Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 27:1-21

Ekisodho 27:1-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

“Uvake aritari yamatanda omuunga, makubhiti matatu pakukwirira kwayo; inofanira kuva namativi mana akaenzana, kureba kwayo makubhiti mashanu uye upamhi hwayo makubhiti mashanu. Uite runyanga pamakona ayo mana, kuti nyanga nearitari zvive chinhu chimwe, uye ufukidze aritari nendarira. Uite midziyo yayo yose nendarira, hari dzayo dzokubvisisa madota, uye foshoro dzayo, mbiya dzokusasa nadzo, zvibayiso zvenyama nemakango apamoto. Uyiitire chiparo, sefa yendarira, uye ugoita mhete yendarira pakona imwe neimwe yesefa. Uchiise pasi pechitsiko chearitari kuitira kuti chive pakati nepakati pearitari. Uitire aritari matanda omuunga uye ugoafukidza nendarira. Matanda aya anofanira kupinzwa mukati memhete kuti agova kumativi maviri earitari painenge yotakurwa. Uite aritari namapuranga, isina chinhu mukati mayo. Inofanira kugadzirwa sokuratidzwa kwawakaitwa pagomo. “Uitire tabhenakeri ruvazhe. Rutivi rwezasi runofanira kureba makubhiti zana uye runofanira kuva nezvidzitiro zvakarembedzwa zvomucheka wakarukwa zvakaisvonaka, namatanda makumi maviri uye zvigadziko zvendarira makumi maviri uye zvikorekedzo zvesirivha nezvisungo pamatanda. Rutivi rwokumusoro rucharebawo makubhiti zana uye runofanira kuva nezvidzitiro zvakarembedzwa, namatanda makumi maviri, nezvigadziko zvendarira makumi maviri, uye zvikorekedzo zvesirivha nezvisungo pamatanda. “Kumucheto kworuvazhe, nechokumavirira, kunofanira kuva noupamhi hwamakubhiti makumi mashanu uye zvidzitiro zvakarembedzwa, namatanda gumi uye zvigadziko gumi. Kumucheto nechokumabvazuva kwakatarisana nokunobuda nezuva, upamhi hworuvazhe hunofanira kuva makubhiti makumi mashanu. Zvidzitiro zvakareba makubhiti gumi namashanu zvinofanira kuva kuno rumwe rutivi rwomukova, namatanda matatu nezvigadziko zvitatu, uye zvimwe zvidzitiro zvakareba makubhiti gumi namashanu ngazvivewo kuno rumwe rutivi, namatanda matatu nezvigadziko zvitatuwo. “Pamukova wokupinda muruvazhe, uise chidzitiro chakareba makubhiti makumi maviri, chewuru yebhuruu, yepepuru netsvuku uye nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka, basa romusoni anogona, namatanda mana uyewo zvigadziko zvina. Matanda ose akapoteredza ruvazhe anofanira kuva nezvisungiso zvesirivha nezvikorekedzo, uye zvigadziko zvendarira. Ruvazhe ruchareba makubhiti zana uye makubhiti makumi mashanu paupamhi, nezvidzitiro zvemicheka yakarukwa zvakaisvonaka yakareba makubhiti mashanu, uye nezvigadziko zvendarira. Mimwe midziyo inoshandiswa paushumiri hwetabhenakeri, ringava basa ripi zvaro, kusanganisira mbambo dzose dzetende neiya yomuruvazhe, inofanira kuva yendarira. “Urayire vaIsraeri kuti vakuvigire mafuta omuorivhi akachena, akasvinwa omwenje, kuitira kuti mwenje irambe ichipfuta. MuTende Rokusangana, kunze kwechidzitiro chiri pamberi peChipupuriro, Aroni navanakomana vake vanofanira kurega mwenje ichiramba ichipfuta pamberi paJehovha, kubva madekwana kusvikira mangwanani. Uyu unofanira kuva mutemo usingaperi pakati pavaIsraeri nokuzvizvarwa zvinotevera.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 27

Ekisodho 27:1-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

“Unofanira kuita atari nomuakasia; kureba kwayo makubhiti mashanu, noupamhi hwayo makubhiti mashanu; atari ngaive nenhivi ina dzakaenzana; kukwirira kwayo ngakuve makubhiti matatu. Uitewo nyanga dzayo pamakona ayo mana; nyanga dzayo dzive chinhu chimwe nayo; uifukidze nendarira. Uiitire hari dzokubvisa madota ayo, nefoshoro dzayo, nemidziyo yayo, nezvikokonho zvenyama, nezvaenga zvomoto; midziyo yayo yose unofanira kuiita nendarira. Unofanira kuiitirawo chakarukwa chendarira chakarukwa samambure; pamambure uite zvindori zvina zvendarira pamakona awo mana. Uzviise pasi pechitsiko cheatari chakaipotedza nechenyasi, kuti mambure asvikire pakati peatari. Uitire atari matanda omuakasia, ugoafukidza nendarira. Matanda iwayo aiswe muzvindori, matanda agova panhivi mbiri dzeatari kana voitakura. Uiite namapuranga, isava nechinhu mukati, sezvawakaratidzwa mugomo, uiite saizvozvo. “Unofanira kuitawo ruvazhe rwetabhenakeri; kurutivi rwezasi, rwakatarira zasi, ngakuve nemicheka yakarembedzwa yakaisvonaka, yakarukwa; kureba kwayo mukubhiti ane zana kurutivi rumwe; ngapave nembiru dzina makumi maviri, nezvigadziko zvadzo zvina makumi maviri, zvendarira, nezvikorekedzo zvembiru nezvindori zvadzo zvive zvesirivha. Saizvozvowo kurutivi rwokumusoro rwakareba ngapavewo nemicheka yakarembedzwa, kureba kwayo makubhiti ane zana; nembiru dzayo dzina makumi maviri, nezvigadziko zvadzo zvina makumi maviri, zvendarira; zvikorekedzo zvembiru nezvindori zvadzo ngazvive zvesirivha. Paupamhi hworuvazhe kurutivi rwamavirazuva panofanira kuva nemicheka yakarembedzwa ina makubhiti makumi mashanu, nembiru dzinegumi nezvigadziko zvadzo zvine gumi. Napaupamhi hworuvazhe kurutivi rwamabvazuva, kunotarira kurutivi rwamabvazuva, kunotara kumabvazuva, ngakuve namakubhiti ana makumi mashanu. Micheka yakarembedzwa kurutivi rumwe rwesuo inofanira kuva namakubhiti ane gumi namashanu, nembiru dzayo nhatu nezvigadziko zvadzo zvitatu. Nokuno rumwe rutivi ngapave nemicheka yakarembedzwa ina makubhiti ane gumi namashanu, nembiru dzayo nhatu, nezvigadziko zvadzo zvitatu. Napasuo roruvanze ngapave nechidzitiro china makubhiti ana makumi maviri chezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, rive basa romusoni anogona, nembiru dzacho ina nezvigadziko zvadzo zvina. Mbiru dzose dzoruvazhe dzakapoteredza ngadzive nezvindori zvesirivha, nezvikorekedzo zvadzo zvesirivha, nezvigadziko zvadzo zvendarira. Kureba kworuvazhe kunofanira kuva makubhiti ane zana, noupamhi makubhiti makumi mashanu kwose, nokukwirira makubhiti mashanu; zviitwe nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, nezvigadziko zvadzo zvendarira. Nhumbi dzose dzetabhenakeri dzamabasa ayo ose, nembambo dzayo dzose, nembambo dzose dzoruvazhe ngadzive dzendarira. “Unofanira kuraira vana vaIsiraeri kuti vauye kwauri namafuta omuorivhi akaisvonaka akasvinhiwa omwenje, kuti avhenekese mwenje nguva dzose. Mutende rokusangana, kunze kwechidzitiro chiri pamberi pechipupuriro, Aroni navanakomana vake ngavaugadziremo pamberi paJehovha, kubva pamadekwana kusvikira mangwanani; ngauve mutemo nokusingaperi kusvikira kumarudzi ose avana vaIsiraeri.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 27

Ekisodho 27:1-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

“Unofanira kuita atari namapango omuunga akavezwa. Kureba kwayo ngakuite mamita maviri ana masendimita makumi maviri, upamhi hwayo huve mamita maviri ane masendimita makumi maviri, kukwira kwayo kuve mita imwechete ina masendimita makumi matatu. Mativi mana eatari iyoyo ngaave akaenzana. Unofanira kuveza zvinenge nyanga zvina zvepamusoro pemakona mana eatari, izvozvo ngazvive zvakavezwa zvakabatana neatari iyoyo. Atari ngainamirirwe noutare hwendarira. Wozogadzirawo migomo yokubvisira dota, namafoshoro nembenge namaforogo okubayisa nyama namagwati okugokesa moto. Unofanira kugadzira midziyo iyoyi yose nendarira. Uyezve uigadzirire sefa yendarira. Pasefa iyoyo isa maringi mana endarira pamakona ayo mana, uiise nechepasi pomupendero wapamusoro peatari, irembere zvokusvika pakati napakati peatari. Unofanira kuveza mapango omuunga epaatari, anamirirwe nendarira. Pakutakura atari, mapango iwayo ndookuitakurisa, ngaapfekerwe mumaringi ari mumativi ayo maviri akati uku rimwe uku rimwe. Atari ngaigadzirwe namapuranga iine zimhango risina chinhu. Ngaiitwe sezvawaratidzwa mugomo. “Unofanira kugadzira nhandare yetendhe rinoera. Kurutivi rwokumaodzanyemba rwenhandare iyoyo ngakuve namachira okudzikatirisa erineni akanakisa ose pamwechete aite mamita makumi mana ana mana kureba. Ngapave namapango awo makumi maviri ane zvigadzikirowo zvawo zvendarira makumiwo maviri. Zvipikiri zvapamapango okupfekera machira iwayo ngazvive zvesirivha. Saizvozvo kuchamhembe kwayo ngakuvewo namachira okudzikatirisa aitewo makumi mana amamita ana mamita mana kureba. Mapango awo ngaave makumi maviri nezvokugadzikirawo zvawo zvendarira makumi maviri, asi zvipikiri zvacho nomupendero wacho ngazvive zvesirivha. Hwasha hwenhandare iyoyo kumadokero, ngakuve namachira okudzikatirisa ana mamita makumi maviri namaviri kureba namapango gumi ane zvigadzikiro zvawo gumi. Hwasha hwenhandare iyoyo kumabvazuva, kune musuo wayo, ngakuite mamita makumi maviri ana maviri. Machira okudzikatirisa orutivi rumwechete rwokumusuo ngaave mamita matanhatu ana masendimita makumi matanhatu. Ngapavewo namapango matatu ane zvigadzikiro zvawo zvitatu. Rimwe divi, machira iwayo okumusuo ngaave namamita matanhatu ana masendimita makumi matanhatu, kuine mapango matatu ane zvigadzikiro zvawo zvitatu. Pasuo guru rokupinda munhandare ngapave nejira rokudzikatirisa rine upamhi mamita mapfumbamwe rakagadzirwa namachira erineni akanakisisa, akarukirwa achishongedzwa newuru yoruvara rwedenga neyoruvara rwehute netsvuku, rine mapango mana ane zvigadzikiro zvina. Mapango ose akapoteredza ruvanze ngaabatanidzwe nembariro dzesirivha. Zvipikiri zvokukochekera machira ngazvive zvesirivha, zvigadzikiro zvawo zvive zvendarira. Kureba kwenhandare ngakuite mamita makumi mana ana mamita mana, kufara kwayo, kuite mamita makumi maviri ana mamita maviri, nokukwira kwejira ngakuitewo mamita maviri ana masendimita makumi maviri, unamachira okudzikatirisa erineni yakanakisisa, namapango nezvigadzikiro zvendarira. Zvinhu zvose zvamunoshandisa mutendhe rinoera, nehoko dzose dzetendhe, nehoko dzose dzamachira okukomberedza ruvanze, ngazvive zvendarira. “Iti vaIsiraeri vakupe mafuta akanakisisa eorivhi, okudira mumarambi echigadzikiro chomwenje achagara akatungidzwa, mutendhe rokusanganira kuseri kwechidzikatiro pakatarisana nebhokisi rechitenderano, Aroni navanakomana vake vaagadziridze arare achivhenekera paneni Tenzi kubvira manheru kudzamara kwaedza. VaIsiraeri ngavachengete murao wangu iwoyu narini wose pazvizvarwa zvavo zvose.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 27

Ekisodho 27:1-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Unofanira kuita artari nomuakasia; kureɓa kwayo makubiti mashanu, noʋupamhi bgayo makubiti mashanu; artari ŋgaiʋe nenhiʋi inna dzakaenzana; kukwirira kwayo ŋgakuʋe makubiti matatu. Uite ʋo nyaŋga dzayo pamakona ayo manna; nyaŋga dzayo dziʋe cinhu cimŋe nayo; uifukidze nendarira. Uiitire hari dzokubvisa maɗota ayo, nefoshoro dzayo, nemidziyo yayo, neɀikokoʋonho ɀenyama, neɀaeŋga ɀomŋoto; midziyo yayo yose unofanira kuiita nendarira. Unofanira kuiitira ʋo cakarukwa cendarira cakarukwa samambure; pamambure uite ɀindori ɀinna ɀendarira pamakona awo manna. Uɀiise pasi pecitsiko ceartari cakaipotedza necenyasi, kuti mambure aȿikire pakati peartari. Uitire artari matanda omuakasia, ugoafukidza nendarira. Matanda iwayo aiswe muɀindori, matanda agoʋa panhiʋi mbiri dzeartari kana ʋoitakura. Uiite namapuraŋga, isaʋa necinhu mukati, seɀawakaratidzwa mugomo, uiite saiɀoɀo. Unofanira kuita ʋo ruʋazhe rwetabernakeri; kurutiʋi rwezasi, rwakatarira zasi, ŋgakuʋe nemiceka yakarembedzwa yakaiȿo‐naka, yakarukwa; kureɓa kwayo makubiti anezana kurutiʋi rumŋe; ŋgapaʋe nembiru dzinamakumi maʋiri, neɀigadziko ɀadzo ɀinamakumi maʋiri, ɀendarira, neɀikorekedzo ɀembiru neɀindori ɀadzo ɀiʋe ɀesirveri. Saiɀoɀo ʋo kurutiʋi rwokumsoro rwakareɓa ŋgapaʋe ʋo nemiceka yakarembedzwa, kureɓa kwayo makubiti anezana; nembiru dzayo dzinamakumi maʋiri, neɀigadziko ɀadzo ɀinamakumi maʋiri, ɀendarira; ɀikorekedzo ɀembiru neɀindori ɀadzo ŋgaɀiʋe ɀesirveri. Paʋupamhi bgoruʋazhe kurutiʋi rwamaʋirazuʋa panofanira kuʋa nemiceka yakarembedzwa inamakubiti makumi mashanu, nembiru dzinegumi neɀigadziko ɀadzo ɀinegumi. Napaʋupamhi bgoruʋazhe kurutiʋi rwamabvazuʋa, kunotarira kumabvazuʋa, ŋgakuʋe namakubiti anamakumi mashanu. Miceka yakarembedzwa kurutiʋi rumŋe rwesuʋo inofanira kuʋa namakubiti anegumi namashanu, nembiru dzayo nhatu neɀigadziko ɀadzo ɀitatu. Nokunorumŋe rutiʋi ŋgapaʋe nemiceka yakarembedzwa inamakubiti anegumi namashanu, nembiru dzayo nhatu, neɀigadziko ɀadzo ɀitatu. napasuʋo roruʋazhe ŋgapaʋe necidzitiro cinamakubiti anamakumi maʋiri ceɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nomuceka wakaiȿo‐naka wakarukwa, riʋe ɓasa romusoni unogona, nembiru dzaco inna neɀigadziko ɀadzo ɀinna. Mbiru dzose dzoruʋazhe dzakapotedza ŋgadziʋe neɀindori ɀesirveri, neɀikorekedzo ɀadzo ɀesirveri, neɀigadziko ɀadzo ɀendarira. Kureɓa kworuʋazhe kunofanira kuʋa makubiti anezana, noʋupamhi makubiti makumi mashanu kwose, nokukwirira makubiti mashanu; ɀiitwe nomuceka wakaiȿo‐naka wakarukwa, neɀigadziko ɀadzo ɀendarira. Nhumbi dzose dzetabernakeri dzamaɓasa ayo ose, nembambo dzayo dzose, nembambo dzose dzoruʋazhe ŋgadziʋe dzendarira. Unofanira kuraira ʋana ʋaIsraeri kuti ʋaʋuye kwauri namafuta omuorivi akaiȿo‐naka akaȿinhiwa omŋenje, kuti avenekese mŋenje ŋguʋa dzose. Mutente rokusoŋgana, kunze kwecidzitiro ciri pamberi pecipupuriro, Aroni naʋanakomana ʋake ŋgaʋaugadzire’mo pamberi paJehova, kubva pamaɗekwana kuȿikira maŋgwanani; ŋgauʋe mutemo nokusiŋgaperi kuȿikira kumarudzi ose aʋana ʋaIsraeri.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 27

Ekisodho 27:1-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)