Eksodo 10
10
Ƌambudziko rorusere: Mhashu.
1Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Pinda kunaFarao, nokuti ndawomesa mŋoyo wake, nemŋoyo yaʋaranda ʋake, kuti ndiise ɀiratidzo ɀaŋgu iɀo pakati paʋo; 2kuti iwe ugotaura munzeʋe dzomŋanakomana wako, nedzomŋanakomana womŋanakomana wako, ɀose ɀandakaitira Egipita, neɀiratidzo ɀandakaita pakati paʋo; muziʋe kuti ndini Jehova. 3Ɀino Mosesi naAroni ʋakapinda kunaFarao, ʋakati kwaari: Ɀanzi naJehova, Mŋari waʋaHeberu: Ucaramba kuɀininipisa pamberi paŋgu kuȿikira riniko? Tendera ʋanhu ʋaŋgu kuenda ʋandinamate. 4Nokuti kana ukaramba kutendera ʋanhu ʋaŋgu kuenda, tarira, maŋgwana ndicaʋuyisa mhashu panyika yenyu; 5dzicafukidza nyika yose, kuti munhu asagona kuʋona pasi; dzicadya ɀakasara ɀakapukunyuka, ɀamakasiyirwa necimvuramabge, dzicadya miti yose inokumererai muminda; 6nedzimba dzenyu dzicazara, nedzimba dzaʋaranda ʋenyu ʋose, nedzimba dzaʋaEgipita ʋose; ɀakaɗaro haɀina‐kumboʋonekwa namadziɓaɓa enyu, namadziɓaɓa amadziɓaɓa enyu, kubva pazuʋa raʋakataŋga panyika kuȿikira zuʋa rino. Ipapo akatendeʋuka akaɓuɗa pamberi paFarao. 7Ɀino ʋaranda ʋaFarao ʋakati kwaari: Munhu uyu ucaʋa musuŋgo kwatiri kuȿikira riniko? Tenderai henyu ʋanhu kuenda, ʋandonamata Jehova Mŋari waʋo; hamuziʋi here kuti Egipita raparadzwa? 8Ɀino Mosesi naAroni ʋakadzoserwa ɀe kunaFarao, iye akati kwaʋari: Endai mundonamata Jehova Mŋari wenyu; asi ʋacaenda ndiʋananiko? 9Mosesi akati: Ticaenda naʋaɗuku ʋeɗu, naʋakuru ʋeɗu, naʋanakomana ʋeɗu naʋanasikana ʋeɗu; ticaenda namakwai eɗu, neŋombe dzeɗu; nokuti tinofanira kuitira Jehova mutambo. 10Iye akati kwaʋari: Jehova ŋgaaʋe nemi kana ini ndikatoŋgokutenderai kuenda, imi nepxere dzenyu! Cenjerai, nokuti muneŋge munofuŋga ɀakaipa. 11Haiȿa! Imi ʋarume endai henyu, mundonamata Jehova, nokuti ndiɀo ɀamakumbira. Ʋakadziŋgwa pamberi paFarao.
12Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Tambanudzira ruʋoko rwako pamsoro penyika yeEgipita, mhashu dziʋuye pamsoro penyika yeEgipita, dzidye miti yose yenyika yose yakaŋga yasiyiwa necimvuramabge. 13Mosesi akatambanudzira tȿimbo yake pamsoro penyika yeEgipita, Jehova akaʋuyisa pamsoro penyika mhepo yakabva kumabvazuʋa zuʋa iro rose noʋusiku bgose; ɀino fume maŋgwana mhepo yokumabvazuʋa ikaʋuyisa mhashu. 14Mhashu dzikaʋuya pamsoro penyika yose yeEgipita, dzikandomhara munyika yose yeEgipita; dzakaŋga dzakawanda kwaɀo; mhashu dzakaɗai hadzina‐kumboʋa’po kubva pakutaŋga, ʋuye dzakaita saidzodzo hadziŋgazoʋi’po ɀe. 15Nokuti dzakafukidza nyika yose‐yose, nyika ikati ɀi! Dzikadya miti yose yenyika, nemicero yose yemiti, yakaŋga yasiyiwa necimvuramabge; hapana‐kuzosara kunyaŋge cinhu cimŋe citema pamiti, kana pamiriʋo yeminda, panyika yose yeEgipita. 16Ipapo Farao akakurumidza kuɗana Mosesi naAroni, akati: Ndatadzira Jehova, Mŋari wenyu, nemi. 17Naiɀoɀo ɀino ndikaŋganwirei ɀiʋi ɀaŋgu ŋguʋa ino ɓedzi, mukumbire kunaJehova Mŋari wenyu, kuti abvise kwandiri rufu urwu ɓedzi. 18Akaɓuɗa pamberi paFarao, akandokumbira kunaJehova. 19Ɀino Jehova akadzosera mhepo inesimba kwaɀo, yakabva kumaʋirazuʋa, ikasimudza mhashu ikadzikandira muGuŋgwa Dɀuku; hakuna‐kuzosara kunyaŋge nemhashu imŋe cete munyika yose yeEgipita. 20Asi Jehova wakawomesa mŋoyo waFarao, akasatendera ʋana ʋaIsraeri kuenda.
Ƌambudziko repfumbamŋe: Rima.
21Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Tambanudzira ruʋoko rwako kuɗeŋga, rima riʋe’po panyika yeEgipita, rima riŋgaita seriŋgaɓatwa namaʋoko. 22Mosesi akatambanudzira ruʋoko rwake kuɗeŋga, rima guru rikaʋa po panyika yose yeEgipita, rikaita mazuʋa matatu; 23haʋana‐kuʋonana, ʋuye hapanomumŋe wakasimuka paakaŋga agere mazuʋa matatu; asi ʋana ʋaIsraeri ʋose ʋakaŋga ʋaneciedza kwaʋaigara. 24Ɀino Farao akaɗana Mosesi, akati: Endai, mundonamata Jehova; asi makwai enyu neŋombe dzenyu ŋgadzisare; nepxere dzenyu dziŋgaenda hadzo nemi. 25Mosesi akati: Munofanira kutipa ʋo mumaʋoko eɗu ɀokuɓayira neɀipiriso ɀokupisa ɀatiŋgandoɓayira Jehova Mŋari weɗu. 26Ɀipfuwo ɀeɗu ɀicaenda ʋo nesu, hakuŋgasari kunyaŋge nehwanda rimŋe, nokuti tinofanira kutora kwaɀiri kuti tinamate naɀo Jehova Mŋari weɗu; hatiziʋi ɀatiŋganamata Jehova naɀo kudzimana taȿika po. 27Asi Jehova wakawomesa mŋoyo waFarao, akaramba kuʋatendera kuenda. 28Ɀino Farao akati kwaari: Ibva pamberi paŋgu, cenjera kuti urege kuʋona ɀe ciso caŋgu, nokuti nomusi waunoʋona ciso caŋgu ucafa. 29Mosesi akati: Mareʋa kwaɀo, handicazoʋoni ciso cenyu ɀe.
Zvasarudzwa nguva ino
Eksodo 10: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018