Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Eksodo 18:14-19

Eksodo 18:14-19 SUB1949

Ɀino mukarabga waMosesi wakati aciʋona ɀose ɀaakaŋga aciitira ʋanhu, akati: Unoitireiko ʋanhu ɀinhu iɀi? Unogarireiko uri woga, ʋanhu ʋacimira pamberi pako kubva maŋgwanani kuȿikira maɗekwana? Mosesi akati kumukarabga wake: Nokuti ʋanhu ʋanoʋuya kwandiri kuzobvunza Mŋari; kana ʋaneshoko ʋanosiʋuya kwandiri; ndinositamba mhaka dziri pakati pomunhu nowokwake, ndiciʋaziʋisa ɀakatemŋa naMŋari nemirairo yake. Ɀino mukarabga waMosesi akati kwaari: Cinhu ici caunoita hacina‐kunaka. Ɀirokwaɀo ucaneta kwaɀo, iwe naʋanhu ʋaunaʋo; nokuti cinhu ici cinokuremera; hauŋgagoni kuciita uri woga. Terera ɀino inzwi raŋgu, ndikurairire, Mŋari agoʋa newe. Iwe umirire ʋanhu pamberi paMŋari, uise mashoko aʋo kunaMŋari

Verenga chikamu Eksodo 18