Ekisodho 10
10
Dambudziko rorusere: Mhashu
1Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Pinda kuna Farao, nokuti ndaomesa mwoyo wake, nemwoyo yavaranda vake, kuti ndiise zviratidzo zvangu izvo pakati pavo; 2kuti iwe ugotaura munzeve dzomwanakomana wako, nedzomwanakomana womwanakomana wako, zvose zvandakaitira Ijipiti, nezviratidzo zvandakaita pakati pavo; muzive kuti ndini Jehovha.”
3Zvino Mosesi naAroni vakapinda kuna Farao, vakati kwaari, “Zvanzi naJehovha, Mwari wavaHebheru, ‘Ucharamba kuzvininipisa pamberi pangu kusvikira riniko?’ Tendera vanhu vangu kuenda vandinamate. 4Nokuti kana ukaramba kutendera vanhu vangu kuenda, tarira, mangwana ndichauyisa mhashu panyika yenyu; 5dzichafukidza nyika yose, kuti munhu asagona kuona pasi; dzichadya zvakasara zvakapukunyuka, zvamakasiyirwa nechimvuramabwe, dzichadya miti yose inokumererai muminda; 6nedzimba dzenyu dzichazara, nedzimba dzavaranda venyu vose, nedzimba dzavaIjipiti vose; zvakadaro hazvina kumboonekwa namadzibaba enyu, namadzibaba amadzibaba enyu, kubva pazuva ravakatanga panyika kusvikira zuva rino.” Ipapo akatendeuka akabuda pamberi paFarao.
7Zvino varanda vaFarao vakati kwaari, “Munhu uyu achava musungo kwatiri kusvikira riniko? Tenderai henyu vanhu kuenda, vandonamata Jehovha Mwari wavo; hamuzivi here kuti Ijipiti raparadzwa?”
8Zvino Mosesi naAroni vakadzoserwazve kuna Farao, iye akati kwavari, “Endai mundonamata Jehovha Mwari wenyu; asi vachaenda ndivananiko?”
9Mosesi akati, “Tichaenda navaduku vedu, navakuru vedu, navakomana vedu navasikana vedu; tichaenda namakwai edu, nemombe dzedu; nokuti tinofanira kuitira Jehovha mutambo.” 10Iye akati kwavari, “Jehovha ngaave nemi kana ini ndikatongokutenderai kuenda, imi nepwere dzenyu! Chenjerai, nokuti munenge munofunga zvakaipa. 11Haisa! Imi varume endai henyu, mundonamata Jehovha, nokuti ndizvo zvamakumbira.” Vakadzingwa pamberi paFarao.
12Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Tambanudzira ruoko rwako pamusoro penyika yeIjipiti, mhashu dziuye pamusoro penyika yeIjipiti, dzidye miti yose yenyika yose yakanga yasiyiwa nechimvuramabwe.” 13Mosesi akatambanudzira tsvimbo yake pamusoro penyika yeIjipiti, Jehovha akauyisa pamusoro penyika mhepo yakabva kumabvazuva zuva iroro rose nousiku hwose; zvino fume mangwana mhepo yokumabvazuva ikauyisa mhashu. 14Mhashu dzikauya pamusoro penyika yose yeIjipiti, dzikandomhara munyika yose yeIjipiti; dzakanga dzakawanda kwazvo; mhashu dzakadai hadzina kumbovapo kubva pakutanga, uye dzakaita saidzodzo hadzingazovipozve. 15Nokuti dzakafukidza nyika yoseyose, nyika ikati zvi! Dzikadya miti yose yenyika, nemichero yose yemiti, yakanga yasiyiwa nechimvuramabwe; hapana kuzosara kunyange chinhu chimwe chitema pamiti, kana pamiriwo yeminda, panyika yose yeIjipiti. 16Ipapo Farao akakurumidza kudana Mosesi naAroni, akati, “Ndatadzira Jehovha, Mwari wenyu, nemi. 17Naizvozvo zvino ndikanganwirei zvivi zvangu nguva ino bedzi, mukumbire kuna Jehovha Mwari wenyu, kuti abvise kwandiri rufu urwu bedzi.” 18Akabuda pamberi paFarao, akandokumbira kuna Jehovha. 19Zvino Jehovha akadzosera mhepo ine simba kwazvo, yakabva kumavirazuva, ikasimudza mhashu ikadzikandira muGungwa Dzvuku; hakuna kuzosara kunyange nemhashu imwe chete munyika yose yeIjipiti. 20Asi Jehovha akaomesa mwoyo waFarao, akasatendera vana vaIsiraeri kuenda.
Dambudziko repfumbamwe: Rima
21Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Tambanudzira ruoko rwako kudenga, rima rivepo panyika yeIjipiti, rima ringaita seringabatwa namaoko.” 22Mosesi akatambanudzira ruoko rwake kudenga, rima guru rikavapo panyika yose yeIjipiti, rikaita mazuva matatu; 23havana kuonana, uye hapana mumwe akasimuka paakanga agere namazuva matatu; asi vana vaIsiraeri vose vakanga vane chiedza kwavaigara.
24Zvino Farao akadana Mosesi, akati, “Endai, mundonamata Jehovha; asi makwai enyu nemombe dzenyu ngadzisare; nepwere dzenyu dzingaenda hadzo nemi.” 25Mosesi akati, “Munofanira kutipawo mumaoko edu zvokubayira nezvipiriso zvokupisa zvatingandobayira Jehovha Mwari wedu. 26Zvipfuwo zvedu zvichaendawo nesu, hakungasari kunyange nehwanda rimwe, nokuti tinofanira kutora kwazviri kuti tinamate nazvo Jehovha Mwari wedu; hatizivi zvatinganamata Jehovha nazvo kudzimana tasvikapo.”
27Asi Jehovha akaomesa mwoyo waFarao, akaramba kuvatendera kuenda. 28Zvino Farao akati kwaari, “Ibva pamberi pangu, chenjera kuti urege kuonazve chiso changu, nokuti nomusi waunoona chiso changu uchafa.” 29Mosesi akati, “Mareva kwazvo, handichazooni chiso chenyuzve.”
Zvasarudzwa nguva ino
Ekisodho 10: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002