Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 10:1-29

Ekisodho 10:1-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Enda kuna Faro nokuti ndaomesa mwoyo wake uye nemwoyo yamachinda ake kuitira kuti ndiite zviratidzo zvangu izvi pakati pavo, kuti mugoudza vana venyu navazukuru venyu marangiro akaoma andakaita vaIjipita uye kuti ndakaita zviratidzo zvangu sei pakati pavo, uye kuti imi mugoziva kuti ndini Jehovha.” Saka Mozisi naAroni vakaenda kuna Faro vakandoti kwaari, “Zvanzi naJehovha: Mwari wavaHebheru, ‘Uchasvika riniko uchiramba kuzvininipisa pamberi pangu? Rega vanhu vangu vaende kuti vanondinamata. Kana uchiramba kuvatendera kuenda, ini ndichauyisa mhashu munyika yako mangwana. Dzichafukidza nyika yose zvokuti pasi hapangaonekwi. Dzichadya zvishoma zvawakanga wasiyirwa shure kwechimvuramabwe, pamwe chete nemiti yose iri kumera muminda yako. Dzichazadza dzimba dzako nedzamachinda ako nedzavaIjipita vose, chinhu chisina kumboonekwa namadzibaba ako kana madzitateguru ako kubva pazuva ravakagara munyika ino kusvika zvino.’ ” Ipapo Mozisi akatendeuka akabva pana Faro. Machinda aFaro akati kwaari, “Munhu uyu acharamba ari musungo kwatiri kusvikira riniko? Regai vanhu vaende, kuti vagonamata Jehovha Mwari wavo. Ko, hamusi kuzviona here nazvino kuti Ijipiti yaparara?” Ipapo Mozisi naAroni vakadzoswazve kuna Faro. Iye akati, “Endai mundonamata Jehovha Mwari wenyu. Asi vachaenda ndivanaaniko?” Mozisi akapindura akati, “Tichaenda navaduku vedu uye navakuru, pamwe chete navanakomana vedu navanasikana vedu, uye namakwai edu nemombe dzedu, nokuti tinofanira kuita mutambo wokupemberera Jehovha.” Faro akati, “Jehovha ngaave nemi, kana ndikakutenderai kuenda, pamwe chete navakadzi navana venyu! Zviri pachena kuti imi muri kuda kuita zvakaipa. Kwete! Varume chete ngavaende; vandonamata Jehovha, sezvo zviri izvo zvamanga muchikumbira.” Ipapo Mozisi naAroni vakadzingwa pamberi paFaro. Uye Jehovha akati kuna Mozisi, “Tambanudza ruoko rwako pamusoro peIjipiti kuitira kuti mhashu dzigoita bute pamusoro dzigodya zvose zvinomera muminda, zvose zvakasiyiwa nechimvuramabwe.” Saka Mozisi akatambanudza tsvimbo yake pamusoro peIjipiti, uye Jehovha akaita kuti mhepo yokumabvazuva ivhuvhute munyika zuva rose nousiku hwose. Mangwanani, mhepo yakanga yauyisa mhashu; dzakazadza Ijipiti yose uye dzikamhara munzvimbo dzose dzenyika dzakawanda zvikuru. Hakuna kutongova nedambudziko remhashu rakadai, uye harichazombovapozve. Dzakafukidza pasi pose kusvikira pasviba kuti svi-i. Dzakadya zvose zvakanga zvasara shure kwechimvuramabwe, zvinhu zvose zvaimera muminda uye michero yaiva pamiti. Hakuna chakasvibirira chakasara mumiti kana zvirimwa zvomunyika yose yeIjipiti. Faro akakurumidza kudana Mozisi naAroni akati, “Ndatadzira Jehovha Mwari wenyu uye nemi. Zvino ndiregerereizve chivi changu uye munyengetere kuna Jehovha Mwari wenyu kuti abvise kwandiri dambudziko rinouraya iri.” Ipapo Mozisi akabva pana Faro akanyengetera kuna Jehovha. Uye Jehovha akashandura mhepo ikava mhepo ine simba yokumavirira ikasimudza mhashu ikadzikanda muGungwa Dzvuku. Hapana mhashu yakasara papi zvapo muIjipiti. Asi Jehovha akaomesa mwoyo waFaro, uye akasatendera vaIsraeri kuti vaende. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tambanudzira ruoko rwako kudenga kuti rima ripararire pamusoro peIjipiti, rima rinonzwikwa.” Saka Mozisi akatambanudzira ruoko rwake kudenga, rima guru rikafukidza Ijipiti yose kwamazuva matatu. Hapana aigona kuona mumwe munhu papi zvapo kana kubva panzvimbo yake kwamazuva matatu. Asi vaIsraeri vainge vane chiedza munzvimbo dzavaigara. Ipapo Faro akadana Mozisi akati, “Endai mundonamata Jehovha. Kunyange vakadzi venyu navana vangaenda havo nemi; musiye chete makwai enyu nemombe.” Asi Mozisi akati, “Munofanira kutitendera kuti tive nezvibayiro uye nezvipiriso zvinopiswa kuti tipe kuna Jehovha Mwari wedu. Zvipfuwo zvedu zvinofanira kuendawo nesu; hapana hwanda rinofanira kusara. Tinofanira kuzvishandisa zvimwe zvacho mukunamata Jehovha Mwari wedu, uye kusvikira tasvikako hatingazivi zvatingashandisa kuti tinamate Jehovha.” Asi Jehovha akaomesa mwoyo waFaro, saka haana kuda kuvatendera kuti vaende. Faro akati kuna Mozisi, “Ibvai pano! Chenjerai kuti murege kuzoonekwazve pamberi pangu! Musi wamuchaona chiso changu muchafa.” Mozisi akapindura akati, “Sezvamareva, handichazoonekwazve pamberi penyu.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 10

Ekisodho 10:1-29 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Pinda kuna Farao, nokuti ndaomesa mwoyo wake, nemwoyo yavaranda vake, kuti ndiise zviratidzo zvangu izvo pakati pavo; kuti iwe ugotaura munzeve dzomwanakomana wako, nedzomwanakomana womwanakomana wako, zvose zvandakaitira Ijipiti, nezviratidzo zvandakaita pakati pavo; muzive kuti ndini Jehovha.” Zvino Mosesi naAroni vakapinda kuna Farao, vakati kwaari, “Zvanzi naJehovha, Mwari wavaHebheru, ‘Ucharamba kuzvininipisa pamberi pangu kusvikira riniko?’ Tendera vanhu vangu kuenda vandinamate. Nokuti kana ukaramba kutendera vanhu vangu kuenda, tarira, mangwana ndichauyisa mhashu panyika yenyu; dzichafukidza nyika yose, kuti munhu asagona kuona pasi; dzichadya zvakasara zvakapukunyuka, zvamakasiyirwa nechimvuramabwe, dzichadya miti yose inokumererai muminda; nedzimba dzenyu dzichazara, nedzimba dzavaranda venyu vose, nedzimba dzavaIjipiti vose; zvakadaro hazvina kumboonekwa namadzibaba enyu, namadzibaba amadzibaba enyu, kubva pazuva ravakatanga panyika kusvikira zuva rino.” Ipapo akatendeuka akabuda pamberi paFarao. Zvino varanda vaFarao vakati kwaari, “Munhu uyu achava musungo kwatiri kusvikira riniko? Tenderai henyu vanhu kuenda, vandonamata Jehovha Mwari wavo; hamuzivi here kuti Ijipiti raparadzwa?” Zvino Mosesi naAroni vakadzoserwazve kuna Farao, iye akati kwavari, “Endai mundonamata Jehovha Mwari wenyu; asi vachaenda ndivananiko?” Mosesi akati, “Tichaenda navaduku vedu, navakuru vedu, navakomana vedu navasikana vedu; tichaenda namakwai edu, nemombe dzedu; nokuti tinofanira kuitira Jehovha mutambo.” Iye akati kwavari, “Jehovha ngaave nemi kana ini ndikatongokutenderai kuenda, imi nepwere dzenyu! Chenjerai, nokuti munenge munofunga zvakaipa. Haisa! Imi varume endai henyu, mundonamata Jehovha, nokuti ndizvo zvamakumbira.” Vakadzingwa pamberi paFarao. Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Tambanudzira ruoko rwako pamusoro penyika yeIjipiti, mhashu dziuye pamusoro penyika yeIjipiti, dzidye miti yose yenyika yose yakanga yasiyiwa nechimvuramabwe.” Mosesi akatambanudzira tsvimbo yake pamusoro penyika yeIjipiti, Jehovha akauyisa pamusoro penyika mhepo yakabva kumabvazuva zuva iroro rose nousiku hwose; zvino fume mangwana mhepo yokumabvazuva ikauyisa mhashu. Mhashu dzikauya pamusoro penyika yose yeIjipiti, dzikandomhara munyika yose yeIjipiti; dzakanga dzakawanda kwazvo; mhashu dzakadai hadzina kumbovapo kubva pakutanga, uye dzakaita saidzodzo hadzingazovipozve. Nokuti dzakafukidza nyika yoseyose, nyika ikati zvi! Dzikadya miti yose yenyika, nemichero yose yemiti, yakanga yasiyiwa nechimvuramabwe; hapana kuzosara kunyange chinhu chimwe chitema pamiti, kana pamiriwo yeminda, panyika yose yeIjipiti. Ipapo Farao akakurumidza kudana Mosesi naAroni, akati, “Ndatadzira Jehovha, Mwari wenyu, nemi. Naizvozvo zvino ndikanganwirei zvivi zvangu nguva ino bedzi, mukumbire kuna Jehovha Mwari wenyu, kuti abvise kwandiri rufu urwu bedzi.” Akabuda pamberi paFarao, akandokumbira kuna Jehovha. Zvino Jehovha akadzosera mhepo ine simba kwazvo, yakabva kumavirazuva, ikasimudza mhashu ikadzikandira muGungwa Dzvuku; hakuna kuzosara kunyange nemhashu imwe chete munyika yose yeIjipiti. Asi Jehovha akaomesa mwoyo waFarao, akasatendera vana vaIsiraeri kuenda. Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Tambanudzira ruoko rwako kudenga, rima rivepo panyika yeIjipiti, rima ringaita seringabatwa namaoko.” Mosesi akatambanudzira ruoko rwake kudenga, rima guru rikavapo panyika yose yeIjipiti, rikaita mazuva matatu; havana kuonana, uye hapana mumwe akasimuka paakanga agere namazuva matatu; asi vana vaIsiraeri vose vakanga vane chiedza kwavaigara. Zvino Farao akadana Mosesi, akati, “Endai, mundonamata Jehovha; asi makwai enyu nemombe dzenyu ngadzisare; nepwere dzenyu dzingaenda hadzo nemi.” Mosesi akati, “Munofanira kutipawo mumaoko edu zvokubayira nezvipiriso zvokupisa zvatingandobayira Jehovha Mwari wedu. Zvipfuwo zvedu zvichaendawo nesu, hakungasari kunyange nehwanda rimwe, nokuti tinofanira kutora kwazviri kuti tinamate nazvo Jehovha Mwari wedu; hatizivi zvatinganamata Jehovha nazvo kudzimana tasvikapo.” Asi Jehovha akaomesa mwoyo waFarao, akaramba kuvatendera kuenda. Zvino Farao akati kwaari, “Ibva pamberi pangu, chenjera kuti urege kuonazve chiso changu, nokuti nomusi waunoona chiso changu uchafa.” Mosesi akati, “Mareva kwazvo, handichazooni chiso chenyuzve.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 10

Ekisodho 10:1-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Enda kuna Farao nokuti ndaita kuti aomese mwoyo, iye namachinda ake kuti ndiite zviratidzo zvangu pakati pavo. Ndinodawo kuti imi vaIsiraeri muzokwanisa kukurukurira vana venyu navazukuru venyu, vachinzwa nenzeve dzavo kupusisa kunorwadza kwandakaita vaIjipiti nezviratidzo zvandakaita pakati pavo, mugoziva kuti ini ndini Tenzi.” Mosesi naAroni vakaenda kuna Farao vakandoti, “Zvanzi naTenzi, Mwari wevaHebheru, ‘Iwe ucharamba kuzvirereka kwandiri kusvikira riniko? Rega vanhu vangu vaende vandondinamata nokuti kana ukaramba kuti vanhu vangu vaende, ndichaunza mhashu munyika mako mangwana. Mhashu dzacho dzichazara zvokufukidza nyika yose zvokuti pasi hapazoonekwa. Dzichadya zvakasara muminda zvisina kuparadzwa nechimvuramahwe, dzichidyawo miti yenyu yose yomuminda. Mhashu dzichati farara mumba mako nomudzimba dzamachinda ako, nedzevaIjipiti vose, zvisina kumboonekwa namadzibaba kana namadzisekuru ako chingo chavakauya panyika kusvikira pari nhasi.’ ” Ipapo Mosesi akafuratira Farao ndokuenda. Machinda aFarao akamuti, “Munhu uyu acharamba achititambudzisa kusvikira riniko? Zviri nani kuti murege vaIsiraeri vaende zvavo vandonamata Tenzi, Mwari wavo. Ko nazvino wose hamusi kuonawo here kuti kutoparara kuri kuita nyika yeIjipiti ikoku?” Ipapo Mosesi naAroni vakabva vadzorwa kuna Farao. Iye akavati, “Chiendai zvenyu mundonamata Tenzi, Mwari wenyu. Ko zvino vachaenda ndivanaaniko?” Mosesi akati, “Tichaenda tose vakuru navaduku. Tichatakura vana vedu vakomana navasikana. Tichaendawo nemombe nezvimwe zvipfuwo zvedu zvose nokuti tiri kundoita mabiko chaiwo okupemberera Tenzi.” Mambo akavatsanangurira achiti, “Kana zvikaitika kuti ndikubvumidzei kuenda zvenyu navana venyu, kubva Tenzi wacho iyeyo ngaave nemika. Chionaika zvamuri kuronga zvakaipa kwazvo. Hazvimboitika! Vanhurume chete ndivo vachaenda kundonamata Tenzi. Inga ndizvo zvamanga muchida wani!” Pakarepo Mosesi naAroni vakadzingwa pana Farao. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Simudzira ruoko rwako pamusoro penyika yose yeIjipiti kuti mhashu dziuye, muIjipiti dzidye zvose zvisina kuparadzwa nechimvuramahwe.” Mosesi akatambanudza tsvimbo yake pamusoro penyika yose yeIjipiti. Tenzi akaunza mhepo yakabva kumabvazuva, yakaswerera ikararira ichivhuvhuta. Kuzoti kwaedza mhepo yokumabvazuva iyi yakaunza mhashu. Mhashu dzacho dzakauya dzakawanda kwazvo munyika yose yeIjipiti, dzikamhara zvokuti tsvete nyika yose zvayo yeIjipiti. Mhashu dzakadai hadzina kumboonekwa kubvira pasi chigare uye hadzizombofi dzakaonekwazve. Dzakamomotera nyika yose, zvokuti pasi pakati ndo-o kusviba. Dzakadya zvose zvaiva munyika iyi. Dzakadyawo michero yose yomumiti yakanga yasiyiwa nechimvuramahwe. Hadzina kusiya kana shizha zvaro nyoro pamuti kana pane kai zvako muminda munyika yose zvayo yeIjipiti. Ipapo Farao akakurumidza kudaidza Mosesi naAroni akati, “Ndakatadzira Tenzi, Mwari wenyu ndikakutadziraiwo imi. Zvino chindiregereraiwo chitadzo changu rwendo runo bedzi mukumbire Tenzi, Mwari wenyu kuti andibvisirewo nhamo yorufu iyi.” Mosesi akabva pana Farao akandoteterera Tenzi. Tenzi akabva adzora mhepo iya, ndokuiunza ichibva nechokumadokero yava nesimba kwazvo. Yakatakura mhashu idzi ikandodzikanda muGungwa Dzvuku. Hakuna kunyange nemhashu imwechete yakasara munyika yeIjipiti yose. Asi Tenzi akaita kuti Farao aomese mwoyo, naizvozvo akarambidza vaIsiraeri kuenda. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Simudzira ruoko rwako mudenga kuti muIjipiti muve nerima rakati kwindindi.” Mosesi akasimudzira ruoko rwake kudenga, rima guru ndokufukidza Ijipiti yose kwamazuva matatu. Ipapo vaIjipiti vakanga vasisaonani. Hakuna munhu akaedza kubuda mumba make pamazuva iwayo ose. Asi kwaiva navaIsiraeri kwakanga kuine chiedza. Farao akadaidza Mosesi akati, “Chiendai zvenyu mundonamata Tenzi, vana venyu vangaendewo zvavo nemi, asi mombe nezvimwe zvipfuwo zvenyu ngazvisare.” Mosesi akati, “Zvinoreva here kuti imi ndimi muchatipa zvipfuwo zvokundobaya tichipisira kuna Tenzi, Mwari wedu? Tichaendawo nezvipfuwo zvedu, hapana kana nechimwechete chinofanira kusara. Muzvipfuwo zvedu ndimo matichasarudza zvatichazobaya tichipisira Tenzi, Mwari wedu. Hatingazivizve kuti ndechipi chatichabayira Tenzi tisati tasvikako.” Tenzi akaita kuti Farao aomese mwoyo akaramba kuti vaIsiraeri vaende. Farao akati, “Iwe Mosesi chibva pandiri! Zvingwarire! Handidi kuzokuonazve mumaziso mangu! Zuva randinongokuona pano mumaziso mangu chako kufa!” Mosesi akati, “Zvamareva ndizvozvo, handichazoona uso hwenyu zvakare.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 10

Ekisodho 10:1-29 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Pinda kunaFarao, nokuti ndawomesa mŋoyo wake, nemŋoyo yaʋaranda ʋake, kuti ndiise ɀiratidzo ɀaŋgu iɀo pakati paʋo; kuti iwe ugotaura munzeʋe dzomŋanakomana wako, nedzomŋanakomana womŋanakomana wako, ɀose ɀandakaitira Egipita, neɀiratidzo ɀandakaita pakati paʋo; muziʋe kuti ndini Jehova. Ɀino Mosesi naAroni ʋakapinda kunaFarao, ʋakati kwaari: Ɀanzi naJehova, Mŋari waʋaHeberu: Ucaramba kuɀininipisa pamberi paŋgu kuȿikira riniko? Tendera ʋanhu ʋaŋgu kuenda ʋandinamate. Nokuti kana ukaramba kutendera ʋanhu ʋaŋgu kuenda, tarira, maŋgwana ndicaʋuyisa mhashu panyika yenyu; dzicafukidza nyika yose, kuti munhu asagona kuʋona pasi; dzicadya ɀakasara ɀakapukunyuka, ɀamakasiyirwa necimvuramabge, dzicadya miti yose inokumererai muminda; nedzimba dzenyu dzicazara, nedzimba dzaʋaranda ʋenyu ʋose, nedzimba dzaʋaEgipita ʋose; ɀakaɗaro haɀina‐kumboʋonekwa namadziɓaɓa enyu, namadziɓaɓa amadziɓaɓa enyu, kubva pazuʋa raʋakataŋga panyika kuȿikira zuʋa rino. Ipapo akatendeʋuka akaɓuɗa pamberi paFarao. Ɀino ʋaranda ʋaFarao ʋakati kwaari: Munhu uyu ucaʋa musuŋgo kwatiri kuȿikira riniko? Tenderai henyu ʋanhu kuenda, ʋandonamata Jehova Mŋari waʋo; hamuziʋi here kuti Egipita raparadzwa? Ɀino Mosesi naAroni ʋakadzoserwa ɀe kunaFarao, iye akati kwaʋari: Endai mundonamata Jehova Mŋari wenyu; asi ʋacaenda ndiʋananiko? Mosesi akati: Ticaenda naʋaɗuku ʋeɗu, naʋakuru ʋeɗu, naʋanakomana ʋeɗu naʋanasikana ʋeɗu; ticaenda namakwai eɗu, neŋombe dzeɗu; nokuti tinofanira kuitira Jehova mutambo. Iye akati kwaʋari: Jehova ŋgaaʋe nemi kana ini ndikatoŋgokutenderai kuenda, imi nepxere dzenyu! Cenjerai, nokuti muneŋge munofuŋga ɀakaipa. Haiȿa! Imi ʋarume endai henyu, mundonamata Jehova, nokuti ndiɀo ɀamakumbira. Ʋakadziŋgwa pamberi paFarao. Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Tambanudzira ruʋoko rwako pamsoro penyika yeEgipita, mhashu dziʋuye pamsoro penyika yeEgipita, dzidye miti yose yenyika yose yakaŋga yasiyiwa necimvuramabge. Mosesi akatambanudzira tȿimbo yake pamsoro penyika yeEgipita, Jehova akaʋuyisa pamsoro penyika mhepo yakabva kumabvazuʋa zuʋa iro rose noʋusiku bgose; ɀino fume maŋgwana mhepo yokumabvazuʋa ikaʋuyisa mhashu. Mhashu dzikaʋuya pamsoro penyika yose yeEgipita, dzikandomhara munyika yose yeEgipita; dzakaŋga dzakawanda kwaɀo; mhashu dzakaɗai hadzina‐kumboʋa’po kubva pakutaŋga, ʋuye dzakaita saidzodzo hadziŋgazoʋi’po ɀe. Nokuti dzakafukidza nyika yose‐yose, nyika ikati ɀi! Dzikadya miti yose yenyika, nemicero yose yemiti, yakaŋga yasiyiwa necimvuramabge; hapana‐kuzosara kunyaŋge cinhu cimŋe citema pamiti, kana pamiriʋo yeminda, panyika yose yeEgipita. Ipapo Farao akakurumidza kuɗana Mosesi naAroni, akati: Ndatadzira Jehova, Mŋari wenyu, nemi. Naiɀoɀo ɀino ndikaŋganwirei ɀiʋi ɀaŋgu ŋguʋa ino ɓedzi, mukumbire kunaJehova Mŋari wenyu, kuti abvise kwandiri rufu urwu ɓedzi. Akaɓuɗa pamberi paFarao, akandokumbira kunaJehova. Ɀino Jehova akadzosera mhepo inesimba kwaɀo, yakabva kumaʋirazuʋa, ikasimudza mhashu ikadzikandira muGuŋgwa Dɀuku; hakuna‐kuzosara kunyaŋge nemhashu imŋe cete munyika yose yeEgipita. Asi Jehova wakawomesa mŋoyo waFarao, akasatendera ʋana ʋaIsraeri kuenda. Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Tambanudzira ruʋoko rwako kuɗeŋga, rima riʋe’po panyika yeEgipita, rima riŋgaita seriŋgaɓatwa namaʋoko. Mosesi akatambanudzira ruʋoko rwake kuɗeŋga, rima guru rikaʋa po panyika yose yeEgipita, rikaita mazuʋa matatu; haʋana‐kuʋonana, ʋuye hapanomumŋe wakasimuka paakaŋga agere mazuʋa matatu; asi ʋana ʋaIsraeri ʋose ʋakaŋga ʋaneciedza kwaʋaigara. Ɀino Farao akaɗana Mosesi, akati: Endai, mundonamata Jehova; asi makwai enyu neŋombe dzenyu ŋgadzisare; nepxere dzenyu dziŋgaenda hadzo nemi. Mosesi akati: Munofanira kutipa ʋo mumaʋoko eɗu ɀokuɓayira neɀipiriso ɀokupisa ɀatiŋgandoɓayira Jehova Mŋari weɗu. Ɀipfuwo ɀeɗu ɀicaenda ʋo nesu, hakuŋgasari kunyaŋge nehwanda rimŋe, nokuti tinofanira kutora kwaɀiri kuti tinamate naɀo Jehova Mŋari weɗu; hatiziʋi ɀatiŋganamata Jehova naɀo kudzimana taȿika po. Asi Jehova wakawomesa mŋoyo waFarao, akaramba kuʋatendera kuenda. Ɀino Farao akati kwaari: Ibva pamberi paŋgu, cenjera kuti urege kuʋona ɀe ciso caŋgu, nokuti nomusi waunoʋona ciso caŋgu ucafa. Mosesi akati: Mareʋa kwaɀo, handicazoʋoni ciso cenyu ɀe.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ekisodho 10

Ekisodho 10:1-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)