Nokuti mabiza aFarao akapinda muguŋgwa pamŋe cete neŋgoro dzake, naʋataȿi ʋake ʋamabiza, Jehova akadzosera mvura yeguŋgwa pamsoro paʋo; asi ʋana ʋaIsraeri ʋakafamba pakawoma mukati meguŋgwa. Ɀino Miriami, muprofitakadzi, hanɀadzi yaAroni, wakatora gandira muruʋoko rwake, ʋakadzi ʋose ʋakaɓuɗa ʋakamuteʋera ʋanamakandira, ʋacitamba. Miriami akaʋapindura, akati:
Imbirai Jehova, nokuti wakasimuka nesimba rake;
Wakakandira biza nomutaȿi waro muguŋgwa.
Ɀino Mosesi wakatuŋgamirira ʋaIsraeri, ʋakabva paGuŋgwa Dɀuku, ʋakaenda kurenje reShuri, ʋakaita mazuʋa matatu ʋacifamba murenje ʋasiŋgawani mvura. Ʋakaȿika Mara, asi ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kunwa mvura yapaMara, nokuti yakaŋga iciʋaʋa; naiɀoɀo zita ra’po rakanzi Mara. Ɀino ʋanhu ʋakapopotera Mosesi, ʋakati: Ticanweiko? Iye akacema kunaJehova, Jehova akamuratidza muti, akaukandira mumvura, mvura ikanaka. Akaʋaitira’po murairo nomutemo, akaʋaidza’po; akati: Kana uciterera nomŋoyo wose inzwi raJehova Mŋari wako, ukaita ɀakarurama pamberi pake, ukarerekera nzeʋe dzako kumirairo yake, ukaceŋgeta ɀaakatema ɀose, handiŋgaisi pamsoro pako marwadzi andakaisa pamsoro paʋaEgipita, nokuti ndini Jehova murapi wako.
Ɀino ʋakaȿika Erimi, pakaŋga panamatsime emvura anegumi namaʋiri, nemicindwe inamakumi manomŋe, ʋakaʋaka’po misasa pamvura.