“Iyi ndiyo mitemo yaunofanira kundopa vaIsiraeri. Kana uchinge watenga muranda wechiHebheru, ngaakushandire kwamakore matanhatu. Asi mugore rechinomwe, muranda iyeyo murege aende zvake pasina chaanoripa. Kana munhu akatengwa achingova iye oga ngaaende zvake ari oga, asi kana akatengwa aine mudzimai ngaaende pamwechete nomudzimai wake. Kana tenzi wake akamupa mukadzi, mukadzi iyeyo akabereka vana vakomana navanasikana, mukadzi iyeyo navana vake vanofanira kupiwa kuna vatenzi vomudzimai iyeyo, murume uya oenda zvake ari oga. Asi kana muranda akatengwa wacho akati, ‘Ini ndinoda tenzi wangu, ndinodawo mudzimai wangu navana, musandisunungure zvenyu kuti ndiende, pakadaro, tenzi wake ngaauye naye kuna Mwari, amumise negwatidziro romusuo, atore mutsunda amuboore nzeve yake, achava muranda watenzi wake upenyu hwake hwose.’
“Kana munhu akatengesa mwanasikana wake kuti ave muranda, haazosunungurwa muuranda sezvinoitwa munhurume. Kana murume iyeyu akamutengera kuroora asisamudi, ngaamurege achidzikinurwa pamusana pokuti haana mvumo yokumutengesa kuvatorwa nokuti haana kuvimbika kwaari. Kana murume akamutengera kupa mwanakomana wake, ngaamuitire zvaangaitire mwanasikana wake. Kana akatora mumwe mukadzi ngaarambe achipa mukadzi wake zvaanga achimupa zvezvokudya nezvokupfeka, aregewo kushomekesa mazuva aaipinda naye mumba. Kana akarega kumuitira zvinhu zvitatu izvozvi, mukadzi iyeyo ngaaende zvake pasina mari inoripwa.
“Ani naani zvake anorova munhu zvokumuuraya, ngaaurayiwewo. Asi kana akauraya munhu asina kuita zvokumuhwandira, zvangoitikawo iri tsaona, ngaatize andopotera kunzvimbo yandichasarudza kwaasingazourayiwa. Asi kana munhu akaita maune okuvirukira mumwe nehasha, akamuuraya noujarijari, mutorei paatari yangu paanenge andopotera ipapo aurayiwe.
“Ani naani zvake anorova baba vake kana amai vake, anofanira kutofa.
“Ani naani zvake anoba munhu achimutengesa, kana kuwanikwa ainaye, anofanira kuuraiwa.
“Ani naani zvake anoti rushambwa ngaruwire baba vake kana amai vake, anofanira kuuraiwa.
“Ngatiti vanhu vaviri vaitirana nharo, mumwe ozomutema mumwe nedombo kana kuti nechibhakera, nyakurohwa orega kufa, asi ongosara achirwara, ozoita nani okwanisawo kutora mudonzvo achifamba zvake panze, nyakurova mumwe anenge asisapiwi mhosva, asi anosungirwa kuripa waakarova nguva yaakarasikirwa nayo achirwara, uyewo amurapise kusvikira apora.
“Kana munhu akatora mubhadha akarova muranda wake wechirume kana kuti wechikadzi muranda achibva afa pakarepo, munhu iyeyo ngaarangwe. Asi kana muranda iyeyo akazorarama zuva rimwechete kana maviri zvawo, tenzi wake haazorangwa nokuti muranda wacho anenge ari wake.
“Ngatiti varume vorwisana, vokuvadza mukadzi anenge akazvitakura obva abva pamuviri, asi osara asina kukuvadzwa zvakanyanya; murume anenge amukuvadza ngaaripiswe zvinenge zvarehwa nomurume womukadzi iyeyu, zviri zvinhu zvinobvumwawo nedare. Asi kana mukadzi uyu achinge akuvadzwa, murume amukuvadza ngaarangwe sezvinoreva mutemo unoti, upenyu ngahutsiviwe noupenyu, ziso neziso, zino ritsiviwewo nezino, ruoko noruoko, gumbo richitsiviwawo negumbo, apisa mumwe ngaapiswewo, akuvadza mumwe ngaakuvadzwewo, arova mumwe ngaarohwewo.
“Kana munhu akarova ziso romuranda wake, wechirume kana wechikadzi akaritushura, ngaasunungure muranda wacho aende zvake pamusana peziso rake. Kana munhu akarova zino romuranda wake, wechirume kana wechikadzi, zino racho rikaguka, ngaasunungure muranda iyeyo pamusana pezino rake.
“Kana mombe ikatunga munhu, murume kana mukadzi, akafa, mombe yacho ngaitemwe namabwe. Nyama yayo ngairege kudyiwa. Asi muridzi wayo ngaarege kupiwa mhosva. Asi kana mombe yacho yaiva nomusambo wokutunga vanhu, muridzi wayo akamboyambirwa akarega kuichengeta, kana ikazouraya munhu, murume kana mukadzi, mombe iyoyo ngaitemwe namabwe ife. Muridzi wayo ngaaurayiwewo. Asi kana muridzi wemombe iyoyo akanzi aripe, ngaaripe zvose zvinotemwa nedare kuti iye agorega kuurayiwa. Kunyange mombe ikatunga mwana mukomana kana musikana ikamuuraya, mutongero wacho mumwechetewo. Kana mombe ikatunga muranda wechirume kana wechikadzi, muridzi wayo ngaaripe tenzi womuranda iyeyo mari yamashekeri esirivha makumi matatu. Mombe yacho ngaitemwe namabwe ife.
“Kana munhu akasiya zvake mugodhi usina kukwidibirwa, kana kuti ochera mugodhi osiya usina kukwidibirwa, mombe kana dhongi rowira imomo, muridzi womugodhi ngaaripiswe. Ngaape mari kumuridzi wechipfuwo chafa, iye achitore chive chake. Kana mombe yomunhu ikatunga mombe yomumwe ikafa ngavatengese mombe yatunga imwe vagoverane mutengo wacho. Ngavagovanewo nyama yemombe yafa iya. Kana mombe yacho yanga iinomusambo wokutunga dzimwe, muridzi wayo akasaichengeta, muridzi wayo ngaabvise mombe chaiyo inotsika yokuripa inenge yaurayiwa. Asi mombe inenge yafa yacho ichava yanyakuripa mombe uya.