Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kubuda 27:1-21

Kubuda 27:1-21 SCLB

“Unofanira kuita atari namapango omuunga akavezwa. Kureba kwayo ngakuite mamita maviri ana masendimita makumi maviri, upamhi hwayo huve mamita maviri ane masendimita makumi maviri, kukwira kwayo kuve mita imwechete ina masendimita makumi matatu. Mativi mana eatari iyoyo ngaave akaenzana. Unofanira kuveza zvinenge nyanga zvina zvepamusoro pemakona mana eatari, izvozvo ngazvive zvakavezwa zvakabatana neatari iyoyo. Atari ngainamirirwe noutare hwendarira. Wozogadzirawo migomo yokubvisira dota, namafoshoro nembenge namaforogo okubayisa nyama namagwati okugokesa moto. Unofanira kugadzira midziyo iyoyi yose nendarira. Uyezve uigadzirire sefa yendarira. Pasefa iyoyo isa maringi mana endarira pamakona ayo mana, uiise nechepasi pomupendero wapamusoro peatari, irembere zvokusvika pakati napakati peatari. Unofanira kuveza mapango omuunga epaatari, anamirirwe nendarira. Pakutakura atari, mapango iwayo ndookuitakurisa, ngaapfekerwe mumaringi ari mumativi ayo maviri akati uku rimwe uku rimwe. Atari ngaigadzirwe namapuranga iine zimhango risina chinhu. Ngaiitwe sezvawaratidzwa mugomo. “Unofanira kugadzira nhandare yetendhe rinoera. Kurutivi rwokumaodzanyemba rwenhandare iyoyo ngakuve namachira okudzikatirisa erineni akanakisa ose pamwechete aite mamita makumi mana ana mana kureba. Ngapave namapango awo makumi maviri ane zvigadzikirowo zvawo zvendarira makumiwo maviri. Zvipikiri zvapamapango okupfekera machira iwayo ngazvive zvesirivha. Saizvozvo kuchamhembe kwayo ngakuvewo namachira okudzikatirisa aitewo makumi mana amamita ana mamita mana kureba. Mapango awo ngaave makumi maviri nezvokugadzikirawo zvawo zvendarira makumi maviri, asi zvipikiri zvacho nomupendero wacho ngazvive zvesirivha. Hwasha hwenhandare iyoyo kumadokero, ngakuve namachira okudzikatirisa ana mamita makumi maviri namaviri kureba namapango gumi ane zvigadzikiro zvawo gumi. Hwasha hwenhandare iyoyo kumabvazuva, kune musuo wayo, ngakuite mamita makumi maviri ana maviri. Machira okudzikatirisa orutivi rumwechete rwokumusuo ngaave mamita matanhatu ana masendimita makumi matanhatu. Ngapavewo namapango matatu ane zvigadzikiro zvawo zvitatu. Rimwe divi, machira iwayo okumusuo ngaave namamita matanhatu ana masendimita makumi matanhatu, kuine mapango matatu ane zvigadzikiro zvawo zvitatu. Pasuo guru rokupinda munhandare ngapave nejira rokudzikatirisa rine upamhi mamita mapfumbamwe rakagadzirwa namachira erineni akanakisisa, akarukirwa achishongedzwa newuru yoruvara rwedenga neyoruvara rwehute netsvuku, rine mapango mana ane zvigadzikiro zvina. Mapango ose akapoteredza ruvanze ngaabatanidzwe nembariro dzesirivha. Zvipikiri zvokukochekera machira ngazvive zvesirivha, zvigadzikiro zvawo zvive zvendarira. Kureba kwenhandare ngakuite mamita makumi mana ana mamita mana, kufara kwayo, kuite mamita makumi maviri ana mamita maviri, nokukwira kwejira ngakuitewo mamita maviri ana masendimita makumi maviri, unamachira okudzikatirisa erineni yakanakisisa, namapango nezvigadzikiro zvendarira. Zvinhu zvose zvamunoshandisa mutendhe rinoera, nehoko dzose dzetendhe, nehoko dzose dzamachira okukomberedza ruvanze, ngazvive zvendarira. “Iti vaIsiraeri vakupe mafuta akanakisisa eorivhi, okudira mumarambi echigadzikiro chomwenje achagara akatungidzwa, mutendhe rokusanganira kuseri kwechidzikatiro pakatarisana nebhokisi rechitenderano, Aroni navanakomana vake vaagadziridze arare achivhenekera paneni Tenzi kubvira manheru kudzamara kwaedza. VaIsiraeri ngavachengete murao wangu iwoyu narini wose pazvizvarwa zvavo zvose.

Verenga chikamu Kubuda 27