Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Eksodo 21

21
Mirairo yaʋatenzi naʋaranda.
1Ɀino ndiyo mirairo yaunofanira kuisa pamberi paʋo:
2Kana ukateŋga muranda muHeberu, ŋgaakuɓatire makore matanhatu; asi nerecinomŋe unofanira kuɓuɗa hake asina‐caanoripa. 3Kana acipinda ari oga, unofanira kuɓuɗa ari oga; kana anomukadzi, mukadzi wake unofanira kuɓuɗa naye. 4Kana tenzi wake akamupa mukadzi, iye akamuɓerekera ʋanakomana naʋanasikana, mukadzi naʋana ʋake ʋanofanira kuʋa ʋatenzi wake, asi iye unofanira kuɓuɗa ari oga. 5Asi kana iye muranda akati: Ndinoɗa tenzi waŋgu nomukadzi waŋgu naʋana ʋaŋgu, handiɗi kuɓuɗa haŋgu; 6ɀino tenzi wake unofanira kumuisa kunaMŋari, ndokumuisa kumukoʋa, kana kugwatidziro romukoʋa; ipapo tenzi wake unofanira kumuʋurura nzeʋe yake norunji; ɀino unofanira kumuɓatira nokusiŋgaperi.
7Kana munhu akateŋgesa mukunda wake kuti aʋe murandakadzi, iye haafaniri kuɓuɗa saʋaranda ʋarume. 8Kana asiŋgafadzi tenzi wake, wakafuŋga kumuwana amene, unofanira kutendera kuti adzikinurwe; haaŋgaʋi nesimba rokumuteŋgesa kuʋatorwa, nokuti wamunyeŋgedzera. 9Kana akamuwanisa nomŋanakomana wake, unofanira kumuitira nenzira yaʋakunda. 10Kana akazowana mumŋe mukadzi, haafaniri kutapudza ɀokudya ɀake, kana ŋguʋo dzake, kana ɀaanofanirwa naɀo pakuwanikwa. 11Kana akasamuitira ɀinhu iɀi ɀitatu, unofanira kuɓuɗa hake asiŋgaripi cinhu, asiŋgaripi mari.
Mirairo pamsoro pokuʋurayana nokukuʋadzana.
12Unoroʋa munhu, akafa, ɀirokwaɀo iye unofanira kuʋurawa. 13Asi kana munhu asina‐kumuʋandira, asi Mŋari aciŋge atendera kuti awire muruʋoko rwake, ndicakutarira nɀimbo kwaaŋgatizira. 14Kana munhu akaita nobgoni kunowokwake, akamuʋuraya nokunyeŋgedzera, iwe unofanira kumubvisa paartari yaŋgu afe.
15Unoroʋa ɓaɓa ʋake kana mai ʋake, ɀirokwaɀo unofanira kuʋurawa
16Unoɓa munhu, akamuteŋgesa, kana ɀimŋe akawanikwa ari muruʋoko rwake, ɀirokwaɀo unofanira kuʋurawa.
17Unotuka ɓaɓa ʋake kana mai ʋake, ɀirokwaɀo unofanira kuʋurawa.
18Kana ʋanhu ʋakaita nharo, mumŋe akaroʋa mumŋe nebge, kana netsiʋa, akasafa, asi akaʋata panhoʋo; 19kana akazomuka ɀe, akafamba panze aciɗonɀa, wakamuroʋa haaŋgaʋi nemhoȿa, asi unofanira kuripira ŋguʋa yaakarashikirwa nayo, ʋuye unofanira kumurapisa kuȿikira apora kwaɀo.
20Kana munhu akaroʋa muranda wake kana murandakadzi wake neshamhu, akafira paruʋoko rwake, ɀirokwaɀo unofanira kutsibga. 21Asi kana akararama zuʋa rimŋe kana maʋiri, haafaniri kutsibga; nokuti iye imari yake.
22Kana ʋarume ʋakarwa, ʋakakuʋadza mukadzi unemimba, akashaya, asi asina‐kukuʋadzwa hake ɀikuru, iye unofanira kuripiswa seɀaanotarirwa nomurume womukadzi uyo; unofanira kuripa seɀinotarwa naʋatoŋgi. 23Asi kana aciŋge akuʋadzwa kwaɀo, iye unofanira kutsiʋa ʋupenyu noʋupenyu ʋo, 24ziso neziso, zino nezino, ruʋoko noruʋoko, rutsoka norutsoka, 25kutȿa nokutȿa, ʋaŋga neʋaŋga, kukuʋadzwa nokukuʋadzwa.
26Kana munhu akaroʋa ziso romuranda wake, kana ziso romurandakadzi wake, akariʋuraya, unofanira kumurega kuti aende hake nokuɗa kweziso rake. 27Kana akaroʋa muranda wake kana murandakadzi wake, zino rake rikabva, unofanira kumurega kuti aende hake nokuɗa kwezino rake.
28Kana nzombe ikatuŋga murume kana mukadzi, akafa, nzombe iyo inofanira kutakwa namabge, nenyama yayo haifaniri kudyiwa; asi muridzi wenzombe haaŋgaʋi nemhoȿa. 29Asi kana nzombe yaisituŋga kare, muridzi wayo akaʋudzwa iɀoɀo, akasaiceŋgeta, ikaʋuraya murume kana mukadzi, nzombe inofanira kutakwa namabge, naiye muridzi wayo unofanira kuʋurawa. 30Kana aciŋge atarirwa rudzikinuro, unofanira kuripa ɀose ɀaatarirwa, kuti adzikinure ʋupenyu bgake. 31Kunyaŋge ikatuŋga mŋanakomana kana mŋanasikana ʋanofanira kumuitira nomurairo uyu. 32Kana nzombe ikatuŋga muranda kana murandakadzi, muridzi wayo unofanira kuripira tenzi wake mashekeri esirveri anamakumi matatu,#21:32 Mari ineŋge pondo inna. ʋuye nzombe iyo inofanira kutakwa namabge.
33Kana munhu akadziʋura gomba, ʋuye kana munhu akacera gomba, akasaridziʋira, nzombe kana mboŋgoro ikawira’mo, 34muridzi wegomba unofanira kuripa, unofanira kuɓuɗisira muridzi wayo mari, asi cipfuwo cakafa cicaʋa cake
35Kana nzombe yomumŋe munhu ikatuŋga yomumŋe, ikafa, ʋanofanira kuteŋgesa nzombe mhenyu, ʋagoʋane muteŋgo wayo, naiyo yakafa ʋanofanira kuigoʋana. 36Kana ʋaiziʋa kare kuti nzombe iyo inotuŋga, muridzi wayo akasaiceŋgeta, ɀirokwaɀo, unofanira ku ripa, nzombe nenzombe, asi yakafa icaʋa yake.

Zvasarudzwa nguva ino

Eksodo 21: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda