Ekisodho 15:19-27
Ekisodho 15:19-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mabhiza aFaro, ngoro navatasvi vamabhiza vakapinda mugungwa, Jehovha akauyisa mvura yomugungwa pamusoro pavo, asi vaIsraeri vakafamba napakati pegungwa pavhu rakaoma. Ipapo Miriamu muprofitakadzi, hanzvadzi yaAroni, akatora tambureni muruoko rwake, uye vakadzi vose vakamutevera, vana matambureni uye vachitamba. Miriamu akavaimbira akati: “Imbirai Jehovha, nokuti anokudzwa zvikuru kuru. Bhiza nomutasvi waro akazvikanda mugungwa.” Ipapo Mozisi akatungamirira vaIsraeri kubva paGungwa Dzvuku uye vakapinda murenje reShuri. Vakafamba kwamazuva matatu murenje vachishayiwa mvura. Vakati vasvika paMara, havana kugona kunwa mvura yacho nokuti yaivava. (Ndokusaka nzvimbo yacho ichinzi Mara.) Saka vanhu vakapopotera Mozisi vachiti, “Tonweiko?” Ipapo Mozisi akachema kuna Jehovha, Jehovha akamuratidza chimuti. Akachikanda mumvura, mvura ikanaka. Jehovha akavaitirapo mutemo nomurayiro, uye akavaedza ipapo. Akati, “Kana mukanyatsoteerera inzwi raJehovha Mwari wenyu uye mukaita zvakarurama pamberi pake, kana mukarerekera nzeve dzenyu kumirayiro yake uye mukachengeta mitemo yose, haangauyisi pamusoro penyu zvirwere zvose zvandakauyisa pamusoro pavaIjipita, nokuti ndini Jehovha anokuporesai.” Ipapo vakasvika paErimu, paiva namatsime gumi namaviri uye nemiti yemichindwe makumi manomwe, uye vakadzika misasa ipapo pedyo nemvura.
Ekisodho 15:19-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti mabhiza aFarao akapinda mugungwa pamwechete nengoro dzake, navatasvi vake vamabhiza, Jehovha akadzosera mvura yegungwa pamusoro pavo; asi vana vaIsiraeri vakafamba pakaoma mukati megungwa. Zvino Miriami, muporofitakadzi, hanzvadzi yaAroni, akatora gandira muruoko rwake, vakadzi vose vakabuda vakamutevera vanamakandira, vachitamba. Miriami akavapindura akati, “Imbirai Jehovha, nokuti akasimuka nesimba rake; akakandira bhiza nomutasvi waro mugungwa.” Zvino Mosesi akatungamirira vaIsiraeri, vakabva paGungwa Dzvuku, vakaenda kurenje reShuri, vakaita mazuva matatu vachifamba murenje vasingawani mvura. Vakasvika Mara, asi vakanga vasingagoni kunwa mvura yapaMara, nokuti yakanga ichivava; naizvozvo zita rapo rakanzi Mara. Zvino vanhu vakapopotera Mosesi, vakati, “Tichanweiko?” Iye akachema kuna Jehovha, Jehovha akamuratidza muti, akaukandira mumvura, mvura ikanaka. Akavaitirapo murayiro nomutemo, akavaedzapo; akati, “Kana uchiteerera nomwoyo wose izwi raJehovha Mwari wako, ukaita zvakarurama pamberi pake, ukarerekera nzeve dzako kumirairo yake, ukachengeta zvaakatema zvose, handingaisi pamusoro pako marwadzo andakaisa pamusoro pavaIjipiti, nokuti ndini Jehovha murapi wako.” Zvino vakasvika Erimu, pakanga pana matsime emvura ane gumi namaviri, nemichindwe ina makumi manomwe, vakavakapo misasa pamvura.
Ekisodho 15:19-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ngoro dzehondo dzaFarao dzamabhiza navachairi vadzo padzakapinda mugungwa, Tenzi akavati fuse fuse nemvura, asi vaIsiraeri vakayambuka vachitsika zvavo pasi pakaoma. Muprofita Miriamu, hanzvadzi yaAroni, akatora katambureni kake, vanhukadzi vose vakabva vamutevera vachiridzawo tambureni dzavo vachitamba. Miriamu akashaura vachiti; “Imbirai Tenzi nokuti akurira, akurira zvino mukurumbira, ngoro dzehondo navachairi vacho azviti mugunwa bvuva bvuva.” Mosesi akatungamirira vaIsiraeri kubva paGungwa Dzvuku vachienda kurenje reShuru. Vakafamba mazuva matatu vari murenje iroro vasina pavakawana mvura. Vakazosvika kuMara asi vakatadza kunwa mvura yepo nokuti yaikarakata kuvava. Saka pakatumidzwa zita rokuti Mara. Ipapo vaIsiraeri vakapopotera Mosesi vachiti, “Zvino tonwei?” Mosesi akanamata kuna Tenzi. Tenzi akamuratidza chimwe chigwenzi Mosesi akachikanda mumvura, mvura iya ikabva yanaka. Ipapo Tenzi akavapa murao nomutemo achida kuona kuti vaIsiraeri vanoteerera here akati, “Kana mukazogara muchinyatsonditeerera ini Tenzi, Mwari wenyu muchiita zvinondifadza, muchichengeta mitemo nemirao yangu, handizokurovai neshamu yezvirwere yandakarova nayo vaIjipiti nokuti ini Tenzi ndini murapi wenyu.” Vakazondosvika kuErimu paiva namatsime gumi namaviri. Paivawo nemiti yomurara makumi manomwe. VaIsiraeri vakadzika matendhe avo ipapo paiva nemvura.
Ekisodho 15:19-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti mabiza aFarao akapinda muguŋgwa pamŋe cete neŋgoro dzake, naʋataȿi ʋake ʋamabiza, Jehova akadzosera mvura yeguŋgwa pamsoro paʋo; asi ʋana ʋaIsraeri ʋakafamba pakawoma mukati meguŋgwa. Ɀino Miriami, muprofitakadzi, hanɀadzi yaAroni, wakatora gandira muruʋoko rwake, ʋakadzi ʋose ʋakaɓuɗa ʋakamuteʋera ʋanamakandira, ʋacitamba. Miriami akaʋapindura, akati: Imbirai Jehova, nokuti wakasimuka nesimba rake; Wakakandira biza nomutaȿi waro muguŋgwa. Ɀino Mosesi wakatuŋgamirira ʋaIsraeri, ʋakabva paGuŋgwa Dɀuku, ʋakaenda kurenje reShuri, ʋakaita mazuʋa matatu ʋacifamba murenje ʋasiŋgawani mvura. Ʋakaȿika Mara, asi ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kunwa mvura yapaMara, nokuti yakaŋga iciʋaʋa; naiɀoɀo zita ra’po rakanzi Mara. Ɀino ʋanhu ʋakapopotera Mosesi, ʋakati: Ticanweiko? Iye akacema kunaJehova, Jehova akamuratidza muti, akaukandira mumvura, mvura ikanaka. Akaʋaitira’po murairo nomutemo, akaʋaidza’po; akati: Kana uciterera nomŋoyo wose inzwi raJehova Mŋari wako, ukaita ɀakarurama pamberi pake, ukarerekera nzeʋe dzako kumirairo yake, ukaceŋgeta ɀaakatema ɀose, handiŋgaisi pamsoro pako marwadzi andakaisa pamsoro paʋaEgipita, nokuti ndini Jehova murapi wako. Ɀino ʋakaȿika Erimi, pakaŋga panamatsime emvura anegumi namaʋiri, nemicindwe inamakumi manomŋe, ʋakaʋaka’po misasa pamvura.
Ekisodho 15:19-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)