Ekisodho 18:14-19
Ekisodho 18:14-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Tezvara wake akati aona zvose zvakanga zvichiitwa naMozisi kuvanhu, akati, “Chiiko ichi chauri kuitira vanhu? Seiko iwe uchitonga uri woga, asi vanhu vose ava vamire vakakupoteredza kubva mangwanani kusvikira madekwana?” Mozisi akamupindura akati, “Nokuti vanhu vanouya kwandiri kuzotsvaka kuda kwaMwari. Pose pavanouya negakava vanouya kwandiri, uye ini ndotonga pakati pavo uye ndovazivisa mitemo nemirayiro yaMwari.” Tezvara waMozisi akapindura akati, “Zvauri kuita hazvina kunaka. Iwe navanhu ava vanouya kwauri muchangozvinetesa chete. Basa iri rinorema kwazvo kwauri; haungagoni kuriita uri woga. Nditeerere iye zvino ndigokupa zano, uye Mwari ngaave newe. Unofanira kuva mumiririri wavanhu pamberi paMwari uye ugouyisa magakava avo kwaari.
Ekisodho 18:14-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mukarahwa waMosesi akati achiona zvose zvaakanga achiitira vanhu akati, “Unoitireiko vanhu zvinhu izvi? Unogarireiko uri woga, vanhu vachimira pamberi pako kubva mangwanani kusvikira madekwana?” Mosesi akati kumukarahwa wake, “Nokuti vanhu vanouya kwandiri kuzobvunza Mwari; kana vane shoko vanosiuya kwandiri; ndinositamba mhaka dziri pakati pomunhu nowokwake, ndichivazivisa zvakatemwa naMwari nemirairo yake.” Zvino mukarahwa waMosesi akati kwaari, “Chinhu ichi chaunoita hachina kunaka. Zvirokwazvo uchaneta kwazvo, iwe navanhu vaunavo; nokuti chinhu ichi chinokuremera; haungagoni kuchiita uri woga. Teerera zvino izwi rangu, ndikurairire, Mwari agova newe. Iwe umirire vanhu pamberi paMwari, uise mashoko avo kuna Mwari
Ekisodho 18:14-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vatezvara vaMosesi vakaona mabatiro ose aaiita vanhu, vakati, “Ko ndicho chii chauri kuitira vanhu ichochi? Pamusana pei uriwe woga woga chete wokutonga mhosva dzavanhu uchiswedza vanhu vakangokumirira padare?” Mosesi akapindura vatezvara vake achiti, “Vanhu vanouya kwandiri vachida kuziva kuti Mwari anoti kudii pamhosva dzavo, kana vanhu vatadzirana, vakauya kwandiri ndinovatonganisa mhosva yavo ndichivaudza mitemo nemirao yaMwari.” Vatezvara vake vakamuti, “Zvauri kuita izvozvi hazvina kunaka. Iwe uchazviuraya nebasa, uchitambudzisawo vanhu vanouya kudare. Basa irori ibasa guru kwazvo haungariiti uri oga oga. Zvino chirega ndikupe zano, dai Mwari akakubatsira. Iwe chiva mumiriri wavaIsiraeri kuna Mwari, wokuturira mhosva dzavo kwaari
Ekisodho 18:14-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mukarabga waMosesi wakati aciʋona ɀose ɀaakaŋga aciitira ʋanhu, akati: Unoitireiko ʋanhu ɀinhu iɀi? Unogarireiko uri woga, ʋanhu ʋacimira pamberi pako kubva maŋgwanani kuȿikira maɗekwana? Mosesi akati kumukarabga wake: Nokuti ʋanhu ʋanoʋuya kwandiri kuzobvunza Mŋari; kana ʋaneshoko ʋanosiʋuya kwandiri; ndinositamba mhaka dziri pakati pomunhu nowokwake, ndiciʋaziʋisa ɀakatemŋa naMŋari nemirairo yake. Ɀino mukarabga waMosesi akati kwaari: Cinhu ici caunoita hacina‐kunaka. Ɀirokwaɀo ucaneta kwaɀo, iwe naʋanhu ʋaunaʋo; nokuti cinhu ici cinokuremera; hauŋgagoni kuciita uri woga. Terera ɀino inzwi raŋgu, ndikurairire, Mŋari agoʋa newe. Iwe umirire ʋanhu pamberi paMŋari, uise mashoko aʋo kunaMŋari
Ekisodho 18:14-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)