Ɀino ndiyo mirairo yaunofanira kuisa pamberi paʋo:
Kana ukateŋga muranda muHeberu, ŋgaakuɓatire makore matanhatu; asi nerecinomŋe unofanira kuɓuɗa hake asina‐caanoripa. Kana acipinda ari oga, unofanira kuɓuɗa ari oga; kana anomukadzi, mukadzi wake unofanira kuɓuɗa naye. Kana tenzi wake akamupa mukadzi, iye akamuɓerekera ʋanakomana naʋanasikana, mukadzi naʋana ʋake ʋanofanira kuʋa ʋatenzi wake, asi iye unofanira kuɓuɗa ari oga. Asi kana iye muranda akati: Ndinoɗa tenzi waŋgu nomukadzi waŋgu naʋana ʋaŋgu, handiɗi kuɓuɗa haŋgu; ɀino tenzi wake unofanira kumuisa kunaMŋari, ndokumuisa kumukoʋa, kana kugwatidziro romukoʋa; ipapo tenzi wake unofanira kumuʋurura nzeʋe yake norunji; ɀino unofanira kumuɓatira nokusiŋgaperi.
Kana munhu akateŋgesa mukunda wake kuti aʋe murandakadzi, iye haafaniri kuɓuɗa saʋaranda ʋarume. Kana asiŋgafadzi tenzi wake, wakafuŋga kumuwana amene, unofanira kutendera kuti adzikinurwe; haaŋgaʋi nesimba rokumuteŋgesa kuʋatorwa, nokuti wamunyeŋgedzera. Kana akamuwanisa nomŋanakomana wake, unofanira kumuitira nenzira yaʋakunda. Kana akazowana mumŋe mukadzi, haafaniri kutapudza ɀokudya ɀake, kana ŋguʋo dzake, kana ɀaanofanirwa naɀo pakuwanikwa. Kana akasamuitira ɀinhu iɀi ɀitatu, unofanira kuɓuɗa hake asiŋgaripi cinhu, asiŋgaripi mari.
Unoroʋa munhu, akafa, ɀirokwaɀo iye unofanira kuʋurawa. Asi kana munhu asina‐kumuʋandira, asi Mŋari aciŋge atendera kuti awire muruʋoko rwake, ndicakutarira nɀimbo kwaaŋgatizira. Kana munhu akaita nobgoni kunowokwake, akamuʋuraya nokunyeŋgedzera, iwe unofanira kumubvisa paartari yaŋgu afe.
Unoroʋa ɓaɓa ʋake kana mai ʋake, ɀirokwaɀo unofanira kuʋurawa
Unoɓa munhu, akamuteŋgesa, kana ɀimŋe akawanikwa ari muruʋoko rwake, ɀirokwaɀo unofanira kuʋurawa.
Unotuka ɓaɓa ʋake kana mai ʋake, ɀirokwaɀo unofanira kuʋurawa.
Kana ʋanhu ʋakaita nharo, mumŋe akaroʋa mumŋe nebge, kana netsiʋa, akasafa, asi akaʋata panhoʋo; kana akazomuka ɀe, akafamba panze aciɗonɀa, wakamuroʋa haaŋgaʋi nemhoȿa, asi unofanira kuripira ŋguʋa yaakarashikirwa nayo, ʋuye unofanira kumurapisa kuȿikira apora kwaɀo.
Kana munhu akaroʋa muranda wake kana murandakadzi wake neshamhu, akafira paruʋoko rwake, ɀirokwaɀo unofanira kutsibga. Asi kana akararama zuʋa rimŋe kana maʋiri, haafaniri kutsibga; nokuti iye imari yake.
Kana ʋarume ʋakarwa, ʋakakuʋadza mukadzi unemimba, akashaya, asi asina‐kukuʋadzwa hake ɀikuru, iye unofanira kuripiswa seɀaanotarirwa nomurume womukadzi uyo; unofanira kuripa seɀinotarwa naʋatoŋgi. Asi kana aciŋge akuʋadzwa kwaɀo, iye unofanira kutsiʋa ʋupenyu noʋupenyu ʋo, ziso neziso, zino nezino, ruʋoko noruʋoko, rutsoka norutsoka, kutȿa nokutȿa, ʋaŋga neʋaŋga, kukuʋadzwa nokukuʋadzwa.
Kana munhu akaroʋa ziso romuranda wake, kana ziso romurandakadzi wake, akariʋuraya, unofanira kumurega kuti aende hake nokuɗa kweziso rake. Kana akaroʋa muranda wake kana murandakadzi wake, zino rake rikabva, unofanira kumurega kuti aende hake nokuɗa kwezino rake.
Kana nzombe ikatuŋga murume kana mukadzi, akafa, nzombe iyo inofanira kutakwa namabge, nenyama yayo haifaniri kudyiwa; asi muridzi wenzombe haaŋgaʋi nemhoȿa. Asi kana nzombe yaisituŋga kare, muridzi wayo akaʋudzwa iɀoɀo, akasaiceŋgeta, ikaʋuraya murume kana mukadzi, nzombe inofanira kutakwa namabge, naiye muridzi wayo unofanira kuʋurawa. Kana aciŋge atarirwa rudzikinuro, unofanira kuripa ɀose ɀaatarirwa, kuti adzikinure ʋupenyu bgake. Kunyaŋge ikatuŋga mŋanakomana kana mŋanasikana ʋanofanira kumuitira nomurairo uyu. Kana nzombe ikatuŋga muranda kana murandakadzi, muridzi wayo unofanira kuripira tenzi wake mashekeri esirveri anamakumi matatu, ʋuye nzombe iyo inofanira kutakwa namabge.
Kana munhu akadziʋura gomba, ʋuye kana munhu akacera gomba, akasaridziʋira, nzombe kana mboŋgoro ikawira’mo, muridzi wegomba unofanira kuripa, unofanira kuɓuɗisira muridzi wayo mari, asi cipfuwo cakafa cicaʋa cake
Kana nzombe yomumŋe munhu ikatuŋga yomumŋe, ikafa, ʋanofanira kuteŋgesa nzombe mhenyu, ʋagoʋane muteŋgo wayo, naiyo yakafa ʋanofanira kuigoʋana. Kana ʋaiziʋa kare kuti nzombe iyo inotuŋga, muridzi wayo akasaiceŋgeta, ɀirokwaɀo, unofanira ku ripa, nzombe nenzombe, asi yakafa icaʋa yake.