Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kubuda 27

27
Atari yezvibayiro zvinopiswa
(Kub 38:1–7)
1“Unofanira kuita atari namapango omuunga akavezwa. Kureba kwayo ngakuite mamita maviri ana masendimita makumi maviri, upamhi hwayo huve mamita maviri ane masendimita makumi maviri, kukwira kwayo kuve mita imwechete ina masendimita makumi matatu. Mativi mana eatari iyoyo ngaave akaenzana. 2Unofanira kuveza zvinenge nyanga zvina zvepamusoro pemakona mana eatari, izvozvo ngazvive zvakavezwa zvakabatana neatari iyoyo. Atari ngainamirirwe noutare hwendarira. 3Wozogadzirawo migomo yokubvisira dota, namafoshoro nembenge namaforogo okubayisa nyama namagwati okugokesa moto. Unofanira kugadzira midziyo iyoyi yose nendarira. 4Uyezve uigadzirire sefa yendarira. Pasefa iyoyo isa maringi mana endarira pamakona ayo mana, 5uiise nechepasi pomupendero wapamusoro peatari, irembere zvokusvika pakati napakati peatari. 6Unofanira kuveza mapango omuunga epaatari, anamirirwe nendarira. 7Pakutakura atari, mapango iwayo ndookuitakurisa, ngaapfekerwe mumaringi ari mumativi ayo maviri akati uku rimwe uku rimwe. 8Atari ngaigadzirwe namapuranga iine zimhango risina chinhu. Ngaiitwe sezvawaratidzwa mugomo.
Nhandare yetendhe rinoera
(Kub 38:9–20)
9“Unofanira kugadzira nhandare yetendhe rinoera. Kurutivi rwokumaodzanyemba rwenhandare iyoyo ngakuve namachira okudzikatirisa erineni akanakisa ose pamwechete aite mamita makumi mana ana mana kureba. 10Ngapave namapango awo makumi maviri ane zvigadzikirowo zvawo zvendarira makumiwo maviri. Zvipikiri zvapamapango okupfekera machira iwayo ngazvive zvesirivha. 11Saizvozvo kuchamhembe kwayo ngakuvewo namachira okudzikatirisa aitewo makumi mana amamita ana mamita mana kureba. Mapango awo ngaave makumi maviri nezvokugadzikirawo zvawo zvendarira makumi maviri, asi zvipikiri zvacho nomupendero wacho ngazvive zvesirivha. 12Hwasha hwenhandare iyoyo kumadokero, ngakuve namachira okudzikatirisa ana mamita makumi maviri namaviri kureba namapango gumi ane zvigadzikiro zvawo gumi. 13Hwasha hwenhandare iyoyo kumabvazuva, kune musuo wayo, ngakuite mamita makumi maviri ana maviri. 14Machira okudzikatirisa orutivi rumwechete rwokumusuo ngaave mamita matanhatu ana masendimita makumi matanhatu. Ngapavewo namapango matatu ane zvigadzikiro zvawo zvitatu. 15Rimwe divi, machira iwayo okumusuo ngaave namamita matanhatu ana masendimita makumi matanhatu, kuine mapango matatu ane zvigadzikiro zvawo zvitatu. 16Pasuo guru rokupinda munhandare ngapave nejira rokudzikatirisa rine upamhi mamita mapfumbamwe rakagadzirwa namachira erineni akanakisisa, akarukirwa achishongedzwa newuru yoruvara rwedenga neyoruvara rwehute netsvuku, rine mapango mana ane zvigadzikiro zvina. 17Mapango ose akapoteredza ruvanze ngaabatanidzwe nembariro dzesirivha. Zvipikiri zvokukochekera machira ngazvive zvesirivha, zvigadzikiro zvawo zvive zvendarira. 18Kureba kwenhandare ngakuite mamita makumi mana ana mamita mana, kufara kwayo, kuite mamita makumi maviri ana mamita maviri, nokukwira kwejira ngakuitewo mamita maviri ana masendimita makumi maviri, unamachira okudzikatirisa erineni yakanakisisa, namapango nezvigadzikiro zvendarira. 19Zvinhu zvose zvamunoshandisa mutendhe rinoera, nehoko dzose dzetendhe, nehoko dzose dzamachira okukomberedza ruvanze, ngazvive zvendarira.
Minora, chigadzikiro chomwenje chomutendhe rinoera
(Mup 24:1–4)
20“Iti vaIsiraeri vakupe mafuta akanakisisa eorivhi, okudira mumarambi echigadzikiro chomwenje achagara akatungidzwa, 21mutendhe rokusanganira kuseri kwechidzikatiro pakatarisana nebhokisi rechitenderano, Aroni navanakomana vake vaagadziridze arare achivhenekera paneni Tenzi kubvira manheru kudzamara kwaedza. VaIsiraeri ngavachengete murao wangu iwoyu narini wose pazvizvarwa zvavo zvose.

Zvasarudzwa nguva ino

Kubuda 27: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda