Zvino Jehovha wakataura naMosesi, akati, “Kana uchiverenga vana vaIsiraeri, kuti uwone kuwanda kwavo, mumwe nomumwe anofanira kupa Jehovha rudzikinuro rwomweya wake, kana uchivaverenga; kuti varege kubatwa nehosha kana uchivaverenga. Vanofanira kupa kudai: Mumwe nomumwe unodarika kuna vakaverengwa hafu yeshekeri vachienzanisa neshekeri rapanzvimbo tsvene; (shekeri rinamagera ana makumi maviri,) hafu yeshekeri chive chipo kuna Jehovha.
“Mumwe nomumwe unodarika kuna vakaverengwa, wava namakore makumi maviri kana wapfuura makore iwayo, anofanira kupa Jehovha chipo ichocho. Mupfumi ngaarege kuwedzera, nomurombo ngaarege kutapudza pahafu yeshekeri, kana vopa chipo icho, kuti muyananisire mweya yenyu. Zvino unofanira kutora mari yokuyananisira kuvana vaIsiraeri, ugoripira basa retende rokusangana; kuti chive chirangaridzo kuvana vaIsiraeri pamberi paJehovha, kuti mweya yenyu iyananisirwe.”
Zvino Jehovha wakataura naMosesi akati, “Unofanira kuitawo mudziyo wendarira wokushambidzira, nechigadziko chawo chendarira, ugouisa pakati petende rokusangana neatari, ndokuisamo mvura. Kuti Aroni navanakomana vake vashambemo maoko avo netsoka dzavo. Kana vopinda mutende rokusangana, vanofanira kuzvishambidza nemvura, kuti varege kufa, kana voswedera paatari kuzoshumira, kana kupisira Jehovha chipiriso chinopiswa nomoto. Vanofanira kushamba maoko avo namakumbo avo, kuti varege kufa; unofanira kuva mutemo usingaperi kwavari, kwaari nokuvanakomana vake kusvikira kumarudzi avo ose.”
Jehovha wakataurawo naMosesi akati, “Torawo miti inonhuwira inokunda imwe, anoti mashekeri ana mazana mashanu emura inoyerera, nehafu yakadaro yekinamuni inonaka, ndiwo mashekeri ana mazana maviri namakumi mashanu, namashekeri ana mazana maviri namakumi mashanu ekaramusi yakanaka; namazana mashanu ekasia, vachienzanisa neshekeri rapanzvimbo tsvene, nehini imwe yamafuta amaorivhi; uite nazvo mafuta matsvene okuzodza nawo, zvive zvinonhuwira zvakavhenganiswa nouchenjeri hwomuvhenganisi wezvinonhuwira; ave mafuta matsvene okuzodza nawo.
“Zvino unofanira kuzodza navo tende rokusangana neareka yechipupuriro, netafura nenhumbi dzayo dzose, nechigadziko chemwenje nenhumbi dzacho, neatari yezvinonhuwira, neatari yezvibayiro zvinopiswa nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira nechigadziko chawo. Uzvitsaure, zvive zvinhu zvitsvene kwazvo; zvose zvinozvigunzva zvichava zvitsvenewo. Unofanira kuzodzawo Aroni navanakomana vake, nokuvaita vatsvene, kuti vandishumire pabasa roupristi. Uudzewo vana vaIsiraeri, uti, ‘Iwaya anofanira kuva pamberi pangu mafuta matsvene okuzodza nawo kusvikira kumarudzi enyu ose.’ Ngaarege kudirwa panyama yomunhu; uye musaita mamwe akafanana nawo, akaitwa saiwo; matsvene, anofanira kuva chinhu chitsvene kwamuri. Ani naani unovhenganisa mafuta akafanana nawo, uye ani naani unoisa mamwe awo pamutorwa, ngaabviswe pakati porudzi rwake.”
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Tora miti inonhuwira, inoti: Sitake, neonika, negabhano, miti yakanaka nezvinonhuwira zvakaisvonaka; zvose zvienzane pakurema kwazvo. Ugoita nazvo zvinonhuwira, zvinonhuwira zvinonaka, zvakavhenganiswa nouchenjeri hwomuvhenganisi wezvinonhuwira, zvakarungwa nomunyu, zvakaisvonaka, zvitsvene. Unofanira kutswa zvimwe zvazvo kwazvo, ugozviisa pamberi pechipupuriro mutende rokusangana, mandichasangana newe, kuti zvive zvitsvene kwazvo kwamuri. Zvinonhuwira zvamunozviitira imi, musazviita sezvamunoita izvozvi; zvinofanira kuva kwamuri zvitsvene kuna Jehovha. Ani naani unoita zvakafanana nazvo, kuti azvinhuwidze, ngaabviswe pakati porudzi rwake.”