Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 11

11
Dambudziko regumi: Rufu rwamatangwe
1Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Ndichauyisa dambudziko rimwezve pamusoro paFarao napamusoro peIjipiti, ipapo achakutenderai kubva pano; musi waachakutenderai kuenda, zvirokwazvo achakudzingai chose pano. 2Zvino udza vanhu vanzwe, kuti murume mumwe nomumwe akumbire kunowokwake, nomukadzi mumwe nomumwe akumbire kunowokwake, vapiwe zvishongo zvesirivha nezvishongo zvendarama.” 3Zvino Jehovha akapa vanhu nyasha pamberi pavaIjipiti. Naiye munhu uyu Mosesi, akanga ari mukuru kwazvo munyika yeIjipiti, pamberi pavaranda vaFarao, napamberi pavanhu.
4Zvino Mosesi akati, “Zvanzi naJehovha, ‘Kana pava pakati pousiku, ndichabuda ndikafamba napakati peIjipiti; 5madangwe ose munyika yeIjipiti achafa, kutanga padangwe raFarao anogara pachigaro choushe, kusvikira padangwe romurandakadzi ari paguyo, navana vose vemhongora dzezvipfuwo. 6Panyika yose yeIjipiti pachava nokuchema kukuru, kwakadaro hakuna kumbovapo, uye hakungavipozve.’ 7Asi pakati pavana vaIsiraeri vose, pakati pavanhu kana zvipfuwo, hapangavi nembwa ichasimudza rurimi rwayo; kuti muzive kuti Jehovha akatsaura pakati pavaIjipiti navaIsiraeri. 8Navaranda venyu vose ava vachaburukira kwandiri, vachandipfugamira, vachiti, ‘Ibvai henyu, navanhu vose vanokuteverai; shure kwaizvozvo ndichabuda.’ ” Akabuda pamberi paFarao, akatsamwa kwazvo.
9Jehovha akati kuna Mosesi, “Farao haangakuteerereyi kuti zvishamiso zvangu zviwanzwe panyika yeIjipiti.” 10Mosesi naAroni vakaita zvishamiso zviya zvose pamberi paFarao, asi Jehovha akaomesa mwoyo waFarao, akasatendera vana vaIsiraeri kubva munyika yake.

Zvasarudzwa nguva ino

Ekisodho 11: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda