Vatezvara vaMosesi vakaona mabatiro ose aaiita vanhu, vakati, “Ko ndicho chii chauri kuitira vanhu ichochi? Pamusana pei uriwe woga woga chete wokutonga mhosva dzavanhu uchiswedza vanhu vakangokumirira padare?” Mosesi akapindura vatezvara vake achiti, “Vanhu vanouya kwandiri vachida kuziva kuti Mwari anoti kudii pamhosva dzavo, kana vanhu vatadzirana, vakauya kwandiri ndinovatonganisa mhosva yavo ndichivaudza mitemo nemirao yaMwari.” Vatezvara vake vakamuti, “Zvauri kuita izvozvi hazvina kunaka. Iwe uchazviuraya nebasa, uchitambudzisawo vanhu vanouya kudare. Basa irori ibasa guru kwazvo haungariiti uri oga oga. Zvino chirega ndikupe zano, dai Mwari akakubatsira. Iwe chiva mumiriri wavaIsiraeri kuna Mwari, wokuturira mhosva dzavo kwaari
Verenga chikamu Kubuda 18
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Kubuda 18:14-19
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo