Ngoro dzehondo dzaFarao dzamabhiza navachairi vadzo padzakapinda mugungwa, Tenzi akavati fuse fuse nemvura, asi vaIsiraeri vakayambuka vachitsika zvavo pasi pakaoma. Muprofita Miriamu, hanzvadzi yaAroni, akatora katambureni kake, vanhukadzi vose vakabva vamutevera vachiridzawo tambureni dzavo vachitamba. Miriamu akashaura vachiti; “Imbirai Tenzi nokuti akurira, akurira zvino mukurumbira, ngoro dzehondo navachairi vacho azviti mugunwa bvuva bvuva.” Mosesi akatungamirira vaIsiraeri kubva paGungwa Dzvuku vachienda kurenje reShuru. Vakafamba mazuva matatu vari murenje iroro vasina pavakawana mvura. Vakazosvika kuMara asi vakatadza kunwa mvura yepo nokuti yaikarakata kuvava. Saka pakatumidzwa zita rokuti Mara. Ipapo vaIsiraeri vakapopotera Mosesi vachiti, “Zvino tonwei?” Mosesi akanamata kuna Tenzi. Tenzi akamuratidza chimwe chigwenzi Mosesi akachikanda mumvura, mvura iya ikabva yanaka. Ipapo Tenzi akavapa murao nomutemo achida kuona kuti vaIsiraeri vanoteerera here akati, “Kana mukazogara muchinyatsonditeerera ini Tenzi, Mwari wenyu muchiita zvinondifadza, muchichengeta mitemo nemirao yangu, handizokurovai neshamu yezvirwere yandakarova nayo vaIjipiti nokuti ini Tenzi ndini murapi wenyu.” Vakazondosvika kuErimu paiva namatsime gumi namaviri. Paivawo nemiti yomurara makumi manomwe. VaIsiraeri vakadzika matendhe avo ipapo paiva nemvura.
Verenga chikamu Kubuda 15
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Kubuda 15:19-27
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo