Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 21:1-36

Ekisodho 21:1-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

“Iyi ndiyo mirayiro yaunofanira kumisa pamberi pavo: “Kana ukatenga muranda wechiHebheru, anofanira kukushandira kwamakore matanhatu. Asi mugore rechinomwe, anofanira kusunungurwa aende, asina chinhu chaanoripa. Kana akauya ari oga, anofanira kusunungurwa aende ari oga; asi kana ano mukadzi pakuuya kwake, anofanira kuenda nomukadzi wake. Kana tenzi wake akamupa mukadzi uye akamuberekera vanakomana kana vanasikana, mukadzi navana vake vachava vatenzi wake, uye murume chete ndiye achasunungurwa kuti aende hake. “Asi muranda akati, ‘Ndinoda tenzi wangu, mukadzi wangu navana vangu asi handisi kuda kusunungurwa,’ ipapo tenzi wake anofanira kuenda naye pamberi pavatongi. Achaenda naye pamukova kana pagwatidziro romukova agomuboora nzeve yake norunji. Ipapo achava muranda wake kwoupenyu hwake hwose. “Kana munhu akatengesa mwanasikana wake kuti ave murandakadzi, iyeye haafaniri kusunungurwa kuti aende sezvinoita varandarume. Kana asingafadzi tenzi akamusarudza kuti ave wake, anofanira kumurega kuti adzikinurwe. Haana mvumo yokumutengesa kuvatorwa, nokuti aputsa chitenderano naye. Kana akamusarudzira mwanakomana wake, anofanira kumupa kodzero dzomwanasikana. Kana akawana mumwe mukadzi, haafaniri kunyima mukadzi wokutanga zvokudya, nguo kana kodzero dzake dzokuwanikwa. Kana asingamupi zvinhu zvitatu izvi, anofanira kuenda akasununguka pasina kana mari yaanoripa. “Ani naani anorova munhu uye akamuuraya, zvirokwazvo naiye achaurayiwa. Kunyange zvakadaro hazvo, kana asingazviiti nobwoni, asi Mwari atendera kuti zviitike, iye anofanira kutizira kunzvimbo yandichatsaura. Asi kana munhu akaronga uye akauraya mumwe munhu nobwoni, mumubvise paaritari yangu uye mumuuraye. “Ani naani anorova baba vake kana mai vake anofanira kuurayiwa. “Ani naani anoba mumwe munhu uye akamutengesa kana kuti akawanikwa achinaye paanenge abatwa, anofanira kuurayiwa. “Ani naani anotuka baba vake kana mai vake anofanira kuurayiwa. “Kana vanhu vakakakavadzana uye mumwe akarova mumwe nebwe kana nechibhakera chake uye akasafa asi akavata panhoo, munhu arova haazobatwi nemhosva kana mumwe wacho akamuka akafamba-famba kunze nomudonzvo wake; kunyange zvakadaro hazvo, anofanira kuripa munhu akakuvara nokuda kwokurasikirwa kwake nenguva yake uye aone kuti apora zvachose. “Kana munhu akarova murandarume wake kana murandakadzi netsvimbo uye muranda akafa nokuda kwokurohwa, anofanira kurangwa, asi haafaniri kurangwa kana muranda akamuka shure kwezuva rimwe chete kana maviri, sezvo muranda ari mudziyo wake. “Kana varume vachirwa vakarova mukadzi ane mimba uye akabereka gavamwedzi asi asina kukuvara zvakanyanya, nyakupara mhosva anofanira kuripiswa zvose zvazvo zvinodiwa nomurume wacho uye zvinobvumirwa nedare remhosva. Asi kana pane kukuvara kwakaipisisa, unofanira kutora upenyu noupenyu, ziso neziso, zino nezino, ruoko noruoko, tsoka netsoka, kutsva nokutsva, ronda neronda, vanga nevanga. “Kana munhu akarova murandarume kana murandakadzi paziso uye akariparadza, anofanira kurega muranda achienda akasununguka kuti atsive ziso rake. Uye kana akabvisa zino romurandarume kana romurandakadzi, anofanira kurega muranda aende akasununguka kuti atsive zino rake. “Kana hando ikatunga murume kana mukadzi akafa, hando iyoyo inofanira kutakwa namabwe kusvika yafa, uye nyama yayo haifaniri kudyiwa. Kunyange zvakadaro hazvo, kana hando yanga ine tsika yokutunga uye muridzi wayo akamboyambirwa hake asi akasaipfigira mudanga uye ikauraya murume kana mukadzi, hando iyo inofanira kutakwa namabwe uyewo muridzi wayo anofanira kuurayiwa. Kunyange zvakadaro hazvo, kana pachidikanwa muripo unobva kwaari angadzikinura hake upenyu hwake nokuripa zvose zvazvo zvinodikanwa. Murayiro uyu unobatawo kana hando iyi yatunga mwanakomana kana mwanasikana. Kana hando ikatunga murandarume kana murandakadzi, muridzi wayo anofanira kuripa mashekeri esirivha makumi matatu kuna tenzi womuranda, uye hando inofanira kutakwa namabwe. “Kana munhu akafukunura gomba kana kuchera rimwe gomba uye akarega kurifushira uye nzombe kana mbongoro ikawira mariri, muridzi wegomba anofanira kuripa kurasikirwa uku; anofanira kuripira muridzi wayo, uye chipfuwo chafa chichava chake. “Kana hando yomumwe munhu ikakuvadza hando yomumwe uye ikafa, vanofanira kutengesa mhenyu yacho vagogovana zvakaenzana mari yacho vari vaviri, uye nemombe yakafawo. Kunyange zvakadaro, kana zvakanga zvichizivikanwa kuti hando iyi yagara ine tsika yokutunga, asi muridzi akasaipfigira mudanga, muridzi anofanira kuripa chipfuwo nechipfuwo, uye chipfuwo chafa chichava chake.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 21

Ekisodho 21:1-36 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino ndiyo mirairo yaunofanira kuisa pamberi pavo: Kana ukatenga muranda muHebheru, ngaakubatire makore matanhatu; asi nerechinomwe anofanira kubuda hake asina chaanoripa. Kana achipinda ari oga, anofanira kubuda ari oga; kana ano mukadzi, mukadzi wake anofanira kubuda naye. Kana tenzi wake akamupa mukadzi, iye akamuberekera vanakomana navanasikana, mukadzi navana vake vanofanira kuva vatenzi wake, asi iye anofanira kubuda ari oga. Asi kana iye muranda akati, “Ndinoda tenzi wangu nomukadzi wangu navana vangu, handidi kubuda hangu”; zvino tenzi wake anofanira kumuisa kuna Mwari, nokumuisa kumukova, kana kugwatidziro romukova; ipapo tenzi wake anofanira kumuurura nzeve yake norunji; zvino anofanira kumubatira nokusingaperi. Kana munhu akatengesa mukunda wake kuti ave murandakadzi, iye haafaniri kubuda savaranda varume. Kana asingafadzi tenzi wake, akafunga kumuwana amene, anofanira kutendera kuti adzikinurwe; haangavi nesimba rokumutengesa kuvatorwa, nokuti amunyengedzera. Kana akamuwanisa nomwanakomana wake, anofanira kumuitira nenzira yavakunda. Kana akazowana mumwe mukadzi, haafaniri kutapudza zvokudya zvake, kana nguo dzake, kana zvaanofanirwa nazvo pakuwanikwa. Kana akasamuitira zvinhu izvi zvitatu, anofanira kubuda hake asingaripi chinhu, asingaripi mari. Anorova munhu, akafa, zvirokwazvo iye anofanira kuurawa. Asi kana munhu asina kumuvandira, asi Mwari achinge atendera kuti awire muruoko rwake, ndichakutarira nzvimbo kwaangatizira. Kana munhu akaita nobwoni kuno wokwake, akamuuraya nokunyengedzera, iwe unofanira kumubvisa paatari yangu afe. Anorova baba vake kana mai vake, zvirokwazvo anofanira kuurawa. Anoba munhu, akamutengesa, kana zvimwe akawanikwa ari muruoko rwake, zvirokwazvo anofanira kuurawa. Anotuka baba vake kana mai vake, zvirokwazvo anofanira kuurawa. Kana vanhu vakaita nharo, mumwe akarova mumwe nebwe, kana netsiva, akasafa, asi akavata panhoo; kana akazomukazve, akafamba panze achidonzva, akamurova haangavi nemhosva, asi anofanira kuripira nguva yaakarasikirwa nayo, uye anofanira kumurapisa kusvikira apora kwazvo. Kana munhu akarova muranda wake kana murandakadzi wake neshamhu, akafira paruoko rwake, zvirokwazvo anofanira kutsiviwa. Asi kana akararama zuva rimwe kana maviri, haafaniri kutsiviwa; nokuti iye imari yake. Kana varume vakarwa, vakakuvadza mukadzi ane mimba, akashaya, asi asina kukuvadzwa hake zvikuru, iye anofanira kuripiswa sezvaanotarirwa nomurume womukadzi uyo; anofanira kuripa sezvinotarwa navatongi. Asi kana achinge akuvadzwa kwazvo, iye anofanira kutsiva upenyu noupenyuwo, ziso neziso, zino nezino, ruoko noruoko, rutsoka norutsoka, kutsva nokutsva, vanga nevanga, kukuvadzwa nokukuvadzwa. Kana munhu akarova ziso romuranda wake, kana ziso romurandakadzi wake, akariuraya, anofanira kumurega kuti aende hake nokuda kweziso rake. Kana akarova muranda wake kana murandakadzi wake, zino rake rikabva, anofanira kumurega kuti aende hake nokuda kwezino rake. Kana nzombe ikatunga murume kana mukadzi, akafa, nzombe iyoyo inofanira kutakwa namabwe, nenyama yayo haifaniri kudyiwa; asi muridzi wenzombe haangavi nemhosva. Asi kana nzombe yaisitunga kare, muridzi wayo akaudzwa izvozvo, akasaichengeta, ikauraya murume kana mukadzi, nzombe inofanira kutakwa namabwe, naiye muridzi wayo anofanira kuurawa. Kana achinge atarirwa rudzikinuro, anofanira kuripa zvose zvaatarirwa, kuti adzikinure upenyu hwake. Kunyange ikatunga mwanakomana kana mwanasikana vanofanira kumuitira nomurayiro uyu. Kana nzombe ikatunga muranda kana murandakadzi, muridzi wayo anofanira kuripira tenzi wake mashekeri esirivha ana makumi matatu, uye nzombe iyoyo inofanira kutakwa namabwe. Kana munhu akadziura gomba, uye kana munhu akachera gomba, akasaridzivira, nzombe kana mbongoro ikawiramo, muridzi wegomba anofanira kuripa, anofanira kubudisira muridzi wayo mari, asi chipfuwo chakafa chichava chake. Kana nzombe yomumwe munhu ikatunga yomumwe, ikafa, vanofanira kutengesa nzombe mhenyu, vagovane mutengo wayo, naiyo yakafa vanofanira kuigovana. Kana vaiziva kare kuti nzombe iyo inotunga, muridzi wayo akasaichengeta, zvirokwazvo anofanira kuripa, nzombe nenzombe, asi yakafa ichava yake.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 21

Ekisodho 21:1-36 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

“Iyi ndiyo mitemo yaunofanira kundopa vaIsiraeri. Kana uchinge watenga muranda wechiHebheru, ngaakushandire kwamakore matanhatu. Asi mugore rechinomwe, muranda iyeyo murege aende zvake pasina chaanoripa. Kana munhu akatengwa achingova iye oga ngaaende zvake ari oga, asi kana akatengwa aine mudzimai ngaaende pamwechete nomudzimai wake. Kana tenzi wake akamupa mukadzi, mukadzi iyeyo akabereka vana vakomana navanasikana, mukadzi iyeyo navana vake vanofanira kupiwa kuna vatenzi vomudzimai iyeyo, murume uya oenda zvake ari oga. Asi kana muranda akatengwa wacho akati, ‘Ini ndinoda tenzi wangu, ndinodawo mudzimai wangu navana, musandisunungure zvenyu kuti ndiende, pakadaro, tenzi wake ngaauye naye kuna Mwari, amumise negwatidziro romusuo, atore mutsunda amuboore nzeve yake, achava muranda watenzi wake upenyu hwake hwose.’ “Kana munhu akatengesa mwanasikana wake kuti ave muranda, haazosunungurwa muuranda sezvinoitwa munhurume. Kana murume iyeyu akamutengera kuroora asisamudi, ngaamurege achidzikinurwa pamusana pokuti haana mvumo yokumutengesa kuvatorwa nokuti haana kuvimbika kwaari. Kana murume akamutengera kupa mwanakomana wake, ngaamuitire zvaangaitire mwanasikana wake. Kana akatora mumwe mukadzi ngaarambe achipa mukadzi wake zvaanga achimupa zvezvokudya nezvokupfeka, aregewo kushomekesa mazuva aaipinda naye mumba. Kana akarega kumuitira zvinhu zvitatu izvozvi, mukadzi iyeyo ngaaende zvake pasina mari inoripwa. “Ani naani zvake anorova munhu zvokumuuraya, ngaaurayiwewo. Asi kana akauraya munhu asina kuita zvokumuhwandira, zvangoitikawo iri tsaona, ngaatize andopotera kunzvimbo yandichasarudza kwaasingazourayiwa. Asi kana munhu akaita maune okuvirukira mumwe nehasha, akamuuraya noujarijari, mutorei paatari yangu paanenge andopotera ipapo aurayiwe. “Ani naani zvake anorova baba vake kana amai vake, anofanira kutofa. “Ani naani zvake anoba munhu achimutengesa, kana kuwanikwa ainaye, anofanira kuuraiwa. “Ani naani zvake anoti rushambwa ngaruwire baba vake kana amai vake, anofanira kuuraiwa. “Ngatiti vanhu vaviri vaitirana nharo, mumwe ozomutema mumwe nedombo kana kuti nechibhakera, nyakurohwa orega kufa, asi ongosara achirwara, ozoita nani okwanisawo kutora mudonzvo achifamba zvake panze, nyakurova mumwe anenge asisapiwi mhosva, asi anosungirwa kuripa waakarova nguva yaakarasikirwa nayo achirwara, uyewo amurapise kusvikira apora. “Kana munhu akatora mubhadha akarova muranda wake wechirume kana kuti wechikadzi muranda achibva afa pakarepo, munhu iyeyo ngaarangwe. Asi kana muranda iyeyo akazorarama zuva rimwechete kana maviri zvawo, tenzi wake haazorangwa nokuti muranda wacho anenge ari wake. “Ngatiti varume vorwisana, vokuvadza mukadzi anenge akazvitakura obva abva pamuviri, asi osara asina kukuvadzwa zvakanyanya; murume anenge amukuvadza ngaaripiswe zvinenge zvarehwa nomurume womukadzi iyeyu, zviri zvinhu zvinobvumwawo nedare. Asi kana mukadzi uyu achinge akuvadzwa, murume amukuvadza ngaarangwe sezvinoreva mutemo unoti, upenyu ngahutsiviwe noupenyu, ziso neziso, zino ritsiviwewo nezino, ruoko noruoko, gumbo richitsiviwawo negumbo, apisa mumwe ngaapiswewo, akuvadza mumwe ngaakuvadzwewo, arova mumwe ngaarohwewo. “Kana munhu akarova ziso romuranda wake, wechirume kana wechikadzi akaritushura, ngaasunungure muranda wacho aende zvake pamusana peziso rake. Kana munhu akarova zino romuranda wake, wechirume kana wechikadzi, zino racho rikaguka, ngaasunungure muranda iyeyo pamusana pezino rake. “Kana mombe ikatunga munhu, murume kana mukadzi, akafa, mombe yacho ngaitemwe namabwe. Nyama yayo ngairege kudyiwa. Asi muridzi wayo ngaarege kupiwa mhosva. Asi kana mombe yacho yaiva nomusambo wokutunga vanhu, muridzi wayo akamboyambirwa akarega kuichengeta, kana ikazouraya munhu, murume kana mukadzi, mombe iyoyo ngaitemwe namabwe ife. Muridzi wayo ngaaurayiwewo. Asi kana muridzi wemombe iyoyo akanzi aripe, ngaaripe zvose zvinotemwa nedare kuti iye agorega kuurayiwa. Kunyange mombe ikatunga mwana mukomana kana musikana ikamuuraya, mutongero wacho mumwechetewo. Kana mombe ikatunga muranda wechirume kana wechikadzi, muridzi wayo ngaaripe tenzi womuranda iyeyo mari yamashekeri esirivha makumi matatu. Mombe yacho ngaitemwe namabwe ife. “Kana munhu akasiya zvake mugodhi usina kukwidibirwa, kana kuti ochera mugodhi osiya usina kukwidibirwa, mombe kana dhongi rowira imomo, muridzi womugodhi ngaaripiswe. Ngaape mari kumuridzi wechipfuwo chafa, iye achitore chive chake. Kana mombe yomunhu ikatunga mombe yomumwe ikafa ngavatengese mombe yatunga imwe vagoverane mutengo wacho. Ngavagovanewo nyama yemombe yafa iya. Kana mombe yacho yanga iinomusambo wokutunga dzimwe, muridzi wayo akasaichengeta, muridzi wayo ngaabvise mombe chaiyo inotsika yokuripa inenge yaurayiwa. Asi mombe inenge yafa yacho ichava yanyakuripa mombe uya.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 21

Ekisodho 21:1-36 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino ndiyo mirairo yaunofanira kuisa pamberi paʋo: Kana ukateŋga muranda muHeberu, ŋgaakuɓatire makore matanhatu; asi nerecinomŋe unofanira kuɓuɗa hake asina‐caanoripa. Kana acipinda ari oga, unofanira kuɓuɗa ari oga; kana anomukadzi, mukadzi wake unofanira kuɓuɗa naye. Kana tenzi wake akamupa mukadzi, iye akamuɓerekera ʋanakomana naʋanasikana, mukadzi naʋana ʋake ʋanofanira kuʋa ʋatenzi wake, asi iye unofanira kuɓuɗa ari oga. Asi kana iye muranda akati: Ndinoɗa tenzi waŋgu nomukadzi waŋgu naʋana ʋaŋgu, handiɗi kuɓuɗa haŋgu; ɀino tenzi wake unofanira kumuisa kunaMŋari, ndokumuisa kumukoʋa, kana kugwatidziro romukoʋa; ipapo tenzi wake unofanira kumuʋurura nzeʋe yake norunji; ɀino unofanira kumuɓatira nokusiŋgaperi. Kana munhu akateŋgesa mukunda wake kuti aʋe murandakadzi, iye haafaniri kuɓuɗa saʋaranda ʋarume. Kana asiŋgafadzi tenzi wake, wakafuŋga kumuwana amene, unofanira kutendera kuti adzikinurwe; haaŋgaʋi nesimba rokumuteŋgesa kuʋatorwa, nokuti wamunyeŋgedzera. Kana akamuwanisa nomŋanakomana wake, unofanira kumuitira nenzira yaʋakunda. Kana akazowana mumŋe mukadzi, haafaniri kutapudza ɀokudya ɀake, kana ŋguʋo dzake, kana ɀaanofanirwa naɀo pakuwanikwa. Kana akasamuitira ɀinhu iɀi ɀitatu, unofanira kuɓuɗa hake asiŋgaripi cinhu, asiŋgaripi mari. Unoroʋa munhu, akafa, ɀirokwaɀo iye unofanira kuʋurawa. Asi kana munhu asina‐kumuʋandira, asi Mŋari aciŋge atendera kuti awire muruʋoko rwake, ndicakutarira nɀimbo kwaaŋgatizira. Kana munhu akaita nobgoni kunowokwake, akamuʋuraya nokunyeŋgedzera, iwe unofanira kumubvisa paartari yaŋgu afe. Unoroʋa ɓaɓa ʋake kana mai ʋake, ɀirokwaɀo unofanira kuʋurawa Unoɓa munhu, akamuteŋgesa, kana ɀimŋe akawanikwa ari muruʋoko rwake, ɀirokwaɀo unofanira kuʋurawa. Unotuka ɓaɓa ʋake kana mai ʋake, ɀirokwaɀo unofanira kuʋurawa. Kana ʋanhu ʋakaita nharo, mumŋe akaroʋa mumŋe nebge, kana netsiʋa, akasafa, asi akaʋata panhoʋo; kana akazomuka ɀe, akafamba panze aciɗonɀa, wakamuroʋa haaŋgaʋi nemhoȿa, asi unofanira kuripira ŋguʋa yaakarashikirwa nayo, ʋuye unofanira kumurapisa kuȿikira apora kwaɀo. Kana munhu akaroʋa muranda wake kana murandakadzi wake neshamhu, akafira paruʋoko rwake, ɀirokwaɀo unofanira kutsibga. Asi kana akararama zuʋa rimŋe kana maʋiri, haafaniri kutsibga; nokuti iye imari yake. Kana ʋarume ʋakarwa, ʋakakuʋadza mukadzi unemimba, akashaya, asi asina‐kukuʋadzwa hake ɀikuru, iye unofanira kuripiswa seɀaanotarirwa nomurume womukadzi uyo; unofanira kuripa seɀinotarwa naʋatoŋgi. Asi kana aciŋge akuʋadzwa kwaɀo, iye unofanira kutsiʋa ʋupenyu noʋupenyu ʋo, ziso neziso, zino nezino, ruʋoko noruʋoko, rutsoka norutsoka, kutȿa nokutȿa, ʋaŋga neʋaŋga, kukuʋadzwa nokukuʋadzwa. Kana munhu akaroʋa ziso romuranda wake, kana ziso romurandakadzi wake, akariʋuraya, unofanira kumurega kuti aende hake nokuɗa kweziso rake. Kana akaroʋa muranda wake kana murandakadzi wake, zino rake rikabva, unofanira kumurega kuti aende hake nokuɗa kwezino rake. Kana nzombe ikatuŋga murume kana mukadzi, akafa, nzombe iyo inofanira kutakwa namabge, nenyama yayo haifaniri kudyiwa; asi muridzi wenzombe haaŋgaʋi nemhoȿa. Asi kana nzombe yaisituŋga kare, muridzi wayo akaʋudzwa iɀoɀo, akasaiceŋgeta, ikaʋuraya murume kana mukadzi, nzombe inofanira kutakwa namabge, naiye muridzi wayo unofanira kuʋurawa. Kana aciŋge atarirwa rudzikinuro, unofanira kuripa ɀose ɀaatarirwa, kuti adzikinure ʋupenyu bgake. Kunyaŋge ikatuŋga mŋanakomana kana mŋanasikana ʋanofanira kumuitira nomurairo uyu. Kana nzombe ikatuŋga muranda kana murandakadzi, muridzi wayo unofanira kuripira tenzi wake mashekeri esirveri anamakumi matatu, ʋuye nzombe iyo inofanira kutakwa namabge. Kana munhu akadziʋura gomba, ʋuye kana munhu akacera gomba, akasaridziʋira, nzombe kana mboŋgoro ikawira’mo, muridzi wegomba unofanira kuripa, unofanira kuɓuɗisira muridzi wayo mari, asi cipfuwo cakafa cicaʋa cake Kana nzombe yomumŋe munhu ikatuŋga yomumŋe, ikafa, ʋanofanira kuteŋgesa nzombe mhenyu, ʋagoʋane muteŋgo wayo, naiyo yakafa ʋanofanira kuigoʋana. Kana ʋaiziʋa kare kuti nzombe iyo inotuŋga, muridzi wayo akasaiceŋgeta, ɀirokwaɀo, unofanira ku ripa, nzombe nenzombe, asi yakafa icaʋa yake.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 21

Ekisodho 21:1-36 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)