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: 13Taura naʋana ʋaIsraeri, uti: Ɀirokwaɀo munofanira kuceŋgeta masaɓata aŋgu; nokuti ciratidzo pakati paŋgu nemi kuȿikira kumarudzi enyu ose, muziʋe kuti ndini Jehova unokutsaurai. 14Naiɀoɀo ceŋgetai saɓata, nokuti idɀene kwamuri; aninani unoriɀidza ŋgaaʋurawe ɀirokwaɀo; nokuti aninani unoɓate‐ɓasa ripi neripi naro, munhu uyo ŋgaabviswe pakati porudzi rwake. 15Maɓasa ose ŋgaaɓatwe namazuʋa matanhatu, asi zuʋa recinomŋe isaɓata rokuzorora kwaɀo, idɀene kunaJehova; aninani unoɓate‐ɓasa ripi neripi nezuʋa resaɓata, ŋgaaʋurawe ɀirokwaɀo. 16Naiɀoɀo ʋana ʋaIsraeri ʋanofanira kuceŋgeta saɓata, ʋaraŋgarire saɓata kuȿikira kumarudzi aʋo ose; iʋe suŋgano isiŋgaperi. 17Ciratidzo pakati paŋgu naʋana ʋaIsraeri nokusiŋgaperi; nokuti Jehova wakaita ɗeŋga nenyika namazuʋa matanhatu, akazorora nezuʋa recinomŋe, akasimbiswa.
18Ɀino wakati apedza kutaura naMosesi pagomo reSinai, akamupa mahwendefa maʋiri ecipupuriro, mahwendefa amabge akaŋga akanyorwa nomunwe waMŋari.

Zvasarudzwa nguva ino

Eksodo 31: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda