Nokuti mabhiza aFarao akapinda mugungwa pamwechete nengoro dzake, navatasvi vake vamabhiza, Jehovha akadzosera mvura yegungwa pamusoro pavo; asi vana vaIsiraeri vakafamba pakaoma mukati megungwa. Zvino Miriami, muporofitakadzi, hanzvadzi yaAroni, akatora gandira muruoko rwake, vakadzi vose vakabuda vakamutevera vanamakandira, vachitamba. Miriami akavapindura akati,
“Imbirai Jehovha, nokuti
akasimuka nesimba rake;
akakandira bhiza nomutasvi waro mugungwa.”
Zvino Mosesi akatungamirira vaIsiraeri, vakabva paGungwa Dzvuku, vakaenda kurenje reShuri, vakaita mazuva matatu vachifamba murenje vasingawani mvura. Vakasvika Mara, asi vakanga vasingagoni kunwa mvura yapaMara, nokuti yakanga ichivava; naizvozvo zita rapo rakanzi Mara. Zvino vanhu vakapopotera Mosesi, vakati, “Tichanweiko?” Iye akachema kuna Jehovha, Jehovha akamuratidza muti, akaukandira mumvura, mvura ikanaka.
Akavaitirapo murayiro nomutemo, akavaedzapo; akati, “Kana uchiteerera nomwoyo wose izwi raJehovha Mwari wako, ukaita zvakarurama pamberi pake, ukarerekera nzeve dzako kumirairo yake, ukachengeta zvaakatema zvose, handingaisi pamusoro pako marwadzo andakaisa pamusoro pavaIjipiti, nokuti ndini Jehovha murapi wako.”
Zvino vakasvika Erimu, pakanga pana matsime emvura ane gumi namaviri, nemichindwe ina makumi manomwe, vakavakapo misasa pamvura.