VaEfeso 2:4-9
VaEfeso 2:4-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi nokuda kworudo rwake rukuru kwatiri, Mwari, iye akapfuma pangoni, akatiita vapenyu muna Kristu kunyange zvedu takanga takafa mukudarika kwedu, makaponeswa nenyasha. Uye Mwari akatimutsa pamwe chete naKristu akatigarisa kudenga muna Kristu Jesu, kuitira kuti munguva dzinouya aratidze pfuma yake huru yenyasha dzake, zvichiratidzwa muunyoro hwake kwatiri muna Kristu Jesu. Nokuti makaponeswa nenyasha, kubudikidza nokutenda, uye izvi hazvibvi kwamuri, chipo chaMwari, kwete namabasa, kuti parege kuva nomunhu anozvikudza.
VaEfeso 2:4-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Mwari ane nyasha zhinji-zhinji, nokuda kworudo rwake rukuru, rwaakatida narwo, kunyange takanga takafa mukudarika kwedu, akatiraramisa pamwechete naKristu makaponeswa nenyasha; akatimutsa pamwechete naye, akatigarisa kudenga pamwechete naye muna Kristu Jesu; kuti nenguva dzinouya aratidze pfuma huru-huru yenyasha dzake paunyoro hwake kwatiri muna Kristu Jesu; nokuti makaponeswa nenyasha, nokutenda; izvo zvisingabvi kwamuri, asi chipo chaMwari; hazvibvi pamabasa, kuti kurege kuva nomunhu anozvikudza.
VaEfeso 2:4-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi Mwari, azere netsitsi, pamusana porudo rwake rukuru rwaakatida narwo, kunyange patanga takafa nokuda kokutadza kwedu, akatiita kuti tive vapenyu pamwe naKristu. Makaponeswa nenyasha. Akatimutsa pamwechete naye akaita kuti tigare naye mumatenga tiri muna Kristu Jesu, kuti mumazuva achauya, norudo rwake, aratidze upfumi husingaverengeki hwenyasha dzake kwatiri muna Kristu Jesu. Pamusana penyasha makaponeswa nechitendero, asi musiri imi munozviponesa; chipo chaMwari, kwete pamusana pamabasa kuti pasave nomunhu anozvikudza
VaEfeso 2:4-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Mŋari unenyasha zhinji‐zhinji, nokuɗa kworuɗo rwake rukuru, rwaakatiɗa narwo, kunyaŋge takaŋga takafa mukuɗarika kweɗu, wakatiraramisa pamŋe cete naKristu (makaponeswa nenyasha); akatimutsa pamŋe cete naye, akatigarisa kuɗeŋga pamŋe cete naye munaKristu Jesu; kuti neŋguʋa dzinoʋuya aratidze fuma huru‐huru yenyasha dzake paʋunyoro bgake kwatiri munaKristu Jesu; nokuti makaponeswa nenyasha, nokutenda; iɀo ɀisiŋgabvi kwamuri, asi cipo caMŋari; haɀibvi pamaɓasa, kuti kurege kuʋa nomunhu unoɀikudza.
VaEfeso 2:4-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)