Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kubuda 15

15
Rwiyo rwaMosesi
1Mosesi navaIsiraeri vakabva vaimbira Tenzi rwiyo urwu vachiti:
“Ndichaimbira Tenzi
nokuti akurira zvino mukurumbira,
ngoro dzehondo navachairi vadzo,
azviti mugungwa bvuva bvuva.
2Tenzi ndiye simba rangu,
ndiye rwiyo rwangu,
ndiye mununuri wangu,
iyeyu Mwari wangu wandinorumbidza,
Mwari wababa vangu wandinopemberera.
3Tenzi igamba rehondo,
Tenzi ndiro zita rake.
4“Akakandira mugungwa ngoro dzehondo,
ngoro dzaFarao nehondo yake,
nyanzvi dzamasoja ake
mugungwa Dzvuku akadzindondomesa
5mvura zhinji ikavanyudza
vakanyura pasi pasi kuti vido sebwe!
6Rudyi rwenyu Tenzi,
ruoko rune simba rinotyisa.
Rudyi rwenyu Tenzi,
runopwanya-pwanya vavengi.
7“Noumambo hwenyu huno mukurumbira,
munobwadutsira pasi mhandu dzenyu.
Hasha dzenyu dzinovavirukira
dzichivaroromesa samashanga.
8Nehasha dzenyu makangoti furidzei,
mvura ndiye unga unga kuungana.
Mvura yegungwa yakati dzuu kumira sechidziro.
Mvura zhinji pakati pegungwa
yakanyatsoti twi kumira.
9Muvengi akati,
‘Regai ndivatevere ndivabate,
ndigoveranise zvandinenge ndapamba,
ndichitorawo zvandinoda.
Ndichavaburitsira muhara bakatwa rangu,
ndivakatakazhe noruoko rwangu,
vanyatsopera kuti dhuu.’
10Asi imi makafuridza gungwa
rikanyudza vaIjipiti,
vakanyura somutobvu mumvura zhinji.
11Pana vamwari vose,
ndiani angaenzaniswe nemi Tenzi?
Ndianiko ano mukurumbira woutsvene semi,
ano mukurumbira unotyisa ukadai,
muiti wamabasa anoshamisa?
12Makatambanudza ruoko rwenyu rworudyi,
nyika ikamedza vavengi vedu.
13Vanhu vamakanunura munovatungamirira,
munovatungamirira nomwoyochena wenyu.
Munovatungamirira nesimba renyu
munovaperekedza kunyika yenyu inoera.
14Ndudzi dzavanhu dzakazvinzwa
dzikadedera zvikuru,
vaFirisitia vabatwa nokutya kukuru.
15Vakuru vakuru veEdhomu vadumbirwa nokutya.
Machinda avaMoabhu ari kudedera,
vanhu vomuKanani vaparara nokutya.
16Zvava kungoti kutya zvikati kudedera
vadumbirwa nazvo
vachiti nazvo papata sedombo nokutya,
pamusana pesimba renyu guru,
kusvikira vanhu venyu Tenzi vapfuura pavari,
kusvikira vanhu venyu vamakanunura muuranda,
vapfuura pavari.
17Muchaenda navo mugovasima pagomo renyu.
Ndiyo nzvimbo yamakasarudza imi Tenzi
kuti ive musha wenyu,
Nzvimbo Inoera yamakagadzirira namaoko enyu.
18Tenzi achatonga kusvikira narini narini.”
19Ngoro dzehondo dzaFarao dzamabhiza navachairi vadzo padzakapinda mugungwa, Tenzi akavati fuse fuse nemvura, asi vaIsiraeri vakayambuka vachitsika zvavo pasi pakaoma.
Rwiyo rwaMiriamu
20Muprofita Miriamu, hanzvadzi yaAroni, akatora katambureni kake, vanhukadzi vose vakabva vamutevera vachiridzawo tambureni dzavo vachitamba. 21Miriamu akashaura vachiti;
“Imbirai Tenzi nokuti akurira,
akurira zvino mukurumbira,
ngoro dzehondo navachairi vacho
azviti mugunwa bvuva bvuva.”
II: RWENDO RWAVAISIRAIERI MURENJE
Mvura yapaMara yaikarakata kuvava
22Mosesi akatungamirira vaIsiraeri kubva paGungwa Dzvuku vachienda kurenje reShuru. Vakafamba mazuva matatu vari murenje iroro vasina pavakawana mvura. 23Vakazosvika kuMara asi vakatadza kunwa mvura yepo nokuti yaikarakata kuvava. Saka pakatumidzwa zita rokuti Mara.#15:23 Mara: MuchiHebheru zvinoreva kuti kuvava. 24Ipapo vaIsiraeri vakapopotera Mosesi vachiti, “Zvino tonwei?” 25Mosesi akanamata kuna Tenzi. Tenzi akamuratidza chimwe chigwenzi Mosesi akachikanda mumvura, mvura iya ikabva yanaka. Ipapo Tenzi akavapa murao nomutemo achida kuona kuti vaIsiraeri vanoteerera here 26akati, “Kana mukazogara muchinyatsonditeerera ini Tenzi, Mwari wenyu muchiita zvinondifadza, muchichengeta mitemo nemirao yangu, handizokurovai neshamu yezvirwere yandakarova nayo vaIjipiti nokuti ini Tenzi ndini murapi wenyu.”
27Vakazondosvika kuErimu paiva namatsime gumi namaviri. Paivawo nemiti yomurara makumi manomwe. VaIsiraeri vakadzika matendhe avo ipapo paiva nemvura.

Zvasarudzwa nguva ino

Kubuda 15: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda