Tenzi akati kuna Mosesi, “Kana mava kuverenga vaIsiraeri, munhu wose ngaabvise mari yokununura upenyu hwake pana Tenzi pamunovaverenga kuti varege kuzowirwa nedenda pamunovaverenga. Munhu wose anenge averengwa ngaabvise hafu yeshekeri, iri pamwero weshekeri romuNzvimbo Inoera. (Shekeri rinorema magiramu matanhatu.) Mari iyoyo ichava mupiro unopirwa kuna Tenzi nomunhu wose. Munhu wose wose anenge averengwa ana makore makumi maviri kana anoraudza ipapo ngaabvise mupiro iwoyo weni Tenzi. Pamunobvisa chikamu chepakati nepakati chemari yesirivha yeshekeri iyoyo, mupfumi ngaarege kubvisa mari inopfuura ipapo, murombo aregewo kubvisa shoma pane iyoyo. Unofanira kupiwa navaIsiraeri mari yokununura iyoyo uiendese kundoshandiswa mutendhe rokusanganira kuti ive yokundiyeuchidza vaIsiraeri ini Tenzi kuitira kuti igokununurai upenyu.”
Tenzi akataurira Mosesi kuti, “Unozofanira kugadzira dhishi rokushambira rendarira rine chigadzikirowo charo chendarira, worigadzika pakati petendhe rokusanganira neatari, woriisa mvura yokuti Aroni navanakomana vake vazoshamba maoko netsoka dzavo. Kana vava kupinda mutendhe rokusanganira kana kuenda kuatari kundopireni Tenzi mupiro unopiswa nomoto, ngavashambe nemvura iyoyo, vakarega kudaro vanofa. Vanofanira kushamba maoko netsoka dzavo kuti varege kufa. Iwoyu uchava mutemo wokugara nokugara kwavari nokuna Aroni nokuzvizukuru zvake pazvizvarwa zvavo zvose.”
Tenzi akatiwo kuna Mosesi, “Unofanira kutora tunonhuhwirira tunoti: mura yemvuramvura inorema makirogiramu matanhatu, nesinamoni inonhuhwira zvakanaka inorema makirogiramu matatu, nouswa hunonzi karamosi hunonhuhwira hunorema makirogiramu matatu, namakwati omuunga anorema makirogiramu matanhatu. Unoera zvose izvozvi nomwero wakatemwa weshekeri romuNzvimbo Inoera. Unotorawo marita mana amafuta eorivhi, wosanganisa zvose izvozvo wogadzira mafuta anoera okuzodza sokugadzirwa kunoitwa twokuzora tunonhuhwira. Iwaya achava mafuta anoera okuzodza nawo. Namafuta iwayo unofanira kuzodza tendhe rokusanganira nebhokisi rechitenderano, neteburu pamwechete nemidziyo yayo, nechigadzikiro chomwenje pamwechete nemidziyo yacho, neatari yokupisira rusenzi, uzodzewo atari yomupiro wokupisa pamwechete nemidziyo yayo, nedhishi rokushambira nechigadzikiro charo. Kana mukateketerera kuna Mwari zvinhu izvozvo nomutoo iwoyu zvichava zvinoera kwazvo. Chii zvacho chichagunzvana nazvo chichava chinoera. Uyewo unofanira kuzodza Aroni navanakomana vake uchivateketera kwandiri kuti vandishandire savapristi. Unofanira kutaurira vaIsiraeri kuti, ‘Pazvizvarwa zvenyu zvose, aya ndiwo mafuta angu anoera okuzodza.’ Ngaarege kungodirwa pamunhu wose wose. Musaite mamwe mafuta enyu akafana nawo. Mafuta aya, mafuta anoera, anoerawo kwamuri. Kuwana anogadzira mafuta akaita saiwaya kana kudira mafuta anoera aya pamunhu asiri mupristi, munhu iyeyo ngaachekaniswe ukama navaIsiraeri.”
Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Tora mwero wakaenzana-enzana wetunonhuhwira tunoti: sitakite neonika negaribhanumu, tunofanira kuva tunonhuhwirira tune furanginisenzi chaiyo yakanakisisa. Sanganisa tunonhuhwira itwotwo ugadzire rusenzi sokugadzirwa kunoitwa mafuta okuzora anonhuhwira, rusenzi irworwo ngaruve rwakarungwa nomunyu, ruve rwakanakisisa ruve runoera. Parusenzi irworwo bvisa rumwe urudzvure kusvikira rwaota, uende narwo kutendhe rokusanganira undoruisa pamberi pebhokisi rechitenderano paya pandichasangana newe. Rusenzi irworwo ngaruve chinhu chinoera kwazvo kwamuri. Musambozvigadzirira rumwe rusenzi rwakadai. Kwamuri imi, rusenzi uru runoera, runoereserwa Tenzi. Kuwana anozvigadzirira rumwe rusenzi rwakaita sairworwu kuti arushandisewo zvake ngaachekaniswe ukama navaIsiraeri.”