Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 9

9
Dambudziko rechishanu: Hosha pakati pezvipfuwo
1Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Pinda kuna Farao, undomuudza, uti, ‘Zvanzi naJehovha, Mwari wavaHebheru: Tendera vanhu vangu kuenda vandinamate.’ 2Nokuti kana ukaramba kuvatendera, ukaramba uchivadzivisa, 3tarira, ruoko rwaJehovha ruchava pamusoro pezvipfuwo zvako zviri kusango, napamusoro pamabhiza, napamusoro pembongoro, napamusoro pamangamera, napamusoro pemombe, napamusoro pezvipfuwo zviduku; hosha yakaipa kwazvo ichavapo. 4Jehovha acharaura zvipfuwo zvavaIsiraeri pazvipfuwo zvavaIjipiti; hapana chimwe chingafa pazvipfuwo zvose zvavaIsiraeri.” 5Zvino Jehovha akatara nguva akati, “Mangwana Jehovha achaita chinhu ichi munyika ino.”
6Fume mangwana Jehovha akaita chinhu ichocho, zvipfuwo zvose zveIjipiti zvikafa; asi pazvipfuwo zvavana vaIsiraeri hapana zvakafa, kunyange nechimwe chete. 7Farao akatuma vanhu, vakawana kuti pazvipfuwo zvavaIsiraeri hapana zvakafa, kunyange chimwe chete. Asi mwoyo waFarao wakava mukukutu, akasatendera vanhu kuenda.
Dambudziko rechitanhatu: Mamota pavanhu nezvipfuwo
8Zvino Jehovha akati kuna Mosesi naAroni, “Torai tsama dzamadota echoto, Mosesi aakushire kudenga pamberi paFarao. 9Achashanduka guruva rakatsetseka panyika yose yeIjipiti, achiita mamota anoputika semhoni pavanhu napazvipfuwo zvose zveIjipiti.” 10Ivo vakatora madota echoto, vakamira pamberi paFarao, Mosesi akaakushira kudenga, akaita mamota anoputika semhoni pavanhu napazvipfuwo. 11Zvino n'anga dzakanga dzisingagoni kumira pamberi paMosesi nokuda kwamamota, nokuti mamota akanga ari pan'anga napavaIjipiti vose. 12Asi Jehovha akaomesa mwoyo waFarao, akasavateerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha kuna Mosesi.
Dambudziko rechinomwe: Chimvuramabwe
13Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Fumira mangwanani, undomira pamberi paFarao, uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha, Mwari wavaHebheru: Tendera vanhu vangu kuenda vandinamate.’ 14Nokuti nenguva ino ndichatuma madambudziko angu ose pamusoro pomwoyo wako, napamusoro pavaranda vako, napamusoro pavanhu vako, uzive kuti hapana akafanana neni panyika dzose. 15Nokuti dai ndisakadaro, ndingadai ndaitambanudza ruoko rwangu, ndikakurova iwe navanhu vako nehosha yakaipa, ukaparadzwa chose panyika; 16asi zvirokwazvo ndakakuraramisa nokuda kwaizvozvo, kuti ndikuratidze simba rangu, uye kuti zita rangu rikurumbire kunyika dzose. 17Zvino ucharamba uchingozvikudza uchirwa navanhu vangu, usingadi kuvatendera kuenda here? 18Tarira, mangwana, nenguva yakaita seino, ndichanisa chimvuramabwe chakaipa kwazvo, chisina kumbovapo paIjipiti kubva pakuvambwa kwayo kusvikira zvino. 19Naizvozvo zvino tuma vanhu, uunganidze zvipfuwo zvako nezvose zvaunazvo kusango, nokuti vanhu vose nezvipfuwo zvose zvinowanikwa kusango, zvisina kuiswa mudzimba, zvicharohwa nechimvuramabwe zvikafa.” 20Zvino vakatya shoko raJehovha pakati pavaranda vaFarao vakaraira kuti varanda vavo nezvipfuwo zvavo zvitizire mudzimba. 21Asi vakanga vasingateereri shoko raJehovha, vakarega varanda vavo nezvipfuwo zvavo kusango.
22Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Tambanudzira ruoko rwako kudenga, chimvuramabwe chivepo panyika yose yeIjipiti, pamusoro pavanhu, napamusoro pezvipfuwo, napamusoro pemiriwo yose yeminda panyika yose yeIjipiti.” 23Mosesi akatambanudzira tsvimbo yake kudenga, Jehovha akatuma kutinhira nechimvuramabwe, moto wemheni ukarova pasi. Jehovha akanaisa chimvuramabwe panyika yeIjipiti. 24Chimvuramabwe chikavapo, nomoto wakavengana nechimvuramabwe, chikanyanya kwazvo, chisina kumbovapo panyika yose yeIjipiti, kubva pakutanga kworudzi ipapo. 25Chimvuramabwe chikarova zvose zvakanga zviri kusango, vanhu nezvipfuwo, panyika yose yeIjipiti; chimvuramabwe chikarova miriwo yose yeminda, chikavhuna miti yose yesango. 26Asi munyika yeGosheni bedzi, imo makanga muna vana vaIsiraeri, ndipo pakanga pasina chimvuramabwe.
27Zvino Farao akatuma vanhu kundodana Mosesi naAroni, akati kwavari, “Nguva ino ndatadza; Jehovha akarurama, asi ini navaranda vangu takaipa. 28Nyengeterai kuna Jehovha, nokuti kutinhira kukuru kwaMwari nechimvuramabwe zvaringana; ndichakutenderai kuenda, murege kugara.”
29Mosesi akati kwaari, “Kana ndangobuda paguta, ndichatambanudzira maoko angu kuna Jehovha; ipapo kutinhira kuchanyarara, nechimvuramabwe hachizovipo; muchaziva kuti nyika yose ndeyaJehovha. 30Asi kana murimi navaranda venyu, ndinoziva kuti hamungatyi Jehovha Mwari.”
31Miti yoruchinda nebhari zvikarohwa, nokuti bhari yakanga yatumbuka, nemiti yoruchinda yakanga yava namaruva. 32Asi zviyo zvekoroni nezvesipereti hazvina kurohwa, nokuti zvakanga zvisina kukura.
33Zvino Mosesi akabuda muguta pamberi paFarao, akatambanudzira maoko ake kuna Jehovha, kutinhira nechimvuramabwe zvikanyarara, nemvura ikasadururirwa panyika. 34Zvino Farao akati aona kuti mvura nechimvuramabwe nokutinhira zvanyarara, akawedzera kutadza, akaomesa mwoyo wake, iye navaranda vake. 35Mwoyo waFarao ukaomeswa, akasatendera vana vaIsiraeri kuenda; sezvakanga zvarehwa naJehovha nomuromo waMosesi.

Zvasarudzwa nguva ino

Ekisodho 9: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda