Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Pinda kunaFarao, nokuti ndawomesa mŋoyo wake, nemŋoyo yaʋaranda ʋake, kuti ndiise ɀiratidzo ɀaŋgu iɀo pakati paʋo; kuti iwe ugotaura munzeʋe dzomŋanakomana wako, nedzomŋanakomana womŋanakomana wako, ɀose ɀandakaitira Egipita, neɀiratidzo ɀandakaita pakati paʋo; muziʋe kuti ndini Jehova.