Mabhiza aFaro, ngoro navatasvi vamabhiza vakapinda mugungwa, Jehovha akauyisa mvura yomugungwa pamusoro pavo, asi vaIsraeri vakafamba napakati pegungwa pavhu rakaoma. Ipapo Miriamu muprofitakadzi, hanzvadzi yaAroni, akatora tambureni muruoko rwake, uye vakadzi vose vakamutevera, vana matambureni uye vachitamba. Miriamu akavaimbira akati: “Imbirai Jehovha, nokuti anokudzwa zvikuru kuru. Bhiza nomutasvi waro akazvikanda mugungwa.” Ipapo Mozisi akatungamirira vaIsraeri kubva paGungwa Dzvuku uye vakapinda murenje reShuri. Vakafamba kwamazuva matatu murenje vachishayiwa mvura. Vakati vasvika paMara, havana kugona kunwa mvura yacho nokuti yaivava. (Ndokusaka nzvimbo yacho ichinzi Mara.) Saka vanhu vakapopotera Mozisi vachiti, “Tonweiko?” Ipapo Mozisi akachema kuna Jehovha, Jehovha akamuratidza chimuti. Akachikanda mumvura, mvura ikanaka. Jehovha akavaitirapo mutemo nomurayiro, uye akavaedza ipapo. Akati, “Kana mukanyatsoteerera inzwi raJehovha Mwari wenyu uye mukaita zvakarurama pamberi pake, kana mukarerekera nzeve dzenyu kumirayiro yake uye mukachengeta mitemo yose, haangauyisi pamusoro penyu zvirwere zvose zvandakauyisa pamusoro pavaIjipita, nokuti ndini Jehovha anokuporesai.” Ipapo vakasvika paErimu, paiva namatsime gumi namaviri uye nemiti yemichindwe makumi manomwe, uye vakadzika misasa ipapo pedyo nemvura.
Verenga chikamu Ekisodho 15
Terera ku Ekisodho 15
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ekisodho 15:19-27
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo