Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kubuda 10:1-29

Kubuda 10:1-29 SCLBD

Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Enda kuna Farao nokuti ndaita kuti aomese mwoyo, iye namachinda ake kuti ndiite zviratidzo zvangu pakati pavo. Ndinodawo kuti imi vaIsiraeri muzokwanisa kukurukurira vana venyu navazukuru venyu, vachinzwa nenzeve dzavo kupusisa kunorwadza kwandakaita vaIjipiti nezviratidzo zvandakaita pakati pavo, mugoziva kuti ini ndini Tenzi.” Mosesi naAroni vakaenda kuna Farao vakandoti, “Zvanzi naTenzi, Mwari wevaHebheru, ‘Iwe ucharamba kuzvirereka kwandiri kusvikira riniko? Rega vanhu vangu vaende vandondinamata nokuti kana ukaramba kuti vanhu vangu vaende, ndichaunza mhashu munyika mako mangwana. Mhashu dzacho dzichazara zvokufukidza nyika yose zvokuti pasi hapazoonekwa. Dzichadya zvakasara muminda zvisina kuparadzwa nechimvuramahwe, dzichidyawo miti yenyu yose yomuminda. Mhashu dzichati farara mumba mako nomudzimba dzamachinda ako, nedzevaIjipiti vose, zvisina kumboonekwa namadzibaba kana namadzisekuru ako chingo chavakauya panyika kusvikira pari nhasi.’ ” Ipapo Mosesi akafuratira Farao ndokuenda. Machinda aFarao akamuti, “Munhu uyu acharamba achititambudzisa kusvikira riniko? Zviri nani kuti murege vaIsiraeri vaende zvavo vandonamata Tenzi, Mwari wavo. Ko nazvino wose hamusi kuonawo here kuti kutoparara kuri kuita nyika yeIjipiti ikoku?” Ipapo Mosesi naAroni vakabva vadzorwa kuna Farao. Iye akavati, “Chiendai zvenyu mundonamata Tenzi, Mwari wenyu. Ko zvino vachaenda ndivanaaniko?” Mosesi akati, “Tichaenda tose vakuru navaduku. Tichatakura vana vedu vakomana navasikana. Tichaendawo nemombe nezvimwe zvipfuwo zvedu zvose nokuti tiri kundoita mabiko chaiwo okupemberera Tenzi.” Mambo akavatsanangurira achiti, “Kana zvikaitika kuti ndikubvumidzei kuenda zvenyu navana venyu, kubva Tenzi wacho iyeyo ngaave nemika. Chionaika zvamuri kuronga zvakaipa kwazvo. Hazvimboitika! Vanhurume chete ndivo vachaenda kundonamata Tenzi. Inga ndizvo zvamanga muchida wani!” Pakarepo Mosesi naAroni vakadzingwa pana Farao. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Simudzira ruoko rwako pamusoro penyika yose yeIjipiti kuti mhashu dziuye, muIjipiti dzidye zvose zvisina kuparadzwa nechimvuramahwe.” Mosesi akatambanudza tsvimbo yake pamusoro penyika yose yeIjipiti. Tenzi akaunza mhepo yakabva kumabvazuva, yakaswerera ikararira ichivhuvhuta. Kuzoti kwaedza mhepo yokumabvazuva iyi yakaunza mhashu. Mhashu dzacho dzakauya dzakawanda kwazvo munyika yose yeIjipiti, dzikamhara zvokuti tsvete nyika yose zvayo yeIjipiti. Mhashu dzakadai hadzina kumboonekwa kubvira pasi chigare uye hadzizombofi dzakaonekwazve. Dzakamomotera nyika yose, zvokuti pasi pakati ndo-o kusviba. Dzakadya zvose zvaiva munyika iyi. Dzakadyawo michero yose yomumiti yakanga yasiyiwa nechimvuramahwe. Hadzina kusiya kana shizha zvaro nyoro pamuti kana pane kai zvako muminda munyika yose zvayo yeIjipiti. Ipapo Farao akakurumidza kudaidza Mosesi naAroni akati, “Ndakatadzira Tenzi, Mwari wenyu ndikakutadziraiwo imi. Zvino chindiregereraiwo chitadzo changu rwendo runo bedzi mukumbire Tenzi, Mwari wenyu kuti andibvisirewo nhamo yorufu iyi.” Mosesi akabva pana Farao akandoteterera Tenzi. Tenzi akabva adzora mhepo iya, ndokuiunza ichibva nechokumadokero yava nesimba kwazvo. Yakatakura mhashu idzi ikandodzikanda muGungwa Dzvuku. Hakuna kunyange nemhashu imwechete yakasara munyika yeIjipiti yose. Asi Tenzi akaita kuti Farao aomese mwoyo, naizvozvo akarambidza vaIsiraeri kuenda. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Simudzira ruoko rwako mudenga kuti muIjipiti muve nerima rakati kwindindi.” Mosesi akasimudzira ruoko rwake kudenga, rima guru ndokufukidza Ijipiti yose kwamazuva matatu. Ipapo vaIjipiti vakanga vasisaonani. Hakuna munhu akaedza kubuda mumba make pamazuva iwayo ose. Asi kwaiva navaIsiraeri kwakanga kuine chiedza. Farao akadaidza Mosesi akati, “Chiendai zvenyu mundonamata Tenzi, vana venyu vangaendewo zvavo nemi, asi mombe nezvimwe zvipfuwo zvenyu ngazvisare.” Mosesi akati, “Zvinoreva here kuti imi ndimi muchatipa zvipfuwo zvokundobaya tichipisira kuna Tenzi, Mwari wedu? Tichaendawo nezvipfuwo zvedu, hapana kana nechimwechete chinofanira kusara. Muzvipfuwo zvedu ndimo matichasarudza zvatichazobaya tichipisira Tenzi, Mwari wedu. Hatingazivizve kuti ndechipi chatichabayira Tenzi tisati tasvikako.” Tenzi akaita kuti Farao aomese mwoyo akaramba kuti vaIsiraeri vaende. Farao akati, “Iwe Mosesi chibva pandiri! Zvingwarire! Handidi kuzokuonazve mumaziso mangu! Zuva randinongokuona pano mumaziso mangu chako kufa!” Mosesi akati, “Zvamareva ndizvozvo, handichazoona uso hwenyu zvakare.”

Verenga chikamu Kubuda 10